Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Iyo Vamwe Vangabatsira Nayo

Nzira Iyo Vamwe Vangabatsira Nayo

Nzira Iyo Vamwe Vangabatsira Nayo

PAMWE unoziva mumwe munhu anotambura nokuora mwoyo kana nedambudziko rebipolar. Kana uine waunoziva, ungabatsira sei? D. J. Jaffe weNational Alliance for the Mentally Ill anopa zano iri rakanaka: “Usapesanisa urwere hwacho nomunhu wacho; pane kudaro venga chirwere chacho asi ida munhu wacho.”

Mumwe mukadzi anonzi Susanna aishivirira uye aida kuita izvozvo chaizvo. Aiva neshamwari yaiva nedambudziko rebipolar. Susanna anoti, “Aiva neimwe nguva yaakanga asingagoni kugara neni.” Asi pane kusiyana neshamwari yake, Susanna akatsvakurudza mashoko kuti azive nezvedambudziko rebipolar. Anoti, “Iye zvino ndinoziva kuti unhu hweshamwari yangu hwaivhiringidzwa sei nokurwara kwayaiita.” Susanna anofunga kuti kuedza kunzwisisa anotambura wacho kunogona kubatsira zvikuru. “Kunogona kukubatsira kuda uye kukoshesa munhu akaisvonaka pasinei nourwere,” anodaro.

Kana ane dambudziko iri ari womumhuri, kutsigira nomwoyo wose kunokosha. Mario, ambotaurwa munyaya ino, akakurumidza kudzidza chidzidzo ichi. Mudzimai wake anonzi Lucia, ambotaurwa, ane dambudziko rebipolar. “Pakutanga,” anodaro Mario, “ndakabatsirwa nokuenda nomudzimai wangu kwachiremba wake uye kudzidza nezvedambudziko iri risina kujairika kuitira kuti ndinyatsoziva zvatakanga tatarisana nazvo. Ini naLucia taikurukuriranawo chaizvo uye tairamba tichiedza kurarama chero mumamiriro ezvinhu api neapi aimuka mukufamba kwenguva.”

Kubatsira Kweungano yechiKristu

Bhaibheri rinorayira vaKristu vose kuti “taurai nemweya yakaora mwoyo nenzira inonyaradza” uye “ivai nemwoyo murefu kune vose.” (1 VaTesaronika 5:14) Ungazviita sei? Kutanga, zvinokosha kunzwisisa kusiyana kwokurwara nepfungwa nokurwara mumudzimu. Somuenzaniso, munyori weBhaibheri akaratidza kuti munyengetero unogona kuporesa anorwara mumudzimu. (Jakobho 5:14, 15) Asi, Jesu akabvuma kuti vaya vanorwara munyama vanoda chiremba. (Mateu 9:12) Zvechokwadi, zvakarurama nguva dzose uye zvinobatsira kunyengetera kuna Jehovha nezvechinhu chose chinokonzera kufunganya, kusanganisira utano hwedu. (Pisarema 55:22; VaFiripi 4:6, 7) Asi Bhaibheri haritauri kuti kuwedzera mabasa edu okunamata kwoga kuchapedza zvirwere zviripo zvino.

Saka vaKristu vanonzwisisa, havatori vanhu vakaora mwoyo saivo vanozvikonzera. Mashoko akadaro haabatsiri zvachose kungofanana neaya akataurwa nevanyaradzi venhema vaJobho. (Jobho 8:1-6) Chokwadi ndechokuti kazhinji kuora mwoyo hakuiti nani kutoti kwarapwa. Izvi zvakadaro zvikurukuru kana munhu wacho akaora mwoyo kwazvo, zvichida achitoda kuzviuraya. Muzviitiko zvakadaro, zvinokosha kuti aonekwe nenyanzvi.

