Enda pane zvauri kuda

“Tenda Muna Jesu”—Kungotenda Muna Jesu Ndiko Kwega Kunodiwa Kuti Munhu Aponeswe Here?

“Tenda Muna Jesu”—Kungotenda Muna Jesu Ndiko Kwega Kunodiwa Kuti Munhu Aponeswe Here?

Mhinduro yeBhaibheri

 VaKristu vanotenda kuti Jesu akafira zvivi zvevanhu. (1 Petro 3:18) Asi kuti munhu azoponeswa, pane zvimwe zvaanofanira kuita kunze kwekungotenda kuti Jesu ndiye Muponesi. Madhimoni anoziva kuti Jesu “Mwanakomana waMwari,” asi haasi kuzoponeswa, achaparadzwa.—Ruka 4:41; Judha 6.

 Ndinofanira kuitei kuti ndizoponeswa?

  •   Unofanira kutenda kuti Jesu akapa upenyu hwake nekuda kwezvivi zvedu. (Mabasa 16:30, 31; 1 Johani 2:2) Izvi zvinosanganisira kubvuma kuti Jesu munhu chaiye akararama pasi pano uye kuti zvese zvinotaurwa muBhaibheri nezvake ndezvechokwadi.

  •   Ziva zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri. (2 Timoti 3:15) Bhaibheri rinoti muapostora Pauro naSirasi vakaudza murindi wejeri kuti: “Tenda munaShe Jesu, uye uchaponeswa.” Zvadaro vakabva vamudzidzisa “shoko raJehovha.” a (Mabasa 16:31, 32) Izvi zvinoratidza kuti murindi uyu aisakwanisa kunyatsotenda muna Jesu kusvikira ava kunzwisisa Shoko raMwari. Aifanira kuva neruzivo rwakarurama rweMagwaro.—1 Timoti 2:3, 4.

  •   Pfidza. (Mabasa 3:19) Unofanira kupfidza, kana kuti kuzvidemba nezvemabasa kana mafungiro akaipa awaiva nawo. Kupfidza kwako kuchanyatsoonekwa nevamwe paucharega kuita zvinhu zvinovengwa naMwari, woita “mabasa anoratidza kupfidza zvivi.”—Mabasa 26:20.

  •   Bhabhatidzwa. (Mateu 28:19) Jesu akataura kuti vaya vaizova vadzidzi vake vaifanira kubhabhatidzwa. Murindi wejeri uya ambotaurwa akabhabhatidzwa. (Mabasa 16:33) Muapostora Petro paakadzidzisa boka guru revanhu chokwadi nezvaJesu, “vaya vakagamuchira shoko rake nemufaro vakabhabhatidzwa.”—Mabasa 2:40, 41.

  •   Teerera zvinotaurwa naJesu. (VaHebheru 5:9) ‘Vese vanoteerera’ zvakarayirwa naJesu vanozviratidza nemararamiro avo kuti vateveri vake. (Mateu 28:20) Vanova “vaiti veshoko kwete vanzwi chete.”—Jakobho 1:22.

  •   Tsungirira kusvika kumugumo. (Mako 13:13) Vadzidzi vaJesu vanofanira “kutsungirira” kuitira kuti vaponeswe. (VaHebheru 10:36) Semuenzaniso, muapostora Pauro akanyatsoteerera zvaidzidziswa naJesu, akaramba akavimbika kuna Mwari, uye akaramba achiita izvozvo kubva zuva raakava muKristu kusvikira musi waakafa.—1 VaKorinde 9:27.

 Zvakadii ‘neMunamato weMutadzi’?

 Mune mamwe machechi kune wavanoti “Munamato weMutadzi” uye “Munamato weRuponeso.” Vanhu vanoita minamato iyi vanoratidza kuti vanobvuma kuti vatadzi uye vanotenda kuti Jesu akafira zvivi zvavo. Vanokumbirawo kuti Jesu ave muupenyu hwavo. Asi Bhaibheri haritauri kana kukurudzira kuita minamato yakaita zvekunyorwa yakadai se“Munamato weMutadzi.”

 Vamwe vanofunga kuti kana munhu akaita “Munamato weMutadzi” anenge ava kukwanisa kuponeswa nekusingaperi. Asi hapana munhu anowana ruponeso nekuti anenge angoita munamato. Sevanhu vane chivi, tinoramba tichikanganisa. (1 Johani 1:8) Ndosaka Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vagare vachinyengetera kuti varegererwe zvivi zvavo. (Ruka 11:2, 4) Kune vamwe vaKristu vaiva nemukana wekuwana ruponeso asi vakarasikirwa nawo nekuti vakasiya Mwari.—VaHebheru 6:4-6; 2 Petro 2:20, 21.

 “Munamato weMutadzi” wakatangira kupi?

Vanoongorora zvakaitika kare havabvumirani kuti “Munamato weMutadzi” wakatangira kupi. Vamwe vanoti wakatangwa panguva yakatanga kubuda mamwe machechi muRoma. Vamwe vanoti wakatangwa mumakore ekuma1700 tichipinda kuma1800. Pasinei nekuti wakatanga sei, munamato uyu hauwanikwi muMagwaro uye unopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri.

a Jehovha ndiro zita raMwari rinotaurwa muBhaibheri.