Enda pane zvauri kuda

Jesu Akafirei?

Jesu Akafirei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Jesu akafira kuti vanhu vakanganwirwe zvivi zvavo vowana upenyu husingaperi. (VaRoma 6:23; VaEfeso 1:7) Rufu rwaJesu rwakaratidzawo kuti munhu anogona kuramba akavimbika kuna Mwari kunyange paanotarisana nemiedzo yakakura chaizvo.—VaHebheru 4:15.

 Ona kuti rufu rwemunhu mumwe chete rwungakwanisa sei kuita zvese izvi.

  1.   Jesu akafira kuti ‘tikanganwirwe zvivi zvedu.’—VaKorose 1:14.

     Munhu wekutanga, Adhamu, akasikwa asingatadzi, asina chivi. Asi akasarudza kusateerera Mwari. Kusateerera kwaAdhamu, kana kuti chivi chaakaita, kwakakanganisa chaizvo vana nevazukuru vake vese. Bhaibheri rinoti, ‘Vazhinji vakaitwa vatadzi nekuda kwekusateerera kwemunhu mumwe chete.’—VaRoma 5:19.

     Jesu akanga asinawo chivi, asi haana kumbobvira atadza. Nekudaro, aikwanisa “kuyananisira zvivi zvedu.” (1 Johani 2:2) Adhamu paasina kuteerera zvakaita kuti vanhu vese vave nechivi, asi rufu rwaJesu rwakabvisa chivi pavanhu vese vanoratidza kutenda maari.

     Nemamwe mashoko, Adhamu akatengesa vanhu vese muchivi. Kutifira kwakazoita Jesu asingamanikidzwi, kwakabva kwaita kuti atengezve vanhu vese kuti vave vanhu vake. Saka “kana munhu akatadza, tine mubatsiri ari kuna Baba, iye Jesu Kristu, akarurama.”—1 Johani 2:1.

  2.   Jesu akafira “kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.

     Kunyange zvazvo Adhamu akasikwa kuti ararame nekusingaperi, chivi chake chakaita kuti apiwe mutongo werufu. Kuburikidza naAdhamu, ‘chivi chakapinda munyika uye rufu rwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza.’—VaRoma 5:12.

     Kusiyana naizvozvo, rufu rwaJesu haruna kungobvisa chivi chete, asi rwakabvisawo mutongo werufu pavanhu vese vanoratidza kutenda maari. Bhaibheri rinozvitsanangura richiti: “Kuti chivi norufu zvazvakava mambo, mutsa usina kukodzera kuwanwa uvewo mambo nokuda kwokururama kuti pave noupenyu husingaperi nokuna Jesu Kristu Ishe wedu.”—VaRoma 5:21.

     Ichokwadi kuti vanhu mazuva ano vari kungorarama kwemakore mashoma vobva vafa. Kunyange zvakadaro, Mwari akavimbisa kuti achapa vanhu vakarurama upenyu husingaperi uye kuti achamutsa vakafa kuitira kuti vabatsirwewo nechibayiro cherufu rwaJesu.—Pisarema 37:29; 1 VaKorinde 15:22.

  3.   Jesu “akateerera kusvikira parufu,” achiratidza kuti munhu anokwanisa kuramba akatendeka kuna Mwari pasinei nemuedzo kana kuti dambudziko raangasangana naro.—VaFiripi 2:8.

     Pasinei nekuti pfungwa dzake nemuviri wake zvakanga zvisina kukanganiswa nechivi, Adhamu haana kuteerera Mwari nekuti akaratidza udyire nekuchiva chimwe chinhu chaakanga asina kupiwa. (Genesisi 2:16, 17; 3:6) Pave paya, muvengi mukuru waMwari, Satani, akapa pfungwa yekuti hapana munhu aizoramba achiteerera Mwari kana pasina chaanenge achiwana, kunyanya kana upenyu hwake hwava pangozi. (Jobho 2:4) Asi Jesu, munhu ainge asina chivi, akateerera Mwari ndokuramba akavimbika kwaari, kunyange paaifa zvinonyadzisa uye zvinorwadza chaizvo. (VaHebheru 7:26) Izvi zvakabva zvanyatsobudisa pachena kuti: Munhu anogona kuramba akatendeka kuna Mwari pasinei nemuedzo kana kuti dambudziko ringaunzwa paari.

