Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaKorose 3:23—“Zvose Zvamunoita, Muzviite Nomwoyo Wose”

VaKorose 3:23—“Zvose Zvamunoita, Muzviite Nomwoyo Wose”

 “Zvese zvamunoita, zviitei nemweya wese sekunge muri kuitira Jehovha, kwete vanhu.”—VaKorose 3:23, BhaibheriShanduro yeNyika Itsva.

 “Zvose zvamunoita, muzviite nomwoyo wose, sokuna Ishe, musingaitiri vanhu.”—VaKorose 3:23, The Bible in Union SHONA Version.

Zvinorehwa naVaKorose 3:23

 MuKristu anofanira kushanda nesimba nekuti maitiro aanoita basa akabatana nekunamata kwake Jehovha Mwari.

 “Zvese zvamunoita.” Vaya vanoda kunamata Jehovha vanoedza kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri pazvese zvavanoita. Vanoedza chaizvo kushanda nesimba, kuva vanhu vakatendeseka uye vanovimbwa navo pane zvavanoita mazuva ese kumba, kubasa uye kuchikoro.—Zvirevo 11:13; VaRoma 12:11; VaHebheru 13:18.

 “Muzviite nomwoyo wose.” Mashoko ekuti “nomwoyo wose” akashandurwa kubva mumashoko echiGiriki “anotsanangura kuzvipira kunenge kwakaita munhu pakuita kuda kwaMwari nesimba rake rese.” a

 Saka mushandi akadaro anoisa simba rake rese uye pfungwa dzake dzese pabasa raanenge achiita.

 “Sekunge muri kuitira Jehovha, kwete vanhu.” Pasinei nekuti ibasa ripi ravanenge vachiita, vaKristu vanorikoshesa nekuti vanoziva kuti mashandiro avanoriita anoita kuti vafarirwe naJehovha Mwari kana kuti vasafarirwa. Vanonyanya kuda kufadza iye pane kufadza wavanoshandira kana mumwewo munhu. Kana muKristu akashanda nesimba zvichaita kuti aremekedzwe. Asi chinonyanya kukosha ndechekuti zvinokudza Mwari waanonamata uye zvichaita kuti ‘zita raMwari rirege kutaurwa zvakaipa nezvaro.’—1 Timoti 6:1; VaKorose 3:22.

Mashoko akapoteredza VaKorose 3:23

 Bhuku raVaKorose rakanyorwa nemuapostora Pauro kuvaKristu vaigara muguta rainzi Korose. b Zvinoratidza sekuti akarinyora ari muRoma, ava kuda kuzosunungurwa mujeri, munenge muna 60 kana kuti 61 C.E.

 Bhuku ravaKorose rine mazano anobatsira vaKristu vese kuti vanamate Mwari vakabatana. (VaKorose 3:11) Rinovakurudzira kuti varatidze unhu hwaMwari hwakadai serudo, mutsa uye tsitsi. (VaKorose 3:12-14) Rinotsanangura kuti zvese zvinoitwa nemunhu muupenyu zvinofanira kuratidza kuti anonamata Mwari.—VaKorose 3:18-4:1.

 Ona vhidhiyo iyi pfupi kuti unzwe zvinotaurwa mubhuku raVaKorose.

a Kubva muExegetical Dictionary of the New Testament, 1993, Volume 3, peji 502.

b Rinowanikwa kuTurkey mazuva ano.