Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 DZIDZISAI VANA VENYU

Tingadzidzei Kubva Kumutadzi?

Tingadzidzei Kubva Kumutadzi?

Mutadzi watingadzidza kubva kwaari ndiye wauri kuona achitaura naJesu pamufananidzo. Mutadzi uyu ari kuzvidemba nokuda kwemhosva dzake. Anokumbira Jesu kuti: “Mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Sezvauri kuona pamufananidzo, Jesu ari kutaura nemutadzi uyu. Unoziva here kuti Jesu ari kuti chii kwaari? * Jesu ari kumuvimbisa kuti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, uchava neni muParadhiso.”

Unofunga kuti Paradhiso ichange yakaita sei?—Kuti tinyatsowana mhinduro chaiyo, ngatimbotaura nezveParadhiso iyo Mwari akagadzirira murume nomukadzi vokutanga, Adhamu naEvha. Paradhiso iyi yaiva kupi? Yaiva kudenga here kana kuti panyika?

Kana wati yaiva panyika wagona. Saka patinofunga nezvemutadzi uyu ari “muParadhiso,” tinofanira kumuona achirarama panyika ino, painenge yava paradhiso. Paradhiso yacho ichange yakaita sei?—Ngationei.

Jehovha Mwari paakasika vanhu vokutanga Adhamu naEvha, Bhaibheri rinoti akavaisa muparadhiso panyika pano ‘mumunda weEdheni.’ Ungafungidzira here kuti ‘munda weEdheni’ wainge wakanaka sei?—Zvechokwadi, yaiva nzvimbo yakanaka zvikuru yokugara isati yamboonekwa naani zvake!

Unofungei? Jesu achange ari panyika pano nemutadzi uyu akaratidza kuzvidemba nokuda kwemhosva dzake here?—Kwete, Jesu achange ari kudenga saMambo achitonga nyika ino inenge yava Paradhiso. Saka Jesu achange aine mutadzi uyu pakuti achamumutsa kubva kuvakafa,  oita kuti agare zvakanaka muParadhiso panyika. Asi nemhaka yei Jesu achizoita kuti munhu aiva mutadzi agare muParadhiso?—Ngatimbokurukurai nezvazvo.

Ichokwadi kuti mutadzi uyu akaita zvinhu zvakaipa kwazvo. Asi ndizvo zvakaitawo mabhiriyoni akararama panyika. Zvisinei, vakawanda vavo vakaita zvakaipa nekuti havana kumbobvira vadzidza nezvaJehovha uye zvaaida kuti vaite.

Saka vanhu vakaita saivavo, kusanganisira mutadzi akataura naJesu padanda, vachamutsirwa muupenyu muParadhiso panyika pano. Vachadzidziswa zvinodiwa naMwari. Uye vanogona kuzoratidza kuti vanoda Jehovha.

Unoziva here kuti vachazviratidza sei?—Nokuita zvinodiwa naMwari. Zvichange zvichifadza zvikuru kurarama muParadhiso, tiine vanhu vanodanana uye vanoda Jehovha nguva dzose!

^ ndima 3 Kana uri kuverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.