Enda pane zvauri kuda

Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?

Jesu Akati Tinofanira Kubata Sei Vamwe?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mumharidzo yake Yepagomo yakakurumbira, Jesu akati: “Zvinhu zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo izvozvo.” (Mateu 7:12; Ruka 6:31) Mashoko aya anogona kunzi: “Itirai vamwe zvamunoