Enda pane zvauri kuda

Matambudziko Emari Uye Zvikwereti​—Bhaibheri Rinogona Kubatsira Here?

Matambudziko Emari Uye Zvikwereti​—Bhaibheri Rinogona Kubatsira Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 Hongu. Mazano mana aya anodzidziswa neBhaibheri anogona kukubatsira paunosangana nematambudziko emari uye zvikwereti:

  1.   Gara waronga kuti uchashandisa sei mari. “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.” (Zvirevo 21:5) Usamhanyira kutenga chimwe chinhu nemhaka yokuti chakachipa. Gara waronga kuti uchashandisa sei mari yako kana kuita bhajeti uye woita sezvaunenge waronga izvozvo.

  2.   Rega kungozvipinza muzvikwereti zvisina basa. “Anokwereta anova muranda womunhu anomukweretesa.” (Zvirevo 22:7) Kana utori muchikwereti uye usingakwanisi kuchibhadhara nenguva, taura nevakakukweretesa kuti uri kuronga kuzovabhadhara riini uye sei. Ramba uchiedza. Iva nemaonero akafanana neemunhu anotaurwa pana Zvirevo 6:​1-5: “Enda undozvirereka uchikumbira kuti hama yako ikupfavire. Usarega meso ako achikotsira, kana kurega tsiye dzako dzichiremerwa nehope.” (Bhaibheri Rinoyera) Kunyange chikumbiro chako chikasagamuchirwa pakutanga, ramba uchikumbira kuti upiwe nguva yokuzobhadhara chikwereti chako.

  3.   Usaona sokuti ukashayiwa mari unofa. “Munhu anonyima ane shungu dzokuda kupfuma​—asingazivi kuti urombo hwakamugarira.” (Zvirevo 28:​22, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi) Kuchiva uye makaro hazvingogumiri pakuita kuti urasikirwe nemari asi zvinogona kukukanganisa pakunamata.

  4.   Gutsikana. “Kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Timoti 6:8) Kufara uye kugutsikana hazvitengwi nemari. Vamwe vanhu vanofara chaizvo muupenyu havana mari yakawanda. Chavanokoshesa rudo rwunowanikwa mumhuri dzavo uye neshamwari dzavo uyewo ukama hwakasimba naMwari.​—Zvirevo 15:​17; 1 Petro 5:​6, 7.