Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupa?

Bhaibheri Rinoti Kudii Nezvekupa?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri rinokurudzira kuti munhu ape zvichibva pamwoyo uye nechinangwa chakanaka. Rinotaura kuti kupa kwakadaro kunobatsira anenge agamuchira neanenge apa wacho. (Zvirevo 11:25; Ruka 6:38) Jesu akati: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”​—Mabasa 20:35.

 Kupa kunofadza Mwari kwakaita sei?

 Mwari anoda munhu anopa zvichibva pamwoyo. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”​—2 VaKorinde 9:7.

 Kupa zvinobva pamwoyo ndiko “kunamata” kunodiwa naMwari. (Jakobho 1:27) Munhu ane rupo anenge achishanda pamwe chete naMwari, uye Mwari anoona rupo rwakadaro sechikwereti. (Zvirevo 19:17) Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari pachake ndiye acharipa munhu anenge aratidza rupo.​—Ruka 14:12-14.

 Kupa kusingafadzi Mwari kwakaita sei?

 Kana munhu akapa aine chinangwa chakaipa. Izvi zvinosanganisira:

 Kana zvichitsigira zvinhu zvisingadiwi naMwari. Semuenzaniso, zvinenge zvakaipa kupa munhu mari kuti abheje kana kuti adhakwe. (1 VaKorinde 6:9, 10; 2 VaKorinde 7:1) Hazvinawo kunaka kupa munhu zvinhu asi iye achikwanisa kushanda kuti azviriritire.​—2 VaTesaronika 3:10.

 Kana zvichitadzisa munhu kuriritira mhuri yake. Bhaibheri rinodzidzisa kuti vanababa vanofanira kuriritira mhuri dzavo. (1 Timoti 5:8) Hazvina kunaka kuti baba vape vamwe vanhu zvimwe zvinhu asi mhuri yavo ichisara ichitambura. Jesu akashorawo vaya vaitadza kuchengeta vabereki vainge vakwegura, vachiti zvese zvavaiva nazvo “chipo chakatsaurirwa kuna Mwari.”​—Mako 7:9-13.