Kunyange zvakadaro, kune zvakawanda zvinogona kuitwa nevaKristu kubatsira. Zvechokwadi, zvinoda mwoyo murefu. Somuenzaniso, mamwe mabasa echiKristu angave achifinha kune vanenge vane dambudziko rokuora mwoyo. Mumwe ane bipolar anonzi Diane anoti: “Ndiri kuwana zvakaoma chaizvo kubuda muushumiri. Zvakaoma kuendesa mashoko akanaka eBhaibheri anofadza kune vamwe ini ndisinganzwi zvakanaka uye ndisingafari nechomukati.”

Kuti ubatsire vanorwara vacho, edza kuva netsitsi. (1 VaKorinde 10:24; VaFiripi 2:4) Edza kuona zvinhu semaonero anoita munhu ane dambudziko racho pane kuona nemaonero ako. Usaremedze munhu wacho nokumutarisira kuita zvaasingakwanisi. “Pandinogamuchirwa nemhaka yezvandiri iye zvino,” anodaro Carl, anotambura nokuora mwoyo, “zvishoma nezvishoma ndinonzwazve kuti ndichiri kudiwa nevamwe. Nokubatsira kwokushivirira kweshamwari dzati kurei, ndakakwanisa kuumba ukama hwepedyo naMwari uye ndakawana mufaro mukuru mukubatsira vamwe kuti vaitewo kudaro.”

Nokubatsirwa, vaya vanenge vachirwara vanogona kuzorodzwa zvikuru pakutambura kwavo. Chimbofunga nezvomukadzi wechiKristu anonzi Brenda, uyo ane dambudzikowo rebipolar. “Shamwari dzangu dzomuungano dzave dzichinditsigira zvakaisvonaka nokundinzwisisa pandinenge ndakaora mwoyo, dzisingamboti handina kusimba mumudzimu,” anodaro. “Pane dzimwe nguva dzavaimboenda neni muushumiri kuti ndingonoteerera kana pavaindichengetera chigaro muImba yoUmambo kuitira kuti ndizopinda munhu wose agara.”

Kubatsira kwevakuru veungano vane rudo netsitsi kwave kuchibatsira kwazvo Cherie, ambotaurwa munyaya yapfuura, uyo ane dambudziko rokuora mwoyo. Anoti: “Vakuru pavanondikurudzira nokundiratidza kuti Jehovha anondida, pavanodiverengera ndima dzinobva muShoko raMwari, Bhaibheri, uye pavanotaura nezvechinangwa chaJehovha cheparadhiso yorugare noutano hwakanaka uye pavanonyengetera neni—kunyange parunhare—ndinonzwa kurerukirwa. Ndinoziva kuti handina kusiyiwa naJehovha kana nehama dzangu, uye izvozvo zvinondisimbisa.”

Hapana mubvunzo kuti vomumhuri neshamwari vanogona kuita basa rinokosha pakuita kuti murwere wacho ave noutano hwakanaka nokunyatsotsigira. “Ndinofunga kuti ndave kukwanisa kuzvidzora zvino,” anodaro Lucia. “Ini nomurume wangu takashanda nesimba kuti tirarame nedambudziko iri pamwe chete, uye zvinhu zvava nani kwatiri kudarika kare.”

Vakawanda vari kurwisana zvino nezvirwere zvakasiyana-siyana zvepfungwa vanoziva kuti kurwisana nezvirwere izvi zvinotyisa ndekwenguva refu. Asi, Bhaibheri rinopikira kuti munyika itsva yaMwari, “hakuna ugeremo, uchati: ‘Ndinorwara.’” (Isaya 33:24) Zvirwere zvinoodza mwoyo zviri kutambudza vakawanda nhasi zvichange zvaenda. Zvinonyaradza zvechokwadi kufunga nezvechipikirwa chaMwari chenyika itsva umo urwere hwose—kusanganisira zvirwere zvokuora mwoyo—zvichange zvaenda nokusingaperi. Panguva iyoyo, Bhaibheri rinoti, hakuzovi nokuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.—Zvakazarurwa 21:4.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 12]

Jesu akabvuma kuti vaya vanorwara vanoda chiremba.—MATEU 9:12

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]

Bhaibheri rinopikira kuti munyika itsva yaMwari, “hakuna ugeremo, uchati: ‘Ndinorwara.’”—ISAYA 33:24