Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvichazomboitika Here Kuti Vanhu Vatongwe Zvakarurama?

Zvichazomboitika Here Kuti Vanhu Vatongwe Zvakarurama?

 Kwese kwese vanhu havasi kutongwa zvakarurama. Ona mienzaniso miviri yevanhu vakasungwa vakaiswa mumajeri asi vasina mhosva:

  •   Muna January 2018, mumwe mutongi wekuUnited States akapa mutongo wekuti mumwe murume akanga asungwa kwemakore anoda kusvika 38 asunungurwe. Murume uyu akazoonekwa kuti akanga asina mhosva pashure pekunge nyaya yake yaongororwazve pachishandiswa umboo hweDNA.

  •   Muna September 1994, vamwe vakomana vatatu vemune imwe nyika yemuAfrica vakasungwa nemhaka yekuti hana dzavo dzaivarambidza kupinda muchiuto. Pakazosvika September 2020, vakanga vava nemakore 26 vari mujeri kunyange zvazvo vasina kumbobvira vaudzwa kuti mhosva yavo ndeyei kana kumiswa pamberi pedare.

 Kana wakambobatwa zvisina kunaka kana kuti nyaya yako isina kutongwa zvakarurama, unogona kunzwa sezvakaita Jobho anotaurwa muBhaibheri uyo akati: “Ndinoramba ndichichemera kubatsirwa, asi hapana anonditonga zvakarurama.” (Jobho 19:7) Kunyange zvazvo zvichiita sekuti hazvimbofi zvakaitika kuti vanhu vatongwe zvakarurama, Bhaibheri rinovimbisa kuti pachasvika nguva yekuti vanhu vachange vava kutongwa zvakarurama. Uyewo mazano ari muBhaibheri anogona kukubatsira kuti uzive zvekuita paunobatwa zvisina kururama kana kuti paunotongwa zvisina kururama iye zvino.

Chii chinoita kuti vanhu vasatongwa zvakarurama?

 Izvi zvinokonzerwa nevanhu vanoramba kutungamirirwa naMwari. Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari chete ndiye anotonga zvakarurama. (Isaya 51:4) MuBhaibheri mashoko anoshandurwa kuti “kutonga zvakarurama” uye “kururama” anofambirana. (Pisarema 33:5) Munhu paanoita zvinhu zvakarurama, kana kuti zvinoenderana nemitemo yaMwari, zvinoita kuti atonge vamwe zvakarurama. Asi munhu paanoita chivi kana kuti paanotyora mitemo yaMwari, anotonga vamwe zvisina kururama. Ona mienzaniso inotevera:

  •   Kungofunga zvakakunakira. Kungofunga zvakakunakira nechivi zvinofambirana. (Jakobho 1:14, 15) Kuti vawane zvavanoda, vamwe vanhu vanoshandisa vamwe vachivabata zvisina kunaka. Asi Mwari anoda kuti tisangofunga zvinobatsira isu chete asi zvinobatsirawo vamwe.—1 VaKorinde 10:24.

  •   Kusaziva. Vamwe vanhu vanobata vamwe zvisina kunaka vasingatombozvioni kuti ndizvo zvavari kuita, asi kuna Mwari kuita zvinhu zvakadaro kutoita chivi. (VaRoma 10:3) Tingatoti kusaziva ikoko ndiko kwakaita kuti vamwe vanhu vaite chinhu chakaipisisa chati chamboitwa chekuurayisa Jesu Kristu.—Mabasa 3:15, 17.

  •   Masangano evanhu. Vezvematongerwo enyika, vezvekutengeserana uye vezvitendero vanoti vanokurudzira kuti vanhu vabatwe zvakafanana uye vatongwe zvakarurama. Asi chokwadi ndechekuti masangano aya ndiwo anowanzokonzera uori, rusarura, makaro, kusaenzana panyaya dzezveupfumi, nezvimwewo zvinhu zvinozoita kuti vanhu vasatongwa zvakarurama. Mamwe emasangano aya anotsigirwa nevanhu vanenge vachida kuita zvakanaka. Asi zvese zvinoitwa nevanhu vasingatevedzeri zvinodiwa naMwari, hazvimbobudiriri.—Muparidzi 8:9; Jeremiya 10:23.

Mwari ane basa nekusakutongwa zvakarurama kunoitwa vanhu here?

 Hongu, anovenga zvinhu zvisina kururama nemafungiro ese nezviito zvinoita kuti pasave nekururama. (Zvirevo 6:16-18) Akafemera muprofita Isaya kuti anyore kuti: “Ini, Jehovha, a ndinoda zvakarurama; ndinovenga ugororo uye kusarurama.”—Isaya 61:8.

 Mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari unoratidza kuti aida kuti vanhu vaite zvakarurama. Akarayira vatongi vavo kuti vasagamuchira chiokomuhomwe kana kuita zvimwe zvinhu zvaizovatadzisa kutonga zvakarurama. (Dheuteronomi 16:18-20) Akashora vaIsraeri vaisamuteerera vachibata varombo nevanhu vakaderera zvisina kunaka, uye akapedzisira avaramba nekuti havana kuteerera mitemo yake.—Isaya 10:1-3.

Mwari achaita kuti vanhu vatongwe zvakarurama here?

 Hongu. Achishandisa Jesu Kristu, achabvisa chivi, chinova ndicho chinoita kuti vanhu vasatonga zvakarurama, oita kuti vanhu vave sezvaaida pakutanga. (Johani 1:29; VaRoma 6:23) Akaitawo kuti pave neUmambo huchaunza nyika itsva yakarurama hwoita kuti vanhu vatongwe zvakarurama. (Isaya 32:1; 2 Petro 3:13) Kuti unzwe zvakawanda nezveUmambo uhwu hwekudenga, ona vhidhiyo inonzi Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Upenyu huchange hwakaita sei munyika itsva ine kururama?

 Kana kururama kwazara panyika, vanhu vese vachava nerugare pasisina chekutya. (Isaya 32:16-18) Mwari anoona upenyu hwese hwevanhu sehunokosha zvakafanana, saka tese tichabatwa zvakanaka. Kusuwa, kuchema, nekurwadziwa zvinokonzerwa nekusabatwa zvakanaka zvichange zvisisipo, uye nekufamba kwenguva hatizoyeuki marwadzo atakava nawo patakabatwa zvisina kururama kana kutongwa zvisina kururama. (Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kuti unzwe zvimwe, ona nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Huchaitei?

Vimbiso yaMwari yekuti pachava nenyika yakazara kururama ndeyechokwadi here?

 Hongu. MuBhaibheri mune uprofita hwakawanda hwakazadziswa. Parinotaura nezvenyaya dzakaitika kare kana sainzi, rinotaura chokwadi uye zvese zvirimo zvinopindirana, saka tinokwanisa kuvimba nezvarinotaura. Tarisa uone nyaya dzinotevera kuti unzwe zvimwe:

Tinofanira kurwisa kuti vanhu vatongwe zvakarurama iye zvino here?

 Vanhu vakanaka vanotaurwa muBhaibheri vane zvavakaita kuti vasatongwe zvisina kururama. Semuenzaniso, muapostora Pauro aifanira kumiswa pamberi pedare asi aiziva kuti aisazotongwa zvakarurama mudare iroro uye aigona kutourayiwa. Pane kungonyarara otongwa zvisina kururama, akashandisa urongwa hwakanga huripo, akakwidza nyaya yake kuna Kesari.—Mabasa 25:8-12.

 Asi zvese zvinoedza kuitwa nevanhu kuti vatongwe zvakarurama iye zvino hazvizombobudiriri. (Muparidzi 1:15) Kunyange zvakadaro, vakawanda vakaona kuti kutenda muvimbiso yaMwari yekuti kuchava nenyika itsva ine kururama kunovabatsira kuti varambe vaine rugare mupfungwa pasinei nekutongwa kana kubatwa zvisina kururama.

a Jehovha izita raMwari.—Pisarema 83:18.