Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 13

Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo

Zvitendero Zvenhema Zvinoita Kuti Mwari Aonekwe Zvisiri Izvo

Tinoziva kuti Mwari rudo. Asi nei machechi achiita zvinhu zvakaipa zvakawanda, iwo achiti anomunamata? Zviripo ndezvekuti machechi iwayo ndeenhema uye anoita kuti Mwari aonekwe zvisiri izvo. Nei tichidaro? Mwari anonzwa sei nezvavanoita? Achangosiya zvakadaro here?

1. Dzidziso dzezvitendero zvenhema dzinoita sei kuti Mwari aonekwe zvisiri izvo?

Machechi enhema akaita kuti “chokwadi chaMwari chive nhema.” (VaRoma 1:25) Akawanda acho haadzidzisi vanhu zita raMwari. Asi Bhaibheri rinoti tinofanira kushandisa zita raMwari. (VaRoma 10:13, 14) Kana pakaitika zvinhu zvakaipa, vamwe vafundisi vanoti kuda kwaMwari. Asi idzodzo inhema. Mwari haakonzeri zvinhu zvakaipa. (Verengai Jakobho 1:13.) Zvinorwadza ndezvekuti nhema dzinodzidziswa nezvitendero, dzakaita kuti vanhu vabve pana Mwari.

2. Maitiro ezvitendero zvenhema anoita sei kuti Mwari aonekwe zvisiri izvo?

Zvitendero zvenhema hazvibati vanhu semabatirwo avanoitwa naJehovha. Bhaibheri rinoti zvivi zvemachechi enhema “zvatutirana kusvika kudenga.” (Zvakazarurwa 18:5) Machechi ava nemakore akawanda chaizvo achipindira mune zvematongerwo enyika, achitsigira hondo, uye pamwe pacho achitokonzera kana kutsigira kuurayiwa kwevanhu vakawanda. Vamwe vafundisi vanorarama upenyu hwekupfachura mari yavanotora kuvanhu vanopinda machechi avo. Zvavanoita zvinoratidza kuti havatombozivi Mwari uye havana kodzero yekutaura kuti vanomunamata.—Verengai 1 Johani 4:8.

3. Mwari anonzwa sei nezvinoitwa nezvitendero zvenhema?

Kana iwe uchishatiriswa nezvinoitwa nezvitendero zvenhema; ko kuzoti Jehovha? Unofunga kuti anonzwa sei? Mwari anoda vanhu, asi anoshatiriswa nevafundisi vanoita zvinhu zvinomushoresa uye vanobata vanhu vavo zvisina kunaka. Anovimbisa kuti achaparadza zvitendero zvenhema uye ‘hazvizombowanikizve.’ (Zvakazarurwa 18:21) Munguva pfupi iri kuuya, Mwari achatsakatisa machechi ese enhema.—Zvakazarurwa 18:8.

WEDZERA KUONGORORA

Dzidza zvimwe zvinoratidza kuti Mwari anoona sei zvitendero zvenhema. Onawo zvimwe zvakaitwa nezvitendero izvi, uye kuti nei izvozvo zvisingafaniri kukutadzisa kuziva Jehovha.

4. Mwari anofadzwa nezvitendero zvese here?

Vanhu vakawanda vanofunga kuti machechi akafanana nemigwagwa yakasiyana-siyana inoenda kuna Mwari. Asi ichokwadi here? Verengai Mateu 7:13, 14, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Bhaibheri rinotii nezvemugwagwa unoenda kuupenyu?

Ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mubvunzo unotevera.

  • Bhaibheri rinotaura kuti kune zvitendero zvakawanda zvinofarirwa naMwari here?

5. Maitiro ezvitendero zvenhema haaratidzi rudo rwaMwari

Pane zvinhu zvakaipa zvakawanda zvinoitwa nezvitendero zvenhema zvinoita kuti Mwari aonekwe zvisizvo. Chimwe chakanyanya kuipa chavanoita kupindira muhondo. Ngationei VHIDHIYO tobva takurukura mibvunzo inotevera.

  • Panguva yeHondo Yenyika II machechi akawanda akaita sei?

  • Unoonawo sei zvavakaita?

Verengai Johani 13:34, 35 uye 17:16 mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Unofunga kuti kupindira kunoita machechi muhondo kunoita kuti Jehovha anzwe sei?

  • Zvitendero zvenhema zvakonzera zvinhu zvakaipa zvakawanda. Zvii zvawakaonawo zvinoitwa nezvitendero zvenhema zvinoratidza kuti hazvitevedzeri Mwari pakuratidza rudo?

Maitiro ezvitendero zvenhema haaratidzi rudo rwaMwari

6. Mwari anoda kubatsira vanhu kuti vabude muzvitendero zvenhema

Verengai Zvakazarurwa 18:4, a mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Unonzwa sei nechido china Mwari chekubatsira vanhu kuti vabude muzvitendero zvenhema?

7. Ramba uchidzidza nezvaMwari wechokwadi

Unofanira kurega zvinoitwa nezvitendero zvenhema zvichikanganisa maonero aunoita Mwari here? Funga nezvemwana akakura achirayirwa naBaba vake, asi ozopanduka. Anobva pamba otanga kurarama upenyu hwakaipa. Baba vake havafari nezvaanenge achiita. Tingati kupanduka kwaita mwana uyu imhosva yababa vake here?

  • Tingapa Jehovha mhosva yezviri kuitwa nemachechi enhema here, tobva tatorega kudzidza nezvake?

VAMWE VANOTI: “Handidi kunzwa nezvaMwari nekuti machechi ndiwo ari kukonzera matambudziko akawanda panyika.”

  • Ndiwo maonero aunoitawo here?

  • Nei usingafaniri kurega zvinhu zvinoitwa nemachechi zvichivhiringidza maonero aunoita Jehovha?

PFUPISO

Zvinodzidziswa uye zvinoitwa nemachechi enhema zvinoita kuti Mwari aonekwe zvisiri izvo. Mwari achaparadza zvitendero zvenhema.

Kudzokorora

  • Unoonawo sei zvinoitwa uye zvinodzidziswa nezvitendero zvenhema?

  • Jehovha anonzwa sei nezvinoitwa nezvitendero zvenhema?

  • Mwari achangosiya machechi enhema akadaro here?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Dzidza zvinhu zviviri zvisingafadzi Mwari zvinoitwa nezvitendero.

“Ichokwadi Here Kuti Machechi Ose Anogamuchirwa naMwari?” (Nyaya iri paIndaneti)

Nei Jehovha achida kuti timunamate tiri pamwe chete nevamwe?

“Zvine Basa Here Kuti Munhu Ave Nechechi Yaanopinda?” (Nyaya iri paIndaneti)

Mumwe mupristi ainetseka nezvimwe zvinhu zvaiitwa muchechi yaaipinda. Asi haana kurega izvozvo zvichimutadzisa kudzidza chokwadi nezvaMwari.

“Chakaita Kuti Mupristi Asiye Chechi Yake” (Mukai!, March 2015)

Machechi ava nemakore akawanda achidzidzisa nhema dzinoita kuti vanhu vafunge kuti Mwari ane utsinye uye hazviiti kuti tive pedyo naye. Verenga unzwe chokwadi pamusoro pezvinhu 3 zvisiri zvechokwadi zvavanodzidzisa nezvaMwari.

“Nhema Dzinoita Kuti Vanhu Vasada Mwari” (Nharireyomurindi, November 1, 2013)

a Kuti uzive kuti nei zvitendero zvese zvenhema zvichifananidzwa nemukadzi anonzi Bhabhironi Guru mubhuku raZvakazarurwa, ona Mamwe Mashoko 1.