Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVINOTAURA BHAIBHERI

Muedzo

Muedzo

Kurambana, kurwara uye kuzvitongesa ndezvimwe zvinhu zvinoitika kana munhu akakundwa nemuedzo. Tingaita sei kuti tikunde muedzo?

Chii chinonzi muedzo?

Muedzo kunzwa uchida kuita chimwe chinhu, kunyanya chinhu chakaipa. Semuenzaniso, ngatitii wapinda mushopu, wobva waona chimwe chinhu chakanaka. Pfungwa dzinobva dzamhanya kufunga kuti unogona kutochiba, pasina anokuona. Asi hana yako inobva yakurambira! Saka unobva wasiyana nazvo, woenda hako. Muedzo unenge usisipo; unenge waukunda.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

 

Kana ukaedzwa hazvirevi kuti watova munhu akaipa. Bhaibheri rinototaura kuti tese tinosangana nemiedzo. (1 VaKorinde 10:13) Chinokosha ndechekuti tichaita sei kana tava pamuedzo. Vamwe vanoramba vachifunga nezvechinhu chakaipa kusvikira vazochiita. Asi vamwe vanokurumidza kubvisa pfungwa dzavo pamuedzo wacho.

“Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake.”—Jakobho 1:14.

Nei kuri kuchenjera kukurumidza kutiza muedzo?

Bhaibheri rinotaura zvinhu zvinozoita kuti munhu aite zvakaipa. Jakobho 1:15 inoti: “Kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.” Izvi zvinoreva kuti kana tikaramba tichifunga zvinhu zvakaipa, tichapedzisira tazviita. Zvakangofanana nemukadzi ane pamuviri, kana nguva yekuti achibatsirwa yasvika hapana kudzokera kumashure. Asi tinogona kuita kuti tisava varanda vezvido zvisina kunaka. Tinogona kutokunda zvido izvozvo.

KUBATSIRWA KWATINGAITWA NEBHAIBHERI

 

Sezvo pfungwa dzedu dzichigona kupinda zvinhu zvisina kunaka, dzinogonawo kuita kuti zvibude. Sei? Nekutsvaga zvimwe zvekuita, kukurukura neshamwari, kana kufunga zvimwe zvinovaka. (VaFiripi 4:8) Zvinobatsirawo kufunga zvichazoitika kana ukakundwa nemuedzo wacho izvo zvinosanganisira kukanganisa manamatiro ako, kuzvitongesa uye kubatwa nezvirwere. (Dheuteronomio 32:29) Munyengetero unogonawo kubatsira chaizvo. Jesu Kristu akati: ‘Rambai muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.’—Mateu 26:41.

“Musatsauswa: Mwari haasi wokuseka. Nokuti zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.”—VaGaratiya 6:7.

Ungaita sei kuti uve nesimba rekukunda muedzo?

ONA ZVINHU SEZVAZVIRI

 

Usaita zvekutamba nemuedzo; uone sechiredzo chinogona kukupinza munyatwa kana ukasangwarira. (Jakobho 1:14) Izvi ndizvo zvinonyanyoitika pamiedzo ine chekuita neunzenza, iyo inogona kuva nemagumo akaipa chaizvo.—Zvirevo 7:22, 23.

KUBATSIRA KUNGAITA BHAIBHERI

 

Jesu Kristu akati, “Zvino kana ziso rako rokurudyi iroro richiita kuti ugumburwe, ribvise urirasire kure newe.” (Mateu 5:29) Jesu akanga asiri kureva kubvisa ziso chairo! Aireva kuti kana tichida kufadza Mwari uye kuwana upenyu husingaperi, tinofanira kuita setiri kuuraya nhengo dzemuviri wedu, kuti tisakundwa nezvakaipa. (VaKorose 3:5) Izvi zvingareva kugara takatosarudza zvekuita kuti tisakundwa nemuedzo. Mumwe mushumiri waMwari ainge akatendeka akanyengetera kuti, “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira.”—Pisarema 119:37.

Chokwadi ndechekuti dzimwe nguva hazvisi nyore kuti tizvidzore. Chikonzero chacho ndechekuti “nyama haina simba.” (Mateu 26:41) Saka tinotombokanganisa. Asi kana tikapfidza, toedza kusava netsika yekuita zvakaipa, Musiki wedu Jehovha Mwari anotinzwira “ngoni nenyasha.” (Pisarema 103:8) Izvi zvinotinyaradza!

“Kudai maitarira kukanganisa, haiwa Jehovha, ndiani aizomira?”—Pisarema 130:3.