Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Bhabhironi Guru?

Chii Chinonzi Bhabhironi Guru?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhabhironi Guru rinotaurwa mubhuku raZvakazarurwa, mubatanidzwa wezvitendero zvose zvenhema zviri panyika zvisingadiwi naMwari. a (Zvakazarurwa 14:8; 17:5; 18:21) Kunyange zvazvo zvitendero zvacho zviine pakawanda pazvakasiyana, zvese zvinotadzisa vanhu kunamata Mwari wechokwadi Jehovha.​—Dheuteronomio 4:35.

Zvinhu zvinotibatsira kuziva Bhabhironi Guru

  1.   Bhabhironi Guru rine zvarinomiririra. Bhaibheri rinoritsanangura ‘sehure guru,’ uye “mukadzi” ane zita “rakavanzika rokuti: ‘Bhabhironi Guru.’” (Zvakazarurwa 17:1, 3, 5) Zvinhu zvakanyorwa mubhuku raZvakazarurwa zvine zvazvinofananidzira, saka Bhabhironi Guru harisi mukadzi chaiyeiye. (Zvakazarurwa 1:1) Uyewo, “rinogara pamvura zhinji” iyo inomiririra “vanhu nemapoka evanhu nemarudzi nendimi.” (Zvakazarurwa 17:1, 15) Kudai ari munhu chaiye aisakwanisa kuita izvi.

  2.   Bhabhironi Guru rinomiririra sangano rakakura riri pasi rose. Rinonzi ‘iguta guru rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.’ (Zvakazarurwa 17:18) Saka rine simba rokuita kuti vanhu vepanyika vaite zvarinoda.

  3.   Bhabhironi Guru isangano rechitendero, kwete rezvematongerwo enyika kana kuti rezvekutengeserana. Guta reBhabhironi rinotaurwa nezvaro muBhaibheri rainge rakanyura mune zvechitendero. Raizivikanwa nekuita zvemidzimu zvakadai ‘sekutsinga’ uye “uroyi.” (Isaya 47:1, 12, 13; Jeremiya 50:1, 2, 38) Kunamata kwenhema kusingadiwi naMwari wechokwadi, Jehovha, ndiko kwaiitwa muguta iri. (Genesisi 10:8, 9; 11:2-4, 8) Madzimambo emuBhabhironi aizvikudza panzvimbo pekukudza Jehovha uye kumunamata. (Isaya 14:4, 13, 14; Dhanieri 5:2-4, 23) Kungofanana neguta iri rekare, Bhabhironi Guru rinozivikanwa ‘netsika yokuita zvemidzimu.’ Saka izvi zvinoratidza kuti isangano rechitendero.​—Zvakazarurwa 18:23.

     Bhabhironi Guru harisi sangano rezvematongerwo enyika nekuti parichaparadzwa “madzimambo enyika” acharichema. (Zvakazarurwa 17:1, 2; 18:9) Uyewo harisi sangano rezvekutengeserana nokuti Bhaibheri rinoratidza kuti rakasiyana ‘nevanhu vanofamba vachitengesa.’​—Zvakazarurwa 18:11, 15.

  4. Dombo riri kuratidza Mambo Nabonidus wekuBhabhironi uye rine zviratidzo zvavanamwari vatatu vanoti Sin, Ishtar, naShamash

      Zvinoitwa muBhabhironi Guru zvinoratidza kuti chitendero chenhema. Pane kudzidzisa vanhu zvinhu zvavangaita kuti vaswedere pedyo naMwari wechokwadi, Jehovha, chitendero chenhema chinotoita kuti vanhu vanamate vamwe vanamwari. Bhaibheri rinoti ihwohwo “unzenza” pakunamata. (Revhitiko 20:6; Eksodho 34:15, 16) Muguta reBhabhironi rekare maishandiswa mifananidzo pakunamata uye ndimo maidzidziswa zvinhu zvakadai sokuti mweya haufi, uyewo kuti Mwari, Jesu neMudzimu Mutsvene chinhu chimwe chete. Nanhasi izvi zvichiri kuitwa muzvitendero zvenhema. Zvitendero izvi zvinodzidzisawo vanhu kuda nyika. Bhaibheri rinotaura nezvekusavimbika uku richiti kuita upombwe mune zvekunamata.​—Jakobho 4:4.

     Upfumi hwechitendero chenhema uye kushamisira kwachinoita kunonyatsoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri parinoti Bhabhironi Guru ‘rakapfeka nguo dzepepuru netsvuku,’ uye ‘rakashonga ndarama nematombo anokosha nemaparera.’ (Zvakazarurwa 17:4) MuBhabhironi Guru ndimo munobva “zvinhu zvinonyangadza zvenyika,” kana kuti munodzidziswa uye munoitwa zvinhu zvinozvidza Mwari. (Zvakazarurwa 17:5) ‘Vanhu vose nemapoka evanhu nemarudzi nendimi’ vanotsigira Bhabhironi Guru vari muchitendero chenhema.​—Zvakazarurwa 17:15.

 Bhabhironi Guru ndiro rakakonzera nzufu ‘dzevaya vose vakaurayiwa panyika.’ (Zvakazarurwa 18:24) Kwemakore, chitendero chenhema chakakonzera hondo, ugandanga uye chakatadza kudzidzisa vanhu chokwadi nezvaJehovha, Mwari ane rudo. (1 Johani 4:8) Izvi zvakaita kuti ropa rakawanda rideurwe. Saka vaya vanoda kufadza Mwari vanofanira ‘kubuda mariri,’ vachizviparadzanisa nechitendero chenhema.​—Zvakazarurwa 18:4; 2 VaKorinde 6:14-17.

a Onawo nyaya inoti, “Ndingaziva Sei Chechi Yechokwadi?