Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA: RUSARURO RUCHAPERA RINI?

Rusaruro—Dambudziko Riri Munyika Yose

Rusaruro—Dambudziko Riri Munyika Yose

JONATHAN, murume akaberekerwa kuAmerica nevabereki vokuKorea aisarurwa kubva achiri mwana. Paaikura, akatsvaka nzvimbo yokuti vanhu vaisazomusarura pamusana pechitarisiko chake kana kuti rudzi rwake. Akava chiremba mune rimwe taundi rokuchamhembe kweAlaska, kuU.S.A. uko kwaiva noruzhinji rwevarwere vaaizobatsira rwainge rwakafanana naye pachitarisiko. Aifunga kuti aizotiza kusarurwa nokuenda kunzvimbo iyoyo.

Zvaaitarisira zvakazoenda nepamwe paakarapa mumwe mukadzi aiva nemakore 25. Mukadzi wacho paakapepuka, akatarisa Jonathan kumeso ndokubva ataura mashoko ekutuka, achinyatsoratidza kuvenga kwaakanga akaita vanhu vokuKorea. Chiitiko ichi chakayeuchidza Jonathan nenzira inorwadza kuti zvose zvaakanga aita kuti atame uye aitewo sevamwe vanhu vaiva vakamupoteredza zvaisamubatsira kutiza rusaruro.

Zvakaitika kuna Jonathan zvinobudisa pachena chokwadi chinorwadza chokuti rusaruro runowanika  kwose kwose panyika. Zvinoita sokuti pose pane vanhu pane rusaruro.

Pasinei nokuti rusaruro ruri kwose kwose, vanhu vakawanda havatomborufariri. Zvechokwadi, idzi ipfungwa mbiri dzinopikisana. Chinhu chisingafarirwi nevanhu zvakadaro chingagopararira sei? Zviri pachena kuti vakawanda vasingafariri rusaruro havazvioni kuti ivo vatori narwo. Ungavawo narwo here? Ungapindura sei mubvunzo iwoyo?

DAMBUDZIKO ROMUNHU MUMWE NOMUMWE

Tingava tichizviziva kana kuti kwete, hazvisi nyore kuziva kuti tine rusaruro mumwoyo medu. Bhaibheri rinotsanangura chinoita kuti zviome richiti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose.” (Jeremiya 17:9) Saka tinogona kuzvinyengedza tichitaura kuti tinofarira vanhu vemarudzi ose. Kana kuti tinogona kuzvipembedza tichiti tine chikonzero chakanaka chokuti tisafarira vamwe vanhu.

Waizonzwa sei dai waizosangana nemamiriro ezvinhu akadai?

Kuti tione kuti zvakaoma sei kuti tizive kana tiine rusaruro mumwoyo medu, chimbofungidzira muenzaniso uyu: Uri kufamba mumugwagwa uri wega usiku. Pane varume vechiduku vaviri vausingazivi vari kuuya kuzosangana newe. Vanoratidza kuti vakasimba uye mumwe wavo anoita seane chaakabata.

Unofunga kuti varume ava vangangokukuvadza here? Ichokwadi kuti zvakamboitika kwauri zvinokuita kuti ugare wakachenjerera, asi izvozvo ndizvo zvinoita kuti ubve wati varume vaviri ava havana kunaka here? Mumwe mubvunzo ungabatsira kubudisa chokwadi ndewokuti, Wafunga kuti varume vacho vangangova verudzi rupi? Mhinduro yako inogona kubudisa chokwadi. Inogona kuratidza kuti wakatovhiringwa nerusaruro.

Kana tichinyatsotaura chokwadi, tinofanira kubvuma kuti tose zvedu tine rusaruro rwakasiyana-siyana. Kunyange Bhaibheri rinobvuma rumwe rusaruro rwakazara muvanhu parinoti: “Vanhu vanotonga vamwe nezvavanoona kunze.” (1 Samueri 16:7, Contemporary English Version) Sezvo tose zvedu tiine dambudziko iri uye richiwanzotipinza muna taisireva, pane tariro here yokurikunda kana kutoripedza? Zvichazomboitika here kuti nyika yose inenge isisina rusaruro?