Enda pane zvauri kuda

Chivi Chekutanga Chaiva Chii?

Chivi Chekutanga Chaiva Chii?

Mhinduro yeBhaibheri

 Adhamu naEvha vaiva vanhu vekutanga kuita chivi. Pavasina kuteerera Mwari nekudya “muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa,” vakaita chinonzi nevanhu chivi chekutanga. a (Genesisi 2:16, 17; 3:6; VaRoma 5:19) Adhamu naEvha vaisafanira kudya muti iwoyo nekuti waimiririra simba raMwari, kana kuti kodzero yake, yekusarudza zvakanakira vanhu uye zvisina kuvanakira. Pavakadya michero yemuti wacho, Adhamu naEvha vakasarudza kuita zvavanoda, vachizvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. Nekuita izvi, vakaramba kodzero yaMwari yekupa mutemo.

 “Chivi chekutanga” chakakanganisa sei Adhamu naEvha?

 Nekuti vakatadza, Adhamu naEvha vakakwegura uye vakazofa. Vakakanganisa ushamwari hwavo naMwari uye zvekurarama nekusingaperi vaine utano hwakakwana zvakabva zvapera.—Genesisi 3:19.

 “Chivi chekutanga” chinotikanganisa sei?

 Adhamu naEvha vakapfuudza chivi kuvana vavo. Izvi zvakafanana nevabereki vanogona kupfuudza chirwere kuvana vavo. (VaRoma 5:12) Saka vanhu vese vakaberekwa “muchivi,” b kureva kuti tinoberekwa tisina kukwana uye zviri nyore kuita zvakaipa.—Pisarema 51:5; VaEfeso 2:3.

Tingasunungurwa here pamigumisiro ‘yechivi chekutanga’?

  Hongu. Bhaibheri rinoti Jesu akafa ‘sechibayiro chekuti tiyananisirwe zvivi zvedu.’ (1 Johani 4:10, mashoko emuzasi) Chibayiro chaJesu chinogona kutisunungura pachivi chatakagara nhaka, choita kuti tiwane zvakaraswa naAdhamu naEvha, tarisiro yeupenyu husingaperi neutano hwakakwana.—Johani 3:16. c

Nhema dzinotaurwa pamusoro ‘pechivi chekutanga’

  Nhema: Chivi chekutanga chinotibvisa pana Mwari.

 Chokwadi: Mwari haatipomeri pane zvakaitwa naAdhamu naEvha. Anonzwisisa kuti hatina kukwana uye haatarisiri kuti tiite zvinopfuura zvaanoziva kuti tinokwanisa. (Pisarema 103: 14) Kunyange zvazvo tichitambura nechivi chakagarwa nhaka, tine mukana uye ropafadzo yekuva neushamwari hwepedyo naMwari—Zvirevo 3:32.

 Nhema: Kubhabhatidzwa kunosunungura munhu pachivi, saka vacheche vanofanira kubhabhatidzwa.

 Chokwadi: Kunyange zvazvo kubhabhatidzwa riri danho rinokosha kuti tiponeswe, kutenda muchibayiro chaJesu ndiko chete kunochenesa munhu pachivi. (1 Petro 3:21; 1 Johani 1:7) Nekuti kutenda kunobva pakuva nezivo, hazviiti kuti vacheche vave nekutenda. Saka Bhaibheri, haritsigiri kubhabhatidzwa kwevacheche. Chokwadi ichi chaizivikanwa nevaKristu vepakutanga. Vaibhabhatidza, kwete vacheche asi vatendi, “varume nevakadzi” vaitenda Shoko raMwari.—Mabasa 2:41; 8:12.

 Nhema: Mwari akatuka vakadzi nekuti Evha ndiye akatanga kudya muchero wakarambidzwa.

 Chokwadi: Panzvimbo pekutuka vakadzi, Mwari akatuka “nyoka yepakutanga, inonzi Dhiyabhorosi uye Satani,” yakaita kuti Evha aite chivi. (Zvakazarurwa 12:9; Genesisi 3:14) Uyezve, Mwari akati chivi chekutanga chainge chakonzerwa zvakanyanya naAdhamu, kwete nemudzimai wake.—VaRoma 5:12.

Nei Mwari akati Adhamu aizotonga mukadzi wake? (Genesisi 3:16) Paakataura mashoko acho, Mwari akanga asiri kukurudzira unhu hwakadaro. Akanga achingotaura magumo anosiririsa echivi. Mwari anoda kuti murume ade uye akudze mudzimai wake uye kuremekedza vakadzi vese zvavo.—VaEfeso 5:25; 1 Petro 3:7.

 Nhema: Chivi chekutanga chaiva chekuti vakarara vese.

Chokwadi: Chivi chekutanga hakusi kurara vese nezvikonzero zvinotevera:

  •   Mwari akaudza Adhamu kuti asadye muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa Adhamu achiri ega, asina mudzimai.—Genesisi 2:17, 18.

  •   Mwari akaudza Adhamu naEvha kuti “berekai muwande,” zvichireva kuti vaite vana. (Genesisi 1:28) Hwaizova utsinye kuti Mwari arange vanhu vekutanga nechikonzero chekuita zvaainge avarayira kuita.

  •   Adhamu naEvha pavakatadza vakanga vasiri vese. Evha ndiye akatanga kudya murume wake akazodya gare gare.—Genesisi 3:6.

  •   Bhaibheri rinobvumira kuti murume nemudzimai varare vese.—Zvirevo 5:18, 19; 1 VaKorinde 7:3.

a Mashoko ekuti “chivi chekutanga” haamo muBhaibheri. Kutaura chokwadi, chivi chekutanga chakanyorwa muBhaibheri ndiko kutaura kwekunyengera uye kunyepa kuri pachena kwaSatani kuna Evha.—Genesisi 3:4, 5; Johani 8:44.

b MuBhaibheri, shoko rekuti “chivi” haringorevi kuita zvakaipa chete asiwo kusakwana, kana kuti kutadza, zvatakaberekwa nazvo.

Nemhaka yechivi chatakagara nhaka, kana kuti kusakwana, tinorwara, tinokwegura uye tinofa. (VaRoma 6:23) Tinotamburawo pamusana pekukanganisa kwedu uye kukanganisa kwevamwe.—Muparidzi 8:9; Jakobho 3:2.

c Kuti tizive zvakawanda nezvechibayiro chaJesu uye kuti tingabatsirwa sei nacho, ona nyaya inoti “ Jesu Anoponesa—Sei?