Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinogona Kundinyaradza Here Kana Ndichizvipa Mhosva?

Bhaibheri Rinogona Kundinyaradza Here Kana Ndichizvipa Mhosva?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu. Bhaibheri rinogona kutibatsira kuziva zvekuita kuti tisazvipa mhosva. (Pisarema 32:1-5) Kana tikakanganisa asi tonyatsoratidza kuti tiri kurwadziwa nezvataita uye kuti hatidi kuzvidzokorora, Mwari anotiregerera uye anotibatsira kuti tisaramba tichizvipa mhosva. (Pisarema 86:5) Bhaibheri rinoratidza kuti kuzvipa mhosva kunogona kubatsira dzimwe nguva. Kunogona kuita kuti munhu arege kuita zvakaipa oshanda nesimba kuti asazvidzokorora zvakare. (Pisarema 51:17; Zvirevo 14:9) Asiwo Bhaibheri rinotiyambira kuti tisanyanya kuzvipa mhosva, zvekuti tinosvika pakuzviona sekuti hatikoshi pamberi paMwari. Kuzviona nenzira iyi kunogona kuita kuti munhu “aodzwe mwoyo kwazvo neshungu huru.”—2 VaKorinde 2:7, The Bible In Union Shona Version.

 Zvii zvinogona kuita kuti munhu azvipe mhosva?

 Pane zvinhu zvakawanda zvinogona kuita kuti tizvipe mhosva. Tinogona kuona kuti tarwadzisa mumwe munhu watinoda kana kuti takundikana kuita zvinhu zvatinofunga kuti tinofanira kuita. Dzimwe nguva tinogona kuzvipa mhosva asi pasina kana mhosva yataita. Semuenzaniso, kana tikazvirongera kuita zvinhu zvakawandisa kana kuti zvatisingagoni, pese patichakundikana kuita zvinhu izvozvo tinogona kutanga kuzvipa mhosva. Ndosaka Bhaibheri richitikurudzira kuti tisanyanya kuzviomesera.—Muparidzi 7:16.

 Ndingaita sei kana ndichizvipa mhosva?

 Pane kuti urege kuzvipa mhosva kuchikushayisa simba, ita zvaunogona kuti ugadzirise zvinhu. Ungazviita sei?

  •   Bvuma kuti wakanganisa. Nyengetera kuna Jehovha a Mwari uchikumbira kuti akuregerere. (Pisarema 38:18; Ruka 11:4) Unogona kuva nechokwadi chekuti Mwari achakunzwa kana ukaratidza kuti uri kurwadziwa nezvawaita uye ukashanda nesimba kuti usazvidzokorora. (2 Makoronike 33:13; Pisarema 34:18) Anoona zviri mumwoyo medu, izvo zvisingakwanisi kuonekwa nevanhu. Kana Jehovha akaona kuti tiri kushanda nesimba kuti tisiye zvakaipa, “iye akatendeka uye akarurama zvekuti anotiregerera zvivi zvedu.”—1 Johani 1:9; Zvirevo 28:13.

     Uyewo kana ukatadzira mumwe munhu, unofanira kubvuma kuti wakanganisa wokumbira ruregerero zvichibva pamwoyo. Izvi zvingasava nyore! Zvinoda ushingi uye kuzvininipisa. Asi kukumbira ruregerero zvichibva pamwoyo kunokubatsira munzira mbiri: Kuchakubatsira iwe pachako kuti unzwe zviri nani, uye kuchaita kuti uve nerugare nemunhu wawakanganisira.—Mateu 3:8; 5:23, 24.

  •   Funga nezvemavhesi anotaura nezvetsitsi dzaMwari. Semuenzaniso funga nezva1 Johani 3:19, 20. Pavhesi iyi Bhaibheri rinoti “mwoyo yedu ingatipa mhosva” izvo zvinoreva kuti, tinogona kuzvishora, tozviona sekuti hatina kukodzera kudiwa naMwari. Asiwo mavhesi aya anotaurawo kuti, “Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu.” Zvingadaro sei? Anonyatsoziva zvese nezvedu uye anonzwisisa manzwiro edu uye zvatisingakwanisi kuita. Anozivawo kuti takaberekwa tine chivi, izvo zvinoreva kuti zviri nyore kwatiri kuti tiite zvinhu zvakaipa. b (Pisarema 51:5) Saka haazombosiyi vaya vanorwadziwa nezvavakakanganisa voreurura kwaari.—Pisarema 32:5.

  •   Usaramba uchifunga zvawakakanganisa kare. MuBhaibheri mune nyaya dzakawanda dzevarume nevakadzi vakaita zvakaipa asi vakazochinja. Mumwe wavo ndiSauro wekuTaso, uyo akazotanga kuzivikanwawo semuapostora Pauro. Paaiva muFarisi, aitambudza vateveri vaJesu zveutsinye. (Mabasa 8:3; 9:1, 2, 11) Asi paakaziva kuti akanga ari kutopikisana naMwari, naMesiya, kana kuti Kristu, akazvidemba akachinja nzira dzake akava muKristu akanaka chaizvo. Ichokwadi kuti Pauro aizvidemba nemhaka yezvaakamboita kare, asi haana kuramba achingozvifunga. Aiziva kuti Mwari akanga amuratidza tsitsi huru, saka akava muparidzi anoshingaira uye akaramba akaisa pfungwa patariro yake yekurarama nekusingaperi.—VaFiripi 3:13, 14.

 Mavhesi anotaura nezvekuzvipa mhosva uye kuregererwa

 Pisarema 51:17: “Haiwa Mwari, hamuzorambi mwoyo wakaputsika newakapwanyika.”

 Zvazvinoreva: Mwari haazombokurambi kana ukaratidza kuti uri kurwadziwa nekukanganisa kwawamuitira. Anoratidza tsitsi.

 Zvirevo 28:13: “Munhu anofukidza zvivi zvake haazobudiriri, asi wese anoreurura ozvisiya achanzwirwa tsitsi.”

 Zvazvinoreva: Kana tikabvuma kuti takanganisira Mwari tochinja nzira dzedu, achatiregerera.

 Jeremiya 31:34: “Ndichavaregerera kukanganisa kwavo, uye handichazoyeukizve chivi chavo.”

 Zvazvinoreva: Kana Mwari angotiregerera, haazotiyeuchidzi zvakare zvatakamutadzira. Tsitsi dzake ndedzechokwadi uye dzinobva pamwoyo.

a Jehovha izita raMwari.—Eksodho 6:3.

b Tinongoberekwa tichida kuita zvakaipa nekuti tine chivi chatakawana kubva kuna Adhamu. Iye nemudzimai wake Evha, vakatadzira Mwari zvikaita kuti ivo pachavo nevana vavaizobereka varasikirwe neupenyu hwakakwana.—Genesisi 3:17-19; VaRoma 5:12.