Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvemuSemarang, kuJava (munenge muna 1937)

INDONESIA

Uku Ndiko Kwandinoda Kutangira!

Uku Ndiko Kwandinoda Kutangira!

Alexander MacGillivray, muranda webazi wekuAustralia, anofamba-famba muhofisi make achifungisisa. Kwemazuva akati kuti, ane dambudziko raanga achirwisana naro uye azoona kuti angarigadzirisa sei. Iye zvino anoda kutaura naFrank Rice.

Frank, mucolporteur (piyona) aishingaira aiva nemakore 28, akanga asvika pahofisi yebazi mavhiki mashoma akanga apfuura. Ainge adzidza chokwadi achiri kuyaruka uye akabva atotanga basa reucolporteur. Akazoita makore anopfuura 10 achiparidzira munzvimbo dzakawanda muAustralia, achifamba nebhiza, bhasikoro, mudhudhudhu, uye motokari ine imba yekugara. Pashure pekumbomira zvishoma paBheteri, Frank akanga agadzirira kunoshanda ndima itsva yaaizopiwa.

Hama MacGillivray vakashevedza Frank muhofisi mavo, ndokunongedzera pamepu yezvitsuwa zviri kuchamhembe kweAustralia. Vakabvunza kuti, “Frank, ungada here kunotanga basa rekuparidza kunzvimbo iyi? Kuzvitsuwa zvese izvi, hakuna kana hama iriko!”

Frank akabva atorwa mwoyo nezvitsuwa zvaiva muIndian Ocean, zvainzi Netherlands East Indies (zvava kunzi Indonesia). * Pazvitsuwa izvi paigara mamiriyoni evanhu vakanga vasati vambonzwa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Achinongedzera paiva neguta guru, Batavia (rava kunzi Jakarta), Frank akati, “Uku ndiko kwandinoda kutangira!”

Kuparidzira muJava

Muna 1931, Frank Rice akasvika muJakarta, guta guru riri pachitsuwa cheJava. Airenda pane imwe imba nechepakati peguta, uye akazadza mumba make nemabhuku anotsanangura Bhaibheri zvokuti muridzi wemba akatoshamiswa nazvo.

Frank Rice naClem Deschamp vari kuJakarta

“Pakutanga zvainge zvakandiomera uye ndaisuwa kumba zvakanyanya,” akadaro Frank. “Vanhu vaifamba zvavo vakapfeka masutu machena neheti dzekuvharidzira zuva, asi ini ndaidikitira ndakapfeka hembe dzangu dzairema dzekuAustralia. Ndaisakwanisa kutaura kana shoko rimwe chete zvaro rechiDutch kana rechiIndonesian. Pashure pekunge ndanyengetera kuti Jehovha anditungamirire, ndakabva ndangofunga kuti pakati kati pedhorobha panofanira kunge paine vanhu vanogona Chirungu. Saka ndipo pandakatangira kuparidza, uye pakava nezvibereko zvakanaka chaizvo!”

Sezvo muJakarta maigara vanhu vakawanda vaitaura chiDutch, Frank akadzidza nesimba kuti angoziva mashoko mashoma emutauro wacho uye akabva atotanga kuparidza paimba neimba. Akatangawo kudzidza chiIndonesian uye zvishoma nezvishoma akanga ava kugona mutauro wacho. “Dambudziko raiva rekuti ndakanga ndisina mabhuku echiIndonesian,” akadaro Frank. “Jehovha akabva aita kuti ndionane nemumwe mudzidzisi wechiIndonesian. Akafarira chokwadi uye akabvuma kushandura kabhuku kainzi Where Are the Dead? Pakazoshandurwawo tumwe tumabhuku, uye vanhu vakawanda vaitaura chiIndonesian vakatanga kufarira chokwadi.”

Muna November 1931, mamwe mapiyona maviri, Clem Deschamp, aiva nemakore 25, nemumwe ainzi Bill Hunter aiva nemakore 19, vakauyawo kuJakarta vachibva kuAustralia. Clem naBill vakauya vaine imba yemapiyona. Iyi yakanga iri motokari yaiva neimba yekugara, uye ndiyo imwe yedzakatanga kupinda muIndonesia. Pavakanga vadzidza mashoko mashoma echiDutch, vakabva vaenda kunoparidza mumaguta makuru muJava.

Charles Harris aiparidzira achishandisa bhasikoro uye motokari ine imba yekugara

Mumwe piyona aishingaira wekuAustralia ainzi Charles Harris akateverawo matsimba aClem naBill. Kubvira muna 1935, Charles akaenda kunzvimbo dzakawanda muJava achishandisa bhasikoro uye motokari yaiva neimba, achipa vanhu mabhuku mumitauro 5 inoti: chiArabic, chiChinese, chiDutch, Chirungu, uye chiIndonesian. Dzimwe nguva aipa vanhu mabhuku anenge 17 000 pagore.

Mabhuku akawanda akaparadzirwa naCharles akaita kuti vazhinji vade kuziva zvakawanda. Mumwe mukuru mukuru wemuJakarta akabvunza Clem Deschamp kuti, “Mune vanhu vakawanda sei vamunoshanda navo kuEast Java?”

“Kunongova nemumwe chete,” vakadaro Hama Deschamp.

“Unofunga kuti ndingabvuma izvozvo?” akadaro mukuru mukuru wacho nehasha. “Munofanira kunge mutori nevakawanda vamunoshanda navo, tichitarisa kuwanda kwemabhuku enyu ari kupiwa vanhu kwese kwese!”

Mapiyona iwayo ekutanga akanga asingagari panzvimbo imwe chete kuitira kuti akwanise kutaura nevanhu vakawanda. Bill Hunter akati: “Takashanda chitsuwa chacho kubva kwachinotangira kusvika kwachinoperera uye kashoma pataiti tikataura nemunhu tozotaurazve naye.” Pavaiita basa iri vakadyara mbeu yakawanda yechokwadi cheBhaibheri iyo yakazoita goho rakakura chaizvo.—Mup. 11:6; 1 VaK. 3:6.

Sumatra Inonzwa Mashoko Akanaka

Munenge muna 1936, mapiyona aiva muJava akakurukura kuti angaita sei kuti mashoko akanaka asvike kuSumatra, chitsuwa chiri panhamba 6 pakukura pane zviri pasi rese. Chitsuwa ichi chine makomo chakagara paequator uye chine maguta makuru neminda yakakura yemiti. Chinewo machakwi nemasango anogara achinaya mvura yakawanda.

Mapiyona acho akawirirana kuti Frank Rice aende ikoko, saka vakabatanidza tumari twavo kuti vamubhadharire chekufambisa. Pasina nguva, Frank akasvika muMedan, kuNorth Sumatra. Akanga aine mabhegi ake maviri ekushandisa pakuparidza, mabhokisi 40 emabhuku, nekamari muhomwe. Frank aiva nekutenda kwakasimba. Akabva atotanga kuita basa aine chivimbo chekuti Jehovha aizomupa zvaaida kuti akwanise kuita basa rake.—Mat. 6:33.

Muvhiki rake rekupedzisira achiparidza muMedan, Frank akasangana nemumwe murume wekuNetherlands uyo akamudaidza kuti vanwe kofi. Frank akaudza murume wacho kuti aida motokari kuti akwanise kuparidza pachitsuwa chacho chese. Achinongedzera motokari yakanga yakafa yaiva pamba pake, murume wacho akati, “Kana uchikwanisa kuigadzirisa, unogona kuitora ne100 guilders.” *

“Handina 100 guilders,” akadaro Frank.

Murume wacho akaramba akati ndee kuna Frank. “Unonyatsoda kuparidza muSumatra yese here?” akamubvunza.

“Ehe,” akapindura kudaro Frank.

Murume uya akabva ati, “Zvakanaka, kana uchikwanisa kugadzirisa motokari yacho, unogona kuitora, wozobhadhara kana wawana mari.”

Frank akatanga kugadzirisa motokari yacho uye pasina nguva yakanga yava kufamba. Akazonyora kuti, “Ndiine motokari yakazara mabhuku, tengi rakazara peturu, uye mwoyo wakazara nekutenda, ndakabva ndaenda kunoparidzira kuSumatra.”

Henry Cockman aina Jean naClem Deschamp muSumatra, 1940

Pakazopera gore, Frank akanga apedza kuparidzira chitsuwa chacho uye akabva adzokera kuJakarta. Ava ikoko akabva atengesa motokari yacho ne100 guilders, ndokutumira mari yacho kumurume uya wekuNetherlands aigara kuMedan.

Pashure pemavhiki mashoma, Frank akagamuchira tsamba yakabva kuAustralia yaiti aende kunopayona kune imwe ndima. Akabva atorongedza mabhegi ake ndokuenda kunotanga basa rekuparidza kuIndochina (yava Cambodia, Laos, uye Vietnam).

^ ndima 4 Zvaimbonziwo Dutch East Indies. Vanhu vekuNetherlands vakanga vava nemakore anenge 300 vari munzvimbo iyi uye vakanga vava kutoitonga vachiita bhizimisi rekutengesa maspice iro raiva nemari chaizvo. Munyaya ino yese tichashandisa mazita enzvimbo ari kushandiswa mazuva ano.

^ ndima 3 Iyi imari inoenderana neUS$1 100 mazuva ano.