Enda pane zvauri kuda

Bhaibheri Rinotii Nezvekupisa Zvitunha?

Bhaibheri Rinotii Nezvekupisa Zvitunha?

Mhinduro yeBhaibheri

 Bhaibheri haripi mutemo panyaya yekupisa zvitunha. Haritauri kuti munhu anofanira kuita zvekuvigwa kana kuti kupiswa.

 Bhaibheri rinotaura nezvevamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vakaviga hama dzavo. Semuenzaniso, Abrahamu akatsvaga nzvimbo yakanaka yekuviga mudzimai wake Sara.—Genesisi 23:2-20; 49:29-32.

 Bhaibheri rinotaurawo nezvevamwe vakatendeka vakapisa hama dzavo dzakanga dzafa. Semuenzaniso, Mambo Sauro weIsraeri nevanakomana vake vatatu pavakaurayiwa muhondo, zvitunha zvacho hazvina kuvigwa zvakanaka pazvainge zviri kunyika yevavengi vavo. Masoja echiIsraeri ainge akatendeka paakazviziva, akaenda kunotora zvitunha zvacho ndokuzvipisa vachibva vazoviga mapfupa acho. (1 Samueri 31:8-13) Bhaibheri rinoratidza kuti zvakaitwa nevarume ava zvakanga zvisina kuipa.—2 Samueri 2:4-6.

Nhema dzinotaurwa nevanhu nezvekupisa zvitunha

 Zvavanofunga: Kupisa chitunha kusaremekedza munhu anenge afa.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Bhaibheri rinoti munhu paanofa anodzokera kuguruva, uye ndizvo chaizvo zvinoitika kuchitunha pachinoora. (Genesisi 3:19) Kupisa chitunha kunongoita kuti chikurumidze kuparara chosara chava madota.

 Zvavanofunga: Munguva dzemuBhaibheri, vanhu vaiita zvakaipa ndivo chete vaipiswa kana vafa.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Zvitunha zvevamwe vanhu vainge vasina kutendeka vakadai saAkani nemhuri yake, zvakapiswa. (Joshua 7:25) Asi hazvirevi kuti ndiwo waiva mutemo. (Dheuteronomio 21:22, 23) Sezvambotaurwa, zvitunha zvevamwe vanhu vakatendeka vakadai saJonatani mwana waMambo Sauro, zvakapiswawo.

 Zvavanofunga: Mwari haazokwanisi kumutsa munhu anenge aita zvekupiswa.

 Chokwadi nezvenyaya iyi: Panyaya yekumutswa kwevakafa, hazvina basa kuna Mwari kuti munhu wacho akaita zvekuvigwa, kupiswa, akafira mugungwa kana kuti akadyiwa nemhuka. (Zvakazarurwa 20:13) Mwari Wemasimbaose ane simba rekusikazve munhu iyeye.—1 VaKorinde 15:35, 38.