Enda pane zvauri kuda

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingabatanidzwi Mumhemberero Dzekurumbidza Nyika?

Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingabatanidzwi Mumhemberero Dzekurumbidza Nyika?

 Zvapupu zvaJehovha zvinoremekedza hurumende nezviratidzo zvinoimiririra. Tinoremekedza zvisarudzo zvinoitwa nevamwe zvakadai sekubvuma kusaruta mureza, kuita national pledge, kana kuti kuimba rwiyo rwenyika.

 Asi, isu seZvapupu zvaJehovha hatibatanidzwi pakuita zvinhu izvi nekuti hazvienderani nezvinodzidziswa neBhaibheri. Sezvo tichiremekedza zvinotendwawo nevamwe isu tinofarawo vamwe pavanoremekedza zvatinotenda.

Zviri munyaya ino

 Bhaibheri rinodzidzisa kutii?

 Zvinhu zviviri zvinotevera zvinodzidziswa neBhaibheri ndizvo zvinoita kuti tizive zvekusarudza:

  •   Mwari ndiye ega watinofanira kunamata. Bhaibheri rinoti: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.” (Ruka 4:8) Mashoko anotaurwa nemunhu paanenge achiita national pledge kana kuti paanenge achiimba rwiyo rwenyika anowanzosanganisira mashoko ekuvimbisa kuti munhu achada nyika yake kupfuura zvimwe zvinhu zvese. Saka Zvapupu zvaJehovha hazvioni zvakakodzera kuti zvibatanidzwe muzvinhu zvakadaro.

     Zvapupu zvaJehovha zvinoonawo kusaruta mureza sekunamata zvidhori, uye Bhaibheri rinorambidza kunamata zvidhori. (1 VaKorinde 10:14) Vamwe vaongorori vezvakaitika kare vanobvuma kuti mireza itori zviratidzo zvekunamata. Mumwe muongorori wezvakaitika kare anonzi Carlton J. H. Hayes akanyora kuti “Kurumbidza nyika kwakaita sechitendero uye mureza ndicho chiratidzo chacho chikuru chinoshandiswa pakunamata.” a Achitaura nezvevaKristu vekare, mumwe munyori anonzi Daniel P. Mannix akati: “VaKristu vairamba kupa . . . zvibayiro kumweya wainzi waichengetedza kana kuti kutungamirira mutongi weRoma. Mazuva ano zvinhu izvozvo zvakafanana nekusaruta mureza.” b

    Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvisingasaruti mureza, hatiubvaruri, kuupisa kana kuita zvimwe zvinhu zvinoratidza kuti hatiuremekedzi uye tinoremekedzawo zvimwe zviratidzo zvese zvinomiririra nyika.

  •   Vanhu vese vakaenzana pamberi paMwari. (Mabasa 10:34, 35) Bhaibheri rinoti Mwari “akaita marudzi ese evanhu kubva pamunhu mumwe chete.” (Mabasa 17:26) Nekuda kweizvi, Zvapupu zvaJehovha zvinoona zvisina kunaka kubata imwe nyika kana rumwe rudzi seruri nani kudarika mamwe marudzi. Tinoremekedza vanhu vese, pasinei nekwavanobva kana kuti kwavanogara.—1 Petro 2:17.

 Ko kana mutemo wenyika uchiti munhu wese anofanira kubatanidzwa mumhemberero dzakadaro?

 Zvapupu zvaJehovha hazvipandukiri hurumende. Tinoziva kuti hurumende chikamu ‘cheurongwa hwaMwari’ chaanobvumira kuti chivepo. (VaRoma 13:1-7) Tinozivawo kuti vaKristu vanofanira kuteerera hurumende.—Ruka 20:25.

 Asi, ko kana mitemo yehurumende ikati tiite zvatinorambidzwa naMwari kuti tiite? Dzimwe nguva, zvinoita kukumbira hurumende kuti igadzirise mitemo yacho. c Pazvinenge zvisingaiti kuti mitemo yacho igadziriswe, Zvapupu zvaJehovha zvinosarudza “kuteerera Mwari semutongi panzvimbo pevanhu.”—Mabasa 5:29.

 Zvapupu zvaJehovha zvine divi razvinotsigira here panyaya dzenyika?

 Aiwa. Zvapupu zvaJehovha hazvina divi razvinotsigira panyaya dzezvematongerwo enyika kana magariro evanhu. Patinoramba kusaruta mureza, kuita national pledge kana kuimba rwiyo rwenyika hazvirevi kuti tiri kuita zvematongerwo enyika. Asi tinenge tichitevedzera zvatinotenda zvinotaurwa neBhaibheri nezvemhemberero idzodzo.

a Essays on Nationalism, mapeji 107-108.

b The Way of the Gladiator, peji 212.