Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuwirirana Mumhuri Uye Neshamwari

Kuwirirana Mumhuri Uye Neshamwari

Vakawanda vanoomerwa nekuwirirana nevamwe mumhuri kana kuti neshamwari. Inzwa kuti Bhaibheri rinogona kukubatsira sei.

FUNGAWO VAMWE

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Musangofunga zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.’​—VaFiripi 2:4.

ZVAZVINOREVA: Tinofanira kutsvaga zvatinogona kuitirawo vamwe pane kungofunga zvakatinakira chete. Kana uchingofunga zvakakunakira zvichaita kuti utadze kuwirirana nevamwe. Semuenzaniso, kana murume kana mudzimai akangofunga zvakamunakira, zviri nyore kuti atange kudanana nemumwe munhu. Uye hapana anoda kushamwaridzana nemunhu anozvikudza kana kuti anodada neruzivo rwaainarwo. Ndosaka rimwe bhuku rinonzi The Road to Character richiti, “vanhu vanongozvifunga vanoita matambudziko akawanda.”

ZVAUNOGONA KUITA:

  • Batsira vamwe. Shamwari chaidzo dzinovimbana uye dzinobatsirana. Dzimwe ongororo dzinoratidza kuti vanhu vanobatsirawo vamwe kakawanda kacho havabatwi nechirwere chedepression uye vanozvionawo sevanhu pane vamwe.

  • Nzwira vamwe tsitsi. Munhu ane tsitsi anorwadziwa nekuda kwedambudziko remumwe. Kana uchinzwira mumwe munhu tsitsi, kashoma kuti uzotaura mashoko ekutsvinya kana kuti anorwadza.

    Kana uine tsitsi uchavawo munhu ane mwoyo murefu. Saka tsitsi dzichaita kuti vamwe vakuitirewo zvakanaka uye uve neshamwari dzemarudzi akasiyana-siyana.

  • Iva nenguva yekuvawo nevamwe. Ukaita nguva yakawanda uine vamwe, uchasvika pakuziva zvavanofarira uye zvavasingafariri. Kuti unyatsowirirana nemumwe munhu unofanira kumupawo mukana wekutaura zvinhu zvaanofarira. Saka unofanira kuteerera paanenge achitaura. Ratidza kuti une hanya naye. Imwe ongororo yakaitwa inoti “kuwana nguva yekunyatsokurukura nemumwe munhu kunoita kuti tifare.”

SARUDZA SHAMWARI DZAKANAKA

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ushamwari hwakaipa hunokanganisa tsika dzakanaka.”​—1 VaKorinde 15:33.

ZVAZVINOREVA: Shamwari dzako dzinogona kukukurudzira kuita zvakanaka kana zvakaipa. Vamwe vanoongorora vanoti zvatinoita zvinobva pakuti tinoshamwaridzana nevanhu vakaita sei. Semuenzaniso, vanoti munhu anogona kutanga kuputa kana kutorambana newaakaroorana naye nekuti ndizvo zvinenge zvichiitwa neshamwari dzake.

ZVAUNOGONA KUITA: Tsvaga shamwari dzine tsika dzakanaka dzaunoda kutevedzera. Semuenzaniso, vanhu vanotaura nevamwe zvakanaka, vanoremekedza vamwe, vanopa, uye vanogamuchira vaenzi zvakanaka.

ZVIMWE ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

Ona mavhidhiyo ane mazano emuBhaibheri anobatsira vakaroorana, vari kuyaruka, uye vana

USATAURA MASHOKO ANORWADZISA VAMWE.

“Mashoko anotaurwa asina kufungwa anobaya sebakatwa.”​—ZVIREVO 12:18.

IVA MUNHU ANOPA.

“Munhu akasununguka kupa vamwe achabudirira.”​—ZVIREVO 11:25.

ITIRA VAMWE ZVAUNODA KUTI VAKUITIREWO.

“Zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.”​—MATEU 7:12.