Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Chegumi?

Bhaibheri Rinotii Nezvekubvisa Chegumi?

Mhinduro yeBhaibheri

 VaIsraeri vakapiwa murayiro wekuti vape chegumi a chezvavaiwana pagore kuti vatsigire kunamata kwakachena. Mwari akati kwavari: “Unotofanira kupa chegumi chezvibereko zvako zvese zvembeu yaunodyara mumunda gore negore.”—Dheuteronomi 14:22.

 Murayiro wekupa chegumi waiva muMutemo waMozisi, kureva mitemo yakapiwa vaIsraeri vakararama kare. VaKristu havasi pasi peMutemo waMozisi saka havarayirwi kupa chegumi. (VaKorose 2:13, 14) Asi muKristu mumwe nemumwe anopa mari “sezvaakasarudza mumwoyo make, kwete kuita asingadi kana kuti achimanikidzwa, nekuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”—2 VaKorinde 9:7.

 Chegumi Chinotaurwa muTestamende Yekare

 MuTestamende Yekare nyaya yekubvisa chegumi inotaurwa nezvayo kakati wandei. Painozonyanya kutaurwa ndepaya panenge papiwa vaIsraeri mitemo pachishandiswa Mozisi. Asi kaviri kacho, chegumi chinotaurwa Mutemo waMozisi usati wapiwa.

Mutemo waMozisi Usati Wapiwa

 Munhu wekutanga kutaurwa nezvake achipa chegumi ndiAbramu (Abrahamu). (Genesisi 14:18-20; VaHebheru 7:4) Chegumi chakapiwa naAbramu chinoratidza kuti chakapiwa kamwe chete kuna mambo uye mupristi weSarema. Munhoroondo yacho muBhaibheri, hapana chinoratidza kuti Abrahamu kana kuti vana vake vakaramba vachipa chegumi.

 Munhu wechipiri kutaurwa nezvake muBhaibheri achipa chegumi ndiJakobho, muzukuru waAbrahamu. Akavimbisa kuti kana Mwari akamukomborera aizopa Mwari “chegumi chezvese” zvaainge awana. (Genesisi 28:20-22) Maererano nedzimwe nyanzvi dzinoongorora Bhaibheri, Jakobho anofanira kunge akapa chegumi chake chiri zvibayiro zvemhuka. Jakobho akachengeta mhiko yake ndokupa chegumi, asi haana kumborayira mhuri yake kupa chegumi.

Pasi peMutemo waMozisi

 VaIsraeri vakararama kare vairayirwa kuti vape chegumi senzira yekutsigira nayo kunamata kwavo.

  •   Chegumi ndicho chairaramisa vaya vaigara vachiita basa raMwari nguva dzese, kureva vaRevhi, kusanganisira vapristi, avo vakanga vasina minda yavo yekurima. (Numeri 18:20, 21) Asi vamwe vaRevhi vakanga vasiri vapristi vaigamuchira chegumi kubva kune vanhu vobva vapawo vapristi zvakanakisisa zvacho semupiro “wechegumi chinobva pachegumi chacho.”—Numeri 18:26-29.

  •   Zvinoratidza kuti chegumi chaifanira kupiwawo mugore rechipiri, uye chaizobatsira vese vaRevhi nevakanga vasiri vaRevhi. (Dheuteronomi 14:22, 23) Mhuri dzevaIsraeri dzaishandisa urongwa uhwu pamitambo inokosha, uye mune mamwe makore chegumi chaipiwawo varombo kuti vawane chinovararamisa.—Dheuteronomi 14:28, 29; 26:12.

 Chegumi chaipiwa sei? VaIsraeri vaiisa padivi chegumi chegoho ravo pagore rese. (Revhitiko 27:30) Kana vakasarudza kupa chegumi iri mari kwete zvirimwa, vaifanira kuwedzera 20 muzana paukoshi hwacho. (Revhitiko 27:31) Vairayirwawo kupa ‘zvegumi zvemombe nemakwai nembudzi,’ izvo zvinofanira kunge zvaireva chegumi chezvinenge zvawedzera.—Revhitiko 27:32.

 Kuti vazive chegumi chezvipfuwo zvavo, vaIsraeri vaisarudza mhuka yechigumi yega yega padzinenge dzichibuda mudanga. Mutemo waiti vaisafanira kuongorora kana kuchinjanisa mhuka dzinenge dzasarudzwa, uye vaisafanira kupa chegumi chadzo iri mari. (Revhitiko 27:32, 33) Asi chegumi chechipiri, icho chaishandiswa pamitambo yepagore chaigona kupiwa iri mari. Izvi zvaibatsira kuti zviitire nyore vaIsraeri vaiuya kumitambo yacho vachibva kure.—Dheuteronomi 14:25, 26.

 VaIsraeri vaipa chegumi riini? VaIsraeri vaipa chegumi gore rega rega. (Dheuteronomi 14:22) Asi, gore rechinomwe rega rega vaisapa chegumi. Gore iroro raiva sabata, kana kuti gore rekuzorora, saka vaIsraeri vaisarima chero chii zvacho. (Revhitiko 25:4, 5) Nechikonzero ichocho, hapana chegumi chaitorwa munguva yekukohwa. Gore rechitatu nerechi6 rega rega kubva mugore resabata, vaIsraeri vaipawo chegumi chechipiri kune varombo nevaRevhi.—Dheuteronomi 14:28, 29.

 Kusabvisa chegumi kwairipwa nei? Mutemo waMozisi waisataura mutongo wekusabvisa chegumi. VaIsraeri vaifanira kupa chegumi nekuti vaiziva kuti ndizvo zvavanofanira kuita, kwete nekuti pane mutongo. Vaifanira kutaura pamberi paMwari kuti vapa chegumi uye kukumbira kuti Mwari avakomborere nekuti vainge vapa. (Dheuteronomi 26:12-15) Mwari aiona kusapa chegumi sekumubira.—Maraki 3:8, 9.

 Kubvisa chegumi waiva mutoro unorema here? Aiwa. Mwari akavimbisa vaIsraeri kuti kana vakapa chegumi, aizovadururira makomborero uye hapana chavaizoshayiwa. (Maraki 3:10) Asiwo vaIsraeri vaitambura pavairega kupa chegumi, vaisawana makomborero uye vaizotadza kubatsirwa nevapristi nevaRevhi nekuti vainge vavarasa.—Nehemiya 13:10; Maraki 3:7.

 Chegumi Chinotaurwa muTestamende Itsva

 Panguva yakararama Jesu panyika, vanamati vaMwari vakanga vachiri kutarisirwa kubvisa chegumi. Asi izvi zvakazopera Jesu paakafa.

Jesu paaiva panyika

 Mune inonzi Testamende Itsva, Bhaibheri rinoratidza kuti vaIsraeri vakaramba vachibvisa chegumi Jesu paaiva panyika. Jesu akabvuma kuti vaifanira kupa chegumi, asi akashora vatungamiriri vezvitendero vaibhadhara chegumi “asi [vachisiya] nyaya dzinokosha dzeMutemo, dzinoti, kutonga zvakarurama nengoni nekutendeka.”—Mateu 23:23.

Jesu paakazofa

 Jesu paakafa mutemo wekubvisa chegumi wakabva waguma. Kufa kwakaita Jesu sechibayiro kwakadzima Mutemo waMozisi, kusanganisira “murayiro wekutora zvegumi.”—VaHebheru 7:5, 18; VaEfeso 2:13-15; VaKorose 2:13, 14.

a Chegumi chinoreva “chikamu chechigumi chega chega chinoiswa padivi kuti chizoshandiswa. . . . Chegumi chinowanzotaurwa muBhaibheri chaipiwa nekuda kwezvinhu zvekunamata.”—Harper’s Bible Dictionary, peji 765.