Enda pane zvauri kuda

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Ungaratidza Sei Kuti Unoda Mumwe Wako?

Ungaratidza Sei Kuti Unoda Mumwe Wako?

 Nekufamba kwenguva, vamwe vakaroorana vanorega kuratidzana rudo. Kana izvi zviri kuitika muwanano yenyu, pane zvaunogona kuita kugadzirisa dambudziko racho.

 Zvaunofanira kuziva

 Kuratidzana rudo kunoita kuti imba isimbe. Kuti muviri urambe wakasimba uye uine utano, munhu anofanira kugara achidya uye achinwa mvura. Ndizvo zvazvakaitawo nemuwanano, kugara muchiratidzana rudo kunoita kuti isimbe. Kunyange vava kutochembedzana, varume nemadzimai vanofanira kugara vachiratidzana kuti vanodanana.

 Rudo rwechokwadi haruna udyire. Runoita kuti uite zvinhu zvinoita kuti mumwe wako afare. Saka pane kuti uratidze rudo paunenge wakunzwa kuda, unofanira kuedza kuziva zvinodiwa nemumwe wako wozviita.

 Madzimai ndiwo anowanzoda kuratidzwa rudo. Murume anogona kunge achida mudzimai wake chaizvo. Asi kana akangoratidza rudo irworwo mangwanani kana kuti manheru kana kuti paanenge ava kuda bonde, mudzimai wake angasanzwa seanonyatsodiwa. Zviri nani kuratidza rudo kakawanda uye chero nguva.

 Zvaungaita

 Taura mashoko anoratidza kuti unoda mumwe wako. Mashoko akadai seekuti “Ndinokuda” kana kuti “Hakuna mumwe akaita sewe” anogona kuita kuti mumwe wako anzwe kuti anodiwa.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Muromo unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.”—Mateu 12:34.

 Zano: Usagumira pakuita zvekungotaura kuti unomuda. Ita zvekunyora katsamba, mae-mail kana kuti mameseji.

 Ita zvinhu zvinoratidza kuti unoda mumwe wako. Kumbundira mumwe wako, kumutsvoda kana kuti kungobatana maoko kunogona kuratidza kuti unenge uchirevesa paunoti “Ndinokuda.” Zvimwe zvinhu zvinogona kuratidza kuti unonyatsoda mumwe wako, kumupuruzira, kumutarisa zvine rudo mukati kana kuti kumbomupawo chipo. Murume anogona kubatsira mudzimai wake nekuita zvinhu zvakadai sekutakura mabhegi, kumuvhurira dhoo, kusuka ndiro, kuwacha hembe, kana kuti kubika. Vakawanda vanoona kuita zvinhu izvi sekuratidza rudo!

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Ngatiregei kudanana neshoko kana norurimi, asi nemabasa.”—1 Johani 3:18.

 Zano: Bata mumwe wako sezvawaiita muchiri mukomana nemusikana.

 Tsvaga nguva yekuva nemumwe wako. Kumbova nenguva yekunge muri mega kunosimbisa wanano yenyu uye kunoratidza mumwe wako kuti unonakidzwa nekuva naye. Zvinogona kuoma kuwana nguva yakadaro kana muine vana kana kuti kana muchigara muine zvinhu zvakawanda zvinofanira kuitwa. Munogona kuronga nguva yamunofamba henyu muri vaviri muchitwasanudza makumbo.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Ivai nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.’—VaFiripi 1:10.

 Zano: Vamwe vakaroorana vanoronga nguva yekumbonofurwa nemhepo vari vega.

 Ziva mumwe wako. Vanhu vanosiyana pane zvavanoda kuitirwa panyaya yekuratidzwa rudo. Tauriranai kuti mumwe nemumwe wenyu anoda kuratidzwa sei rudo uye kana paine pangada kuwedzerwa. Kana waziva zvinoda mumwe wako, chishanda nesimba kuti uzviite. Yeuka kuti kuratidzana rudo kunoita kuti imba isimbe.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Rudo . . . haruzvitsvakiri zvarwo.”—1 VaKorinde 13:4, 5.

 Zano: Panzvimbo pekunetsa mumwe wako uchiti ndiratidze rudo, zvibvunze kuti: ‘Ndingaitei kuti mumwe wangu awedzere kundida?