Enda pane zvauri kuda

KUTSANANGURWA KWEMAVHESI

VaRoma 5:8—“Patakanga Tichiri Vatadzi, Kristu Akatifira”

VaRoma 5:8—“Patakanga Tichiri Vatadzi, Kristu Akatifira”

 “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.”—VaRoma 5:8, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

 “Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.”—VaRoma 5:8, Bhaibheri Dzvene muchiShona Chanhasi.

Zvinorehwa naVaRoma 5:8

 Jehovha a Mwari akaratidza rudo rwakakura chaizvo, paakabvumira kuti Mwanakomana wake Jesu Kristu afire vanhu vane chivi. (Johani 3:16) Sezvo vaine chivi, vanhu vanowanzofunga nekuita zvinhu zvisingaenderani nemitemo yaMwari yakarurama. (VaKorose 1:21, 22) Asi Mwari akaita kuti tikwanise kuyananiswa naye “achishandisa rufu rweMwanakomana wake.” (VaRoma 5:10) Izvi zvinoita kuti tive nemukana wekuva shamwari dzaMwari iye zvino uye tine tariro yekuzorarama nekusingaperi.—VaRoma 5:11; 1 Johani 4:9, 10.

Mashoko akapoteredza VaRoma 5:8

 Muapostora Pauro akanyorera mashoko aya vaKristu vaigara muRoma. Muchitsauko 5 chetsamba yaPauro kuVaRoma, Pauro akatsanangura kuti nei vaKristu vachikwanisa kufara uye vachikwanisa kuva nechokwadi netariro yavo. (VaRoma 5:1, 2) Tariro iyoyo “haiiti kuti tiore mwoyo,” nekuti inobva parudo rukuru rwaMwari rwaakaratidza achishandisa Jesu. (VaRoma 5:5, 6) Jesu akaramba achinyatsoteerera Mwari, asi munhu wekutanga Adhamu haana kuita saizvozvo. (VaRoma 5:19) Kusateerera kwakaita Adhamu kwakaita kuti vana vake vave nechivi uye vafe. (VaRoma 5:12) Asi kunyatsoteerera kwakaita Jesu uye kufa kwaakaita sechibayiro kunoita kuti vanhu vanoteerera vave netariro yekurarama nekusingaperi.—VaRoma 5:21.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.—Pisarema 83:18.