Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingakurira Sei Kusurukirwa?

Ndingakurira Sei Kusurukirwa?

CHITSAUKO 9

Ndingakurira Sei Kusurukirwa?

Mamiriro okunze akanaka chaizvo, uye hauna zvokuita. Asi shamwari dzako dzinazvo. Dzaenda kumafaro. Iwe wasiyiwa zvekare. Kusakokwa kungaodza mwoyo asi zvazvinoreva zvakatoipa zvikuru. ‘Pamwe pane chisina kumira zvakanaka pandiri,’ unofunga kudaro. ‘Nei pasina anoda kutamba neni?’

ZVICHIDA wakambova mumamiriro ezvinhu ataurwa papeji iri pamhiri apa. Unganzwa sokuti pane mhinganidzo inokuparadzanisa nevezera rako. Unondandama pose paunoedza kutaura navo. Paunova nomukana wokukurukura nevamwe, kunyara kunobva kwauya. Nei zvakaoma kwazvo kuti ungokurukurawo navo?

Pane kuramba wakazviparadzanisa nevamwe, unogona kutanga kukurukura navo. Ngationei kuti ungazviita sei.

Mukaha 1: Kusazviona zvakanaka. Vamwe vechiduku vanoramba vachizvitarisira pasi. Vanofunga kuti hapana anovafarira uye kuti havana nyaya dzokutaura. Ndiwo manzwiro aunoita here? Kana zvakadaro, manzwiro aunoita achawedzera kukuparadzanisa nevezera rako.

Bhiriji racho: Funga zvaunogona kuita. (2 VaKorinde 11:6) Zvibvunze kuti, ‘Ndezvipi zvandinogona kuita?’ Funga zvimwe zvaunogona kuita kana kuti unhu hwakanaka hwauinahwo wozvinyora pasi apa.

․․․․․

Hapana mubvunzo kuti une zvaunokanganisa, uye zvakanaka kuti uzvizive. (1 VaKorinde 10:12) Asi une zvakawanda zvokupa. Kuziva zvaunogona kuita kuchaita kuti uve nechivimbo chaunoda kuti urege kuzvitarisira pasi.

Mukaha 2: Kunyara. Ungada kutanga nyaya, asi mukana wacho paunovapo, muromo wako unoita sowakasonwa. Elizabeth ane makore 19 anoti, “Ndiri munhu anonyara. Zvakandiomera chaizvo kuti nditaure nevanhu pamisangano yechiKristu, uye ndinoyemura vaya vanozvigona!” Kana wakafanana naElizabeth, unganzwa sokuti mukaha uyu wakaoma kuuyambuka.

Bhiriji racho: Farira vamwe zvechokwadi. Usanetseka zvako—haufaniri hako kubva wava sahwira wevanhu vose. Tanga nokufarira munhu mumwe chete. Wechiduku anonzi Jorge anoti, “Kungobvunza vamwe kuti vari kunzwa sei kana kuti kuvabvunza nezvebasa ravo kunokubatsira kuti uvazive zviri nani.”

Herino zano: Usangotaura nevanhu vezera rako chete. Humwe ushamwari hwakanaka kwazvo hunotaurwa muBhaibheri hwaiva hwevanhu vemazera akasiyana zvikuru, vakadai saRute naNaomi, Dhavhidhi naJonatani, uye Timoti naPauro. (Rute 1:16, 17; 1 Samueri 18:1; 1 VaKorinde 4:17) Yeukawo kuti kukurukurirana kuchinjana mashoko, kwete kungoramba uri iwe unongotaura. Vanhu vanofarira vateereri vakanaka. Saka kana uchinyara, yeuka kuti hauzongorambi uri iwe unenge uchitaura!

Nyora mazita evanhu vakuru vaviri vaungada kuziva zviri nani.

․․․․․

Wadii kuenda kune mumwe wevanhu vawanyora pamusoro apa wotanga kutaura naye? Kana ukatsvaka mikana yakawanda yokutaura nevanhu vari mu“sangano rose rehama,” hauzonyanyi kusurukirwa.—1 Petro 2:17.

Mukaha 3: Maitiro asina kunaka. Munhu anozviti anoziva zvose anogara aine shoko rokutsvinya kana kuti rokuzvidza. Panozoitawo mumwe anongoda kupikisana nevamwe uye anoda kuti vanhu vose vaite zvaanofunga. Sezvo munhu akadaro ‘achinyanya kuva akarurama,’ anokurumidza kupa mhosva munhu wose asingaiti maererano nezvaanoda. (Muparidzi 7:16) Pamwe ungasada kuva nevanhu vakadaro! Zvisinei, kungava here kuti mukaha wakavapo nokuti iwe ndozvaunoita? Bhaibheri rinoti: “Benzi rinotaura mashoko mazhinji,” uyewo “pamashoko mazhinji hapashayikwi kudarika.”—Muparidzi 10:14; Zvirevo 10:19.

Bhiriji racho: ‘Nzwira vamwe ngoni.’ (1 Petro 3:8) Kunyange kana usingabvumirani nemafungiro omumwe, mubvumire kuti ataure uchishivirira. Edza kutsvaka uye kutaura zvinhu zvamunobvumirana. Kana uchifunga kuti haufaniri kubvumirana neimwe nyaya, zviite nounyoro uye nokungwarira.

Taura nevamwe nenzira yaunoda kuti vataurewo newe. Zano reBhaibheri rinoti “rambai muchiita zvinhu zvose musingagunun’uni uye musingaitirani nharo.” (VaFiripi 2:14) Kupopotera vamwe, kuvatsvinyira uyewo kuvatuka kana kuti kuvaita kuti vanzwe sokuti nguva dzose havana kururama kunoita kuti vanhu vatambire kure newe. Vachakuda zvikuru kana ‘kutaura kwako kuine nyasha nguva dzose.’—VaKorose 4:6.

Chero Iri Shamwari Here?

Wazviongorora kwenguva pfupi, zvichida unoona nzira dzaunogona kuvaka nadzo mabhiriji okuti uyambuke mukaha ungave wavapo pakati pako nevamwe. Chokwadi, unofanira kuona zvinhu sezvazviri. Haugoni kutarisira kuti munhu wose akufarire. Jesu akati vamwe vaizovenga kunyange vaya vanoita zvakanaka. (Johani 15:19) Saka hazvishandi kuti uedze kutamba nomunhu wose uchingoti chero iri shamwari.

Zvisinei, kunyange usingakanganisi mirayiro yeBhaibheri, unogona kuedza zvose zvaunogona kuti uite zvinofadza. Samueri womunguva inotaurwa muBhaibheri akanga akatsunga kuita zvaifadza Mwari. Zvakaguma nei? Akaramba achiwedzera ‘kudiwa zvikuru naJehovha nevanhu.’ (1 Samueri 2:26) Uchadiwawo kana ukaedza zvose zvaunogona!

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, ZVITSAUKO 8

Kuti uwane mashoko akawanda, ona DVD inonzi “Young People Ask—How Can I Make Real Friends?” Inowanikwa mumitauro inopfuura 40

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Shamwari yako yepamwoyo inongoerekana yava kuita somuvengi wako wokupedzisira. Ungaita sei nazvo?

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Anodiridza vamwe kwazvo achadiridzwawo kwazvo.Zvirevo 11:25.

ZANO

Ita kuti kukurukurirana kurambe kuchienderera mberi. Somuenzaniso, kana mumwe munhu akakubvunza kuti wakanakidzwa here pakupera kwevhiki, usangoti hungu. Tsanangura kuti nei wakanakidzwa. Zvadaro bvunza mumwe wako kuti akanga achiitei pakupera kwevhiki.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Bhaibheri rinoratidza kuti Mosesi, Jeremiya, naTimoti vangave vainyara.—Eksodho 3:11, 13; 4:1, 10; Jeremiya 1:6-8; 1 Timoti 4:12; 2 Timoti 1:6-8.

ZVANDINORONGA KUITA!

Chipingamupinyi chandinowanzosangana nacho pakuita shamwari ndeichi ․․․․․

Ndichashanda kuti ndivake bhiriji panyaya iyi noku- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei vamwe vaKristu vangasurukirwa?

● Chii chingakubatsira kuti uzvione zviri pakati nepakati, pane kuti ufungisise zvinhu zvisina kunaka?

● Unganyaradza sei munun’una kana hanzvadzi yako duku iri kunetseka nokusurukirwa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 88]

Imwe hanzvadzi yechiKristu yakanga ichiedza kuita ushamwari neni, asi kwenguva yakati ndakanga ndisingadi. Pandakazoda, ndakaita sebenzi! Handina kumboziva kuti ndaizova neshamwari yakanaka kudaro kunyange zvazvo ari mukuru kwandiri nemakore 25!’’—Marie

[Mufananidzo uri papeji 87]

Unogona kuisa bhiriji pamukaha unokuparadzanisa nevezera rako