Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 MIBVUNZO YEBHAIBHERI INOPINDURWA

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Nei zvakaoma kuti panyika pave nerugare?

Hurumende inogona kuchinja mafungiro evanhu ndiyo chete ichaita kuti panyika pave nerugare

Bhaibheri rinotaura zvikonzero zvikuru zviviri. Chokutanga, kunyange zvazvo vanhu vakakwanisa kubudirira pakuita zvimwe zvinhu zvinoshamisa, havana kusikwa vachikwanisa kuzvitungamirira. Chechipiri, zvirongwa zvevanhu hazvina kubudirira nokuti “nyika yose iri musimba reakaipa,” Satani Dhiyabhorosi. Saka zvose zvakaedzwa nevanhu hazvina kuita kuti panyika pave nerugare.—Verenga Jeremiya 10:23; 1 Johani 5:19.

Zvimwe zvinoita kuti zviome kuti panyika pave nerugare inyaya yokuti vanhu vanongoda zvakavanakira chete uye vanoda zvinzvimbo. Hurumende yenyika yose inogona kudzidzisa vanhu kuda zvakarurama uye kudanana ndiyo chete ichaunza rugare panyika.—Verenga Isaya 32:17; 48:18, 22.

Ndiani achaita kuti panyika pave nerugare?

Mwari Wemasimbaose akavimbisa kuti achagadza hurumende imwe chete ichatonga vanhu vose. Ichatsiva hurumende dzevanhu. (Dhanieri 2:44) Mwanakomana waMwari, Jesu, achatonga seMuchinda woRugare. Achabvisa zvakaipa panyika yose uye achadzidzisa vanhu nzira yorugare.—Verenga Isaya 9:6, 7; 11:4, 9.

Pane mamiriyoni evanhu vari kutotungamirirwa naJesu uye vari kushandisa Shoko raMwari, Bhaibheri kudzidzisa vanhu kuti vave nerugare nevamwe. Nokukurumidza, nyika yose ichava nerugare.—Verenga Isaya 2:3, 4; 54:13.