Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

INDONESIA

Piyona Ainge Akashinga

André Elias

Piyona Ainge Akashinga
  • AKABEREKWA MUNA 1915

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1940

  • NHOROONDO YOUPENYU Piyona airamba akashinga paaibvunzurudzwa nekutyisidzirwa nemapurisa.

PAIRWIWA Hondo Yenyika II, Hama Elias nemudzimai wavo Josephine, vakaenda kunomira pamberi pevakuru vakuru vaiva kuSukabumi, West Java, pamuzinda mukuru wemapurisa echiuto aityiwa chaizvo ekuJapan aidaidzwa kuti Kempeitai. André ndiye akatanga kubvunzurudzwa. Vakaita zvokumunaya nemibvunzo yaitemesa musoro. “Zvapupu zvaJehovha munomboita nezvei chaizvo? Munopandukira hurumende yeJapan here? Uri musori here?”

“Tiri vashumiri vaMwari Wemasimbaose uye hatina mhosva yatapara,” akadaro André. Mukuru wemapurisa akabva atora bakatwa rake pamadziro ndokurisimudza mudenga.

“Unoziva here kuti ndinogona kukuuraya izvozvi?” akadaro achitaura nehasha. André akabva aisa musoro wake padhesiki uye akanyengetera chinyararire. Mukuru wacho akamboti zii ndokubva azoputika nekuseka. “Yaa, wakashinga!” akadaro. Akabva adaidza Josephine. Paakaona kuti zvakanga zvataurwa naJosephine zvaienderana nezvaAndré, akati: “Haa ndazviona kuti hamusi vasori. Ibvai pano!”

Mwedzi yakati kuti yakatevera, André akatengeswa ‘nehama dzenhema’ uye akabva avharirwa. (2 VaK. 11:26) Ari mujeri, aitopona nekunhongerera chikafu mumugero wairasirwa marara. Kunyange zvakadaro, akangoramba akaperera kuna Mwari. Paakazokwanisa kushanyirwa naJosephine, André akamuzevezera nepamasimbi ejeri achiti: “Usanetseka hako. Kunyange vakandiuraya kana kuti vakandisunungura, ndicharamba ndakatendeka kuna Jehovha. Vangatondibudisa hangu ndiri chitunha kwete nekuti ndapandukira Jehovha.”

Pashure pemwedzi 6 ari mujeri, André akazokwanisa kuzvidzivirira muDare Repamusoro reJakarta uye akabva asunungurwa.

Pakazobhanwa zvakare basa reZvapupu zvaJehovha muIndonesia pashure pemakore 30, gweta remuManado, North Sulawesi, rakadaidza André kuhofisi yaro. Rakamubvunza kuti “Unoziva here kuti Zvapupu zvaJehovha zvakabhanwa muno?”

André akapindura kuti: “Hongu.”

Gweta racho rakabva rati: “Saka wava kuda kuchinja chechi yako here?”

André akaswedera nechekumberi achizvirova pachipfuva. Akapindura zvine simba achiti: “Ini kana kuri kutouraya mungauraya zvenyu, asi handifi ndakasiya chitendero changu.”

Gweta riya rakabva rati André aende uye harina kuzomunetsa zvakare.

André akazofa ava nemakore 85, muna 2000, uye akanga aita makore 60 achishingaira mubasa reupiyona.