Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

Muparidzi 3:11—“Akaita Chinhu Chimwe Nechimwe Chakanaka Nenguva Yacho”

Muparidzi 3:11—“Akaita Chinhu Chimwe Nechimwe Chakanaka Nenguva Yacho”

 “Iye akaita zvinhu zvese zvakanaka panguva yazvo. Akatoisa nguva isingagumi mumwoyo mavo; kunyange zvakadaro vanhu havafi vakanzwisisa basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.”—Muparidzi 3:11, BhaibheriShanduro Yenyika Itsva.

 “Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.”—Muparidzi 3:11, Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi.

Zvinorehwa naMuparidzi 3:11

 “Iye akaita zvinhu zvese zvakanaka panguva yazvo.” Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “zvakanaka” haringorevi chimwe chinhu chinotaridzika zvakanaka. Rinogonawo kushandurwa richinzi “zvakanyatsorongwa.” (Muparidzi 3:11, mashoko emuzasi) Mabasa aMwari akanaka anosanganisira zvinhu zvese zvaakasika uye zvese zvaanoita kuti azadzise zvaanoda.—Dhanieri 2:21; 2 Petro 3:8; Zvakazarurwa 4:11.

 “Akatoisa nguva isingagumi mumwoyo mavo.” Mwari akasika vanhu kuti vararame nekusingaperi. (Pisarema 37:29) Akaisawo chido chekurarama nekusingaperi mavari. Asi murume nemukadzi vekutanga Adhamu naEvha, havana kuteerera Mwari uye izvi zvakaita kuti ivo nevana vavo vafe. (Genesisi 3:17-19; VaRoma 5:12) Kunyange zvakadaro Mwari anovimbisa ‘kugutsa zvido zvezvinhu zvese zvipenyu,’ kusanganisira chido chine vanhu chekurarama nekusingaperi. (Pisarema 145:16) Bhaibheri rinotsanangura kuti Jehovha akaita sei kuti vanhu vawanezve mukana wekurarama nekusingaperi.—VaRoma 6:23.

 “Vanhu havafi vakanzwisisa basa rakaitwa naMwari wechokwadi kubvira pakutanga kusvikira pakupedzisira.” Uchenjeri hwaMwari hwakadzama uye hwakakura zvekuti Bhaibheri rinoti ‘hahugoni kunzwisiswa.’ (VaRoma 11:33) Asi Mwari anoda kuzivisa zvinangwa zvake kune vaya vanoda kumufadza.—Amosi 3:7.

Mashoko akapoteredza Muparidzi 3:11

 Bhuku raMuparidzi rakanyorwa naMambo Soromoni weIsraeri, uyo aizivikanwa chaizvo nemhaka yeuchenjeri hwaakapiwa naMwari. Rine mazano anobatsira kuziva zvinhu zvinokosha muupenyu uye zvinhu zvisina zvazvinobatsira. (Muparidzi 1:2, 3; 2:1, 17; 7:1; 12:1, 13) Muchitsauko 3, Soromoni anotaura nezvezvinhu zvinowanzoitika muupenyu hwevanhu. Anotaura nezvemabasa akasiyana-siyana. (Muparidzi 3:1-8, 10) Mwari akapa vanhu rusununguko rwekusarudza mabasa avanoda kuita uyewo nguva yekuaita. (Dheuteronomi 30:19, 20; Joshua 24:15) Soromoni anotsanangura kuti vanhu vanogona kufadzwa nezvinhu zvakanaka zvinobva pakushanda kwavo nesimba kana vakaita zvinoenderana nechinangwa chaMwari uye vakazviita panguva yake yakakodzera. Soromoni anoti ichi “chipo chaMwari.”—Muparidzi 3:1, 12, 13.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe pfupiso yezviri mubhuku raMuparidzi.