Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUKAI! Nhamba 4 2017 | Zvekuita Zviri Kukuwandira Here?

Mazuva ano, vanhu vakawanda vakabatikana zvekuti mhuri dzava kuparara uye hadzisisina kubatana.

Tingaita sei kuti tinyatsoshandisa nguva yedu zvakanaka?

Mumwe murume akachenjera akanyora kuti: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”—Muparidzi 4:6.

Magazini iyi ine mazano anogona kutibatsira kuziva kuti zvinhu zvedu tingazvironga sei.

 

NYAYA IRI PAKAVHA

Zvekuita Zviri Kukuwandira Here?

Vanhu vakawanda vanoomerwa nekuita zvese zvinodiwa kumba nekubasa. Chii chiri kuita kuti zvidaro? Zvingagadziriswa sei?

Kushamisa Kunoita Shiri Inonzi Arctic Tern

Zvaifungidzirwa kuti maarctic tern anobhururuka kwemakiromita 35 200 kubva kuArctic kuenda kuAntarctica nekudzokera. Asi shiri idzi dzinotopfuura ipapo.

‘Zita Rakanaka Riri Nani Panzvimbo Pepfuma Zhinji’

Zvinoita kuti tive nezita rakanaka uye kuti tiremekedzwe nevamwe. Asi chii chatingaita?

MAZANO EKUBATSIRA MHURI

Kana Vana Vabva Pamba

Vabereki vanowanzoita dambudziko vana pavanokura, vobva pamba. Kana vana vabva pamba, vabereki vangaita sei kuti vasasara vava kuita sevanhu vasingatombozivani?

INTERVIEW

Chiremba Weuropi Anotsanangura Kutenda Kwake

Purofesa Rajesh Kalaria vanotaura nezvebasa ravo uye zvavanotenda. Chii chakaita kuti vafarire zvesainzi? Chii chakaita kuti vazochinja zvavaitenda nezvematangiro akaita upenyu?

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Muedzo

Kurambana, kurwara uye kuzvitongesa ndezvimwe zvinhu zvinoitika kana munhu akakundwa nemuedzo. Ungaita sei kuti ukunde muedzo?

ZVAKANGOITIKA ZVEGA HERE?

Ruvara Runopenya rweBlue rwePollia Berry

MaPollia berry haana muto weblue, asi ndiwo chete ane ruvara rweblue runopenya kupfuura rwemimwe michero yese. Chii chinoita kuti ave neruvara rwakadaro?

Zvimwe Zviri paIndaneti

Bhaibheri Rinogona Kundibatsira Here Kuva Nemhuri Inofara?

Mazano ouchenjeri anobva muBhaibheri akabatsira varume nevakadzi vakawanda kuti vafare mumhuri.

Monica Richardson: Chiremba Anotsanangura Kwake

Aisava nechokwadi kuti zvinhu zvinoitika mwana paanoberekwa zvakangoitika zvega here kana kuti zvakaitwa neMusiki. Neruzivo rwake sachiremba, zvii zvaakazoona?