Enda pane zvauri kuda

Bhuku raZvakazarurwa​—Rinotaura Nezvei?

Bhuku raZvakazarurwa​—Rinotaura Nezvei?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhuku raZvakazarurwa romuBhaibheri, muchiGiriki rinonzi A·po·kaʹly·psis (apocalypse), zvinoreva “Kufudugura” kana kuti “Kuzarura.” Shoko iri rechiGiriki rinobudisa pachena zvinorehwa neshoko rokuti Zvakazarurwa. Rinofudugura zvinhu zvakanga zvakavanzika uye rinobudisa pachena zviitiko zvaizoitika papera makore akawanda pashure pokunge bhuku racho ranyorwa. Uprofita hwakawanda huri mubhuku racho hausati hwazadziswa.

Zvakaita bhuku raZvakazarurwa

Zvinhu zvinobatsira kunzwisisa bhuku raZvakazarurwa

  1.   Zvinhu zviri mubhuku racho hazvityisi vaya vanoshumira Mwari asi kuti zvinotovakurudzira. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachifunga nezvekuparara kwenyika pavanonzwa shoko rokuti “apocalypse,” bhuku raZvakazarurwa rinotanga uye rinoguma nemashoko okuti vaya vanoriverenga, vonzwisisa uye voshandisa zvavanenge vaverenga vachafara.​—Zvakazarurwa 1:3; 22:7.

  2.   Bhuku raZvakazarurwa rinotaura zvinhu zvakawanda nemadimikira kana zviratidzo uye zvinhu izvi hazvifaniri kutorwa sezvazviri.​—Zvakazarurwa 1:1.

  3.   Nechokwokutanga kweBhaibheri tinogara tatoudzwa nezvezviratidzo uye vanhu vanotaurwa nezvavo mubhuku raZvakazarurwa:

  4.   Zvinhu zvakaoneswa Johani zvaizoitika mu“zuva raShe,” iro rakatanga apo Umambo hwaMwari hwakagadzwa muna 1914 uye Jesu paakatanga kutonga saMambo. (Zvakazarurwa 1:10) Saka tinotarisira kuti uprofita hwacho huchanyanya kuzadziswa panguva ino yatiri kurarama.

  5.   Kuti tinzwisise zvinhu zviri mubhuku raZvakazarurwa, sekunzwisisa kwataizoita mamwe mabhuku ari muBhaibheri tinoda uchenjeri hunobva kuna Mwari uye rubatsiro rwevamwe vava kutorinzwisisa.​—Mabasa 8:26-39; Jakobho 1:5.