 Mibvunzo ine chekuita nekufa kwaJesu

  •   Nei Jesu aifanira kutambura ofa kuti adzikinure vanhu? Ko nei Mwari asina kungobvisa mutongo werufu?

     Mutemo waMwari unoti “mubayiro wechivi ndirwo rufu.” (VaRoma 6:23) Pane kusaudza Adhamu nezvemutemo uyu, Mwari akamuudza kuti mutongo wekusateerera waizova rufu. (Genesisi 3:3) Adhamu paakaita chivi, Mwari “asingamborevi nhema” akabva aita zvaakanga ataura. (Tito 1:2) Adhamu akabva apfuudza chivi kuvana nevazukuru vake, pamwe chete nemubayiro wechivi—rufu.

     Kunyange zvazvo vanhu vane chivi vakakodzerwa nemutongo werufu, Mwari akavaratidza ‘ukuru hwemutsa wake usina kukodzera kuwanwa.’ (VaEfeso 1:7) Nzira yaakashandisa kuti adzikinure vanhu—yekutumira Jesu sechibayiro chisina chivi—yainyatsoenderana nezvakanga zvarasika uye yairatidza ngoni dzakakura chaizvo.

  •   Jesu akafa riini?

     Jesu akafa “paawa yechipfumbamwe” kubva pakubuda kwezuva, kana kuti panenge panguva dza3:00 dzemasikati ePaseka yevaJudha. (Mako 15:33-37) Zuva iroro rinoenderana nemusi weChishanu 1 April 33 C.E., maererano nemakarenda emazuva ano.

  •   Jesu akafira kupi?

     Jesu akaurayirwa “kunonzi kuNzvimbo yeDehenya, inonzi Gorogota muchiHebheru.” (Johani 19:17, 18) Nzvimbo iyi yaiva “kunze kwegedhi” reJerusarema repanguva yakararama Jesu. (VaHebheru 13:12) Ingangodaro yaiva pachikomo, sezvo Bhaibheri richiti vamwe vaiona Jesu achiurayiwa “vari kure zvishoma.” (Mako 15:40) Asi painyatsova neGorogota hapanyatsozivikanwa kuti ndepapi.

  •   Jesu akafa sei?

     Kunyange zvazvo vakawanda vachiti Jesu akaurayiwa, achiita zvekurovererwa pamuchinjikwa, Bhaibheri rinoti: “Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti.” (1 Petro 2:24, Bhaibheri Dzvene) Vanyori veBhaibheri vakashandisa mashoko maviri echiGiriki kuti vataure nezvepakaurayirwa Jesu—stau·rosʹ uye xyʹlon. Vaongorori vakawanda vakagumisa vachiti mashoko aya anoreva bango kana kuti danda rakati twii.

  •   Rufu rwaJesu rwunofanira kuyeukwa sei?

     Pausiku hwaichengetwa Paseka yevaJudha gore negore, Jesu akatanga chiitiko chisingashamisiri nevateveri vake ndokuvarayira kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (1 VaKorinde 11:24) Papera maawa akati kuti, Jesu akabva aurayiwa.

     Vanyori veBhaibheri vakafananidza Jesu negwayana rakapiwa sechibayiro paPaseka. (1 VaKorinde 5:7) Sezvaingoita mhemberero yePaseka kuti yaiyeuchidza vaIsraeri kuti vakanga vanunurwa kubva muuranda, saka kuyeuka rufu rwaJesu Kristu kunoyeuchidza vaKristu kuti vakanunurwa kubva muchivi nerufu. Paseka, iyo yaichengetwa musi waNisani 14 maererano nekarenda yeBhaibheri, yaipembererwa gore negore; vaKristu vekutanga vaiyeukawo kufa kwaJesu kamwe chete pagore.

     Gore negore, mamiriyoni evanhu pasi rese anoyeuka rufu rwaJesu pazuva rinoenderana naNisani 14.