Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii nezvaDhanieri?

Bhaibheri Rinotii nezvaDhanieri?

Mhinduro yeBhaibheri

 Dhanieri aiva muprofita wechiJudha akararama makore ekuma600 kusvika 500 B.C.E. Mwari akamuita kuti akwanise kududzira hope, akaita kuti aone zvaizoitika mune ramangwana, uye akamufemera kuti anyore bhuku reBhaibheri rinonzi Dhanieri.—Dhanieri 1:17; 2:19.

Dhanieri aiva ani?

 Dhanieri akakurira muumambo hweJudha, umo maiva neguta reJerusarema uye temberi yevaJudha. Muna 617 B.C.E., mambo weBhabhironi, Nebhukadhinezari, akatora Jerusarema uye akatapa “varume vaikudzwa vemunyika yacho” akaenda navo kuBhabhironi. (2 Madzimambo 24:15; Dhanieri 1:1) Dhanieri uyo anofanira kunge aiva mukomana wechidiki panguva yacho akatapwawo.

 Dhanieri nevamwe vakomana vechidiki vanosanganisira Shadreki, Misheki naAbhedhinego vakaendeswa kumuzinda weBhabhironi kunodzidziswa basa remuhurumende. Kunyange zvazvo vakamanikidzwa kuti vaite zvinhu zvaisaenderana nezvavaitenda, Dhanieri neshamwari dzake nhatu vakaramba vakatendeka kuna Mwari wavo, Jehovha. (Dhanieri 1:3-8) Pavakapedza makore matatu ekudzidziswa, mambo Nebhukadhinezari akavarumbidza neuchenjeri uye unyanzvi hwavo achivati “vaipfuura vapristi vese vaiita zvemashiripiti nen’anga dzaiva muumambo hwake hwese zvakapetwa kagumi.” Akagadza Dhanieri neshamwari dzake kuti vashande mumuzinda wamambo.—Dhanieri 1:18-20.

 Papera makumi emakore, Dhanieri paanogona kunge akanga ava nemakore ekuma90, akashevedzwa kumuzinda. Mambo anonzi Bheshazari uyo akanga ava kutonga muBhabhironi panguva yacho, akakumbira Dhanieri kuti adudzire zvakanga zvangoerekana zvanyorwa neruoko pamadziro. Achitungamirirwa naMwari, Dhanieri akataura kuti Bhabhironi raizokundwa neUmambo hweMedhiya nePezhiya. Bhabhironi rakakundwa usiku ihwohwo chaihwo.—Dhanieri 5:1, 13-31.

 Pakanga pava kutonga Medhiya nePezhiya, Dhanieri akagadzwa kuti ave gurukota uye mambo Dhariyasi aida kutowedzera kumukwidziridza. (Dhanieri 6:1-3) Vamwe vakuru vehurumende vakaitira Dhanieri godo uye vakaronga kumuuraya nekuita kuti akandwe mugomba reshumba, asi Jehovha akamuponesa. (Dhanieri 6:4-23) Dhanieri paakanga ava pedyo nekufa, ngirozi yakazviratidza kwaari uye yakamusimbisa kaviri ichiti aiva “murume anokosha chaizvo.”—Dhanieri 10:11, 19.

 Ona dhirama rine zvikamu zviviri rinoratidza upenyu hwaDhanieri rinonzi Dhanieri—Murume Aiva Nekutenda.