Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | MAONERO ANOITA MWARI KUSVUTA

Mwari Anoona Sei Kusvuta?

Mwari Anoona Sei Kusvuta?

Naoko, ambotaurwa munyaya yokutanga akataura nezvekukunda kwaakaita dambudziko rekusvuta achiti, “Kudzidza chokwadi nezvaMwari uye chinangwa chake kwakaita kuti ndikwanise kuchinja upenyu hwangu.” Zvaakadzidza zvinowanika muBhaibheri. Kunyange zvazvo Bhaibheri risina parinombotaura nezvefodya, rinotibatsira kunzwisisa maonero anoita Mwari nyaya yekusvuta. * Ruzivo irworwo rwakapa vakawanda simba rokukunda kana kuti kurega tsika yacho. (2 Timoti 3:16, 17) Ngatimbokurukura matambudziko matatu anonyatsozivikanwa anokonzerwa nekusvuta, toona kuti Bhaibheri rinotii nezvawo.

FODYA INOPINDA MUROPA

Fodya ine muchetura unonzi nicotine, iyo inova rimwe remadhiragi anopinda muropa kupfuura mamwe ose. Nicotine, inogona kunetesa kana kuti kumutsa muviri. Kusvuta kunoita kuti nicotine irambe ichipinda mupfungwa nokukurumidza. Sezvo kukweva kamwe chete kuchiendesa nicotine yakatokwana kunetesa kana kuti kumutsa muviri, munhu anosvuta midzanga inenge 20 pazuva anenge achipinza nicotine yakawanda saizvozvo ka200, uwandu husingatomboiti pakushandisa mamwe madhiragi ose. Kusvuta dhiragi iri zvakadaro kunoita kuti ripinde muropa kupfuura mamwe ose. Kana akashaya nicotine, munhu anenge apindwa muropa anorwara nehavi yekuda kusvuta.

‘Muri varanda vemunhu wamunoteerera.’—VaRoma 6:16

Zvinokwanisika here kuti uteerere Mwari ukuwo uri muranda wefodya?

Bhaibheri rinotibatsira kuva nemaonero akarurama panyaya iyi parinoti: “Hamuzivi here kuti kana muchiramba muchizvipa kumunhu sevaranda kuti mumuteerere, muri varanda vake nokuti munomuteerera?” (VaRoma 6:16) Kana munhu asisakwanisi kurega fodya, anobva ava muranda wetsika iyi yakaipa. Asi Mwari, uyo ane zita rokuti Jehovha, anoda kuti tisunungurwe patsika dzinokuvadza muviri wedu, uye dzinokanganisa mafungiro edu. (Pisarema 83:18; 2 VaKorinde 7:1) Saka munhu paanowedzera kuziva uye kuremekedza Jehovha, anosvika pakunzwisisa kuti zvakakodzera kuti ape Jehovha zvakanakisisa, uyewo kuti haakwanisi kuita izvozvo kana akaramba ari muranda wetsika inouraya. Kuziva izvozvo kunoita kuti munhu ade kudzivisa zvido zvinokuvadza.

Olaf anogara kuGermany akakunda dambudziko rokupindwa muropa nefodya rakanga rava nemakore 16, iro rakatanga aine makore 12. Olaf akafunga kuti kusvuta mudzanga mumwe chete kwaisava nengozi. Asi nokufamba kwemakore akanga asisakwanisi kurega. Akati, “Rimwe zuva pandakanga ndapererwa nemidzanga, ndakatambura zvokuti ndakatora zvigusvani zvose mumudziyo wokuisa madota efodya, ndokuzunza tufodya twese, ndikamona mudzanga nechidimbu chepepanhau. Iye zvino ndava kuona kuti  zvainyadzisa chaizvo.” Akakunda sei tsika yakaipa yokusvuta? Akati, “Kuda kufadza Jehovha ndicho chaiva chinhu chikuru. Kuda vanhu kunoitwa naJehovha uye tariro yaanopa zvakandipa simba rokurega kusvuta zvachose.”

KUSVUTA KUNOKUVADZA MUVIRI

Bhuku rinonzi The Tobacco Atlas rinoti, “Kusvuta midzanga . . . kwakaonekwa nevezvesayenzi kuti kunogona kukuvadza nhengo dzese dzemuviri uye kuti kunowedzera uwandu hwevanhu vanorwara uye vanofa.” Zvinonyatsozikanwa kuti kusvuta kunokonzera zvirwere zvisingatapukiri zvakadai sekenza, chirwere chemwoyo, uye zvirwere zvemapapu. Asi World Health Organization (WHO) inoti kusvuta ndichowo chimwe chinhu chikuru chiri kuita kuti vanhu vakawanda vafe nezvirwere zvinotapukira zvakadai seTB.

“Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.”—Mateu 22:37

Uri kuratidza rudo uye kuremekedza Mwari here kana uchisvibisa muviri wawakapiwa naMwari netsika isina kuchena?

Jehovha Mwari anoshandisa Shoko rake Bhaibheri kutidzidzisa kuti tive nemaonero akanaka nezveupenyu hwedu, muviri wedu, uye pfungwa dzedu. Mwanakomana wake Jesu, akaratidza izvi paakati: “Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.” (Mateu 22:37) Zviri pachena kuti Mwari anoda kuti tikoshese uye tishandise zvakanaka upenyu hwedu nemuviri. Sezvatinodzidza nezvaJehovha nevimbiso dzake, tinosvika pakuda uye kukoshesa zvose zvaakatiitira. Izvi zvinoita kuti tisaita chinhu chose chinosvibisa muviri wedu.

Mumwe chiremba wokuIndia anonzi Jayavanth, aisvuta kwemakore 38. Akati: “Ndakadzidza nezvengozi dzekusvuta mumagazini ezvekurapa. Ndaiziva kuti zvakaipa uye ndaikurudzira varwere kurega tsika iyi. Asi ini ndaitadza kuirega pasinei nokuedza kashanu kana kuti katanhatu.” Chii chakazomubatsira kuti arege? Anoti: “Ndakarega kusvuta pashure pekudzidza Bhaibheri. Chido chekufadza Jehovha chakaita kuti ndibve ndarega kusvuta.”

KUSVUTA KUNOKUVADZA VAMWE

Utsi hunoburitswa nemusvuti uye hunopfungaira pamudzanga hune muchetura. Kufema utsi ihwohwo kunogona kukonzera kenza nezvimwe zvirwere, uye kunouraya vanhu 600 000 vasingasvuti gore  rimwe nerimwe, kunyanya vakadzi nevana. Mushumo weWHO unoyambira kuti: “Hapana panonzi utsi hunobva kumusvuti nepamudzanga huri nani.”

“Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”—Mateu 22:39

Kana uchiita kuti mhuri yako nevavakidzani vakuvadzwe neutsi hwefodya, unenge uchinyatsoda muvakidzani wako here?

Sezvakataurwa naJesu, kuda Mwari kunobva kwangoteverwa nokuda muvakidzani, kureva mhuri yedu, shamwari, nevamwe vakatipoteredza. Akati, “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.” (Mateu 22:39) Kana tikaramba tichiita tsika inokuvadza vari pedyo nesu, hatisi kuratidza rudo kumuvakidzani. Rudo rwechokwadi runoita kuti titeerere zano reBhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.”—1 VaKorinde 10:24.

Armen, anogara kuArmenia, anoyeuka kuti: “Mhuri yangu yainditeterera kuti ndirege kusvuta nokuti zvaivakanganisa. Asi ndaisada kubvuma kuti zvaigona kuvakuvadza.” Akatsanangura chakachinja maonero ake achiti: “Ruzivo rwangu rweBhaibheri uye kuda Jehovha kwakandibatsira kurega kusvuta uye kubvuma kuti ndaisangozvikuvadza chete, asiwo vaya vaiva pedyo neni.”

VAKAREGA KUSVUTA ZVACHOSE!

Ruzivo rweBhaibheri rwakabatsira Olaf, Jayavanth, naArmen, kurega tsika yakaipa yaikuvadza ivo nevamwe. Havana kubudirira nokungoziva kuti kusvuta kunokuvadza, asi nokuti vakasvika pakuda Jehovha, ndokuva nechido chekumufadza. Kukosha kunoita rudo kunosimbiswa pana 1 Johani 5:3, inoti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” Ichokwadi kuti kuteerera zviri muBhaibheri hakusi nyore nguva dzose, asi kana munhu ava kuda Mwari zvakadzama, kuteerera hakuremi.

Iye zvino Jehovha Mwari ari kubatsira mamiriyoni evanhu munyika yose kuti vasiye kana kuti vasatombova varanda vefodya. (1 Timoti 2:3, 4) Munguva pfupi iri pedyo, Jehovha, achashandisa hurumende yake yekudenga inotungamirirwa neMwanakomana wake Jesu Kristu, kuti aparadze vezvokutengeserana vane makaro avo vari kukonzera kuti mamiriyoni ave varanda vefodya. Achatsakatisa dambudziko rekusvuta zvachose uye achaita kuti vanhu vanoteerera vave nemiviri nepfungwa zvakakwana.—Isaya 33:24; Zvakazarurwa 19:11, 15.

Kana uchitadza kusiya fodya, usakanda mapfumo pasi. Kana ukadzidza kuda Jehovha uye kuva nemaonero ake panyaya yekusvuta, unogona kuva nesimba rinodiwa kuti ubudirire. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukubatsira kudzidza uye kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri muchitokurukura chiso nechiso. Kana uchida kubatsirwa naJehovha kuti usiye fodya, iva nechokwadi kuti achakupa simba raunoda.—VaFiripi 4:13.

^ ndima 3 Munyaya ino kusvuta kunoreva kukweva utsi hwefodya kubva pamidzanga, pazvimonera, zvikwepa, kana kuti zvikwepa zvinoiswa mvura. Asi mazano arimo anoshandawo pakushandisa fodya inoita zvekutsengwa, yemumhino, midzanga inoshandisa mabhatiri kana kuti magetsi nezvimwewo.