Enda pane zvauri kuda

Umambo hwaMwari Huchaitei?

Umambo hwaMwari Huchaitei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Umambo hwaMwari huchatsiva hurumende dzose dzevanhu uye huchatonga pasi rose. (Dhanieri 2:​44; Zvakazarurwa 16:​14) Pazvichaitika, Umambo hwaMwari. . .

  •   Huchabvisa vakaipa, avo vanoda kuita zvinhu zvakangovanakira asi zvichikuvadza tose. “Asi vakaipa vachaparadzwa panyika.”​—Zvirevo 2:22.

  •   Huchagumisa hondo dzose. “[Mwari] anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.”​—Pisarema 46:9.

  •   Huchaita kuti vanhu vabudirire uye vagare vasingatyi. “Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake, napasi pomuonde wake, uye hapana anozoita kuti vatye.”​—Mika 4:​4, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

  •   Huchaita kuti nyika ive paradhiso. “Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva.”​—Isaya 35:​1, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

  •   Huchaita kuti munhu wose ave nebasa rinofadza uye rinogutsa. “Vanhu [vakasarudzwa naMwari] vachafarira basa remaoko avo zvizere. Havazoshandi zvakaoma pasina.”​—Isaya 65:​21-23.

  •   Huchapedza zvirwere. “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”​—Isaya 33:24.

  •   Huchaita kuti vanhu vasachembera. “Nyama yake ngaive itsva kupfuura paaiva muduku; ngaadzokere kumazuva esimba rouduku hwake.”​—Jobho 33:25.

  •   Huchamutsa vakafa. “Vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi [raJesu], vobuda.”​—Johani 5:​28, 29.