Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

INDONESIA

Vava Pamwe Chete Zvakare!

Yakataurwa naLinda naSally Ong

Vava Pamwe Chete Zvakare!

Linda: Pandaiva nemakore 12, amai vakandiudza kuti ndaiva nemunin’ina akapiwa vamwe vanhu kuti vamurere sevabereki vake. Ndaigara ndichizvibvunza kuti akaberekwawo ari matsi seni here. Asi ndakakura ndisingamuzivi.

Sally: Ndakanga ndisingazivi kuti ndairerwa nevabereki vasiri vangu. Amai vangu vokurera vaindirova zveutsinye uye vaindibata semuranda, saka ndakakura ndiri munhu akasurukirwa uye sezvo ndakaberekwa ndiri matsi, kurarama upenyu hwakadaro kwaitova kuwedzera dambudziko pane rimwe. Ndakazoonana neZvapupu zvaJehovha ndikatanga kudzidza Bhaibheri. Amai vangu vokurera pavakazviziva, vakandizvambura nebhandi, ndokuchinja kiyi dzepadhoo uye vakatanga kundikiyira mumba. Ndava nemakore 20, ndakazotiza pamba, uye Zvapupu zvakanditora ndokugara neni. Ndakabhabhatidzwa kutanga kwegore ra2012.

Linda: Pandakanga ndava nemakore 20, ndakatanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha. Pava paya, ndakatanga kupinda magungano eruwa aiitirwa muJakarta, uye purogiramu dzaiturikirwa mumutauro wemasaini. Ikoko ndakasangana nematsi dzakawanda kusanganisira mumwe musikana anonzi Sally, Chapupu chaigara kuNorth Sumatra. Ndaingonzwa kumufarira asi ndaisaziva kuti nei.

Sally: Ini naLinda takava shamwari neshamwari. Ndakaona kuti tainge takafanana asi handina kumbonyanya kuzviisa mumusoro.

Linda: Rimwe zuva muna August 2012, ndichiziva kuti ndaizobhabhatidzwa mangwana acho, ndakafunga kuti dai munin’ina wangu anga aripowo. Ndakakumbira Jehovha kuti: “Dai maitawo kuti ndionane nemunin’ina wangu, nekuti ndinoda kumuudza nezvenyu.” Hapana kumboita nguva yakareba, amai vakabva vangotumirwa meseji nemumwe munhu aiziva kwaiva nemunin’ina wangu. Aya ndiwo matangiro azvakaita kusvika pandakazotaura naSally.

Sally: Linda paakandiudza kuti ndiri munin’ina wake ainge akaparadzaniswa naye kwenguva yakareba, ndakabva ndangonokwira ndege kuenda kuJakarta kuti ndinomuona. Ndichangobva panosechwa zvinhu panhandare yendege, ndakaona Linda, baba naamai nevamwe sisi vangu vakandimirira. Ndakafara zvekufara zviya. Tese takambundirana nekutsvodana uye amai ndivo vakaramba vakandimbundira kwechinguva. Munhu wese aichema. Baba naamai pavakakumbira ruregerero kuti vakanga vaita kuti ndinorerwa nevamwe vanhu, takabva tatowedzera kuchema uye takambundirana zvakare.

Linda: Nemhaka yekuti takakurira kwakasiyana, tichiri kudzidza kugarisana zvakanaka. Asi tinodanana chaizvo.

Sally: Iye zvino, ini naLinda tiri kugara pamwe chete uye tiri kupinda tese muungano yemutauro wemasaini iri muJakarta.

Linda: Ini naSally takanga takaparadzaniswa kwemakore anopfuura 20. Tinotenda Jehovha kuti tava pamwe chete zvakare!