Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 33

Zvichaitwa neUmambo

Zvichaitwa neUmambo

Umambo hwaMwari hwava kutotonga. Pasara nguva pfupi kuti huchinje zvinhu pasi pano. Ngatimbokurukurai zvimwe zvinhu zvakanaka zvaungatarisira kuona zvichiitika kana Umambo hwava kutonga.

1. Umambo hwaMwari huchaita sei kuti panyika pave nerunyararo uye vanhu vabatwe zvakanaka?

Jesu, Mambo weUmambo hwaMwari, achaparadza vanhu vakaipa nehurumende dzavo pahondo yeAmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Ipapo ndipo pachanyatsozadziswa mashoko akavimbiswa neBhaibheri ekuti: “Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve.” (Pisarema 37:10) Achishandisa Umambo, Jesu achava nechokwadi chekuti pasi pano pava nerunyararo uye munhu wese ava kubatwa zvakanaka.—Verengai Isaya 11:4.

2. Upenyu huchange hwaita sei kana kuda kwaMwari kwava kuitwa panyika?

Kana Umambo hwaMwari hwava kutonga, “vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagara mairi nekusingaperi.” (Pisarema 37:29) Fungidzira hako uchirarama munyika ine vanhu vakarurama chete, vanoda Jehovha uye vanodanana! Hapana anozorwara, uye munhu wese achararama nekusingaperi.

3. Umambo hwaMwari huchaitei kana vanhu vakaipa vaparadzwa?

Kana vakaipa vaparadzwa, Jesu achatonga saMambo kwemakore 1 000. Mumakore iwayo Jesu nevamwe vake 144 000 vaachatonga navo vachabatsira vanhu kuti vasvike pakusava nechivi. Panozopera makore iwayo nyika inenge yaitwa paradhiso, yazara nevanhu vanofara vanenge vachibatsirwa nekuteerera mitemo yaJehovha. Jesu achabva adzosera utongi mumaoko aBaba vake, Jehovha. Zita raJehovha richange ‘ratsveneswa’ zvarisati ramboitwa. (Mateu 6:9, 10) Zvinenge zvanyatsoratidzwa pachena kuti Jehovha Mutongi akanaka ane hanya nevanhu vaanotonga. Jehovha achabva aparadza Satani, madhimoni, nevamwe vese vanosarudza kupandukira utongi hwake. (Zvakazarurwa 20:7-10) Zvakanaka zvese zvichange zvaitwa neUmambo hwaMwari zvichagara nekusingaperi.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti nei tichivimba kuti Mwari achashandisa Umambo kuzadzisa zvese zvakavimbiswa neBhaibheri nezveremangwana.

4. Umambo hwaMwari huchaparadza hurumende dzese dzevanhu

‘Munhu anotonga munhu achimubata zvakaipa.’ (Muparidzi 8:9) Jehovha achashandisa Umambo hwake kugadzirisa zvese izvi.

Verengai Dhanieri 2:44 uye 2 VaTesaronika 1:6-8 mobva makurukura muchishandisa mibvunzo iyi:

  • Jehovha neMwanakomana wake, Jesu, vachaita sei nehurumende dzevanhu nevatsigiri vadzo?

  • Zvawadzidza nezvaJehovha naJesu zvinokubatsira sei kuva nechivimbo chekuti zvavachaita zvichange zvakanaka uye zvakakodzera?

5. Jesu ndiMambo akanyatsokodzera

Sezvo ari iye Mambo weUmambo hwaMwari, Jesu achaitira vanhu vaanenge achitonga pasi pano zvinhu zvakawanda zvakanaka. Ngationei VHIDHIYO tione kuti Jesu akatoratidza kare kuti ane chido chekubatsira vanhu uye akapiwa simba racho naMwari.

Paaiva pasi pano Jesu akapa vanhu nzwisa yezvichaitwa neUmambo hwaMwari. Pamakomborero akanyorwa pamberi apo, ndechipi chauri kuti chakunonokera? Verengai magwaro aripo anotaura nezvemakomborero acho.

PAAIVA PASI PANO, JESU . . .

ARI KUDENGA, JESU . . .

  • akaratidza simba rekudzora mamiriro ekunze.—Mako 4:36-41.

  • akaita zvishamiso zvekupa zviuru zvevanhu zvekudya.—Mateu 14:17-21.

  • achava nechokwadi kuti munhu wese ane utano.—Isaya 33:24.

6. Umambo hwaMwari huchaunza ramangwana rakazonaka

Umambo huchaita kuti chinangwa chaMwari chaakasikira vanhu chizadziswe zvakakwana. Vachararama nekusingaperi muparadhiso pasi pano. Ngationei VHIDHIYO tione zviri kuitwa naJehovha kuti azadzise chinangwa chake achishandisa Mwanakomana wake, Jesu.

Verengai Pisarema 145:16, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo uyu:

  • Kuziva kuti Jehovha achagutsa “zvido zvezvinhu zvese zvipenyu” kunoita kuti unzwe sei?

VAMWE VANOTI: “Kana tikanyatsoisa misoro pamwe chete tinogona kugadzirisa matambudziko ese ari panyika.”

  • Matambudziko api achapedzwa neUmambo hwaMwari asingagoni kupedzwa nehurumende dzevanhu?

PFUPISO

Umambo hwaMwari huchazadzisa chinangwa chake. Huchachinja nyika yese yova paradhiso yakazara nevanhu vakanaka vachanamata Jehovha nekusingaperi.

Kudzokorora

  • Umambo hwaMwari huchatsvenesa sei zita raJehovha?

  • Chii chinotipa chivimbo chekuti Umambo hwaMwari huchazadzisa zvinovimbiswa neBhaibheri?

  • Ndezvipi zvichaitwa neUmambo zvaunofunga kuti zvakunonokera?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Ongorora zvichaitika mumakore 1 000 ekutonga kwaJesu uye paanozopera.

“Chii Chichaitika paZuva Rokutongwa?” (Nharireyomurindi, September 1, 2012)

Ona kuti mhuri dzingafungisisa sei nezvemakomborero achaunzwa neUmambo.

Ona Uri muParadhiso (1:50)

Verenga nyaya inoti “Ndaiva Nemibvunzo Yakawanda Yaindinetsa” unzwe nezvemumwe murume aipandukira hurumende akazoziva nzira ichapedzwa nayo matambudziko aaiona.

“Bhaibheri Rinochinja Upenyu” (Nharireyomurindi, January 1, 2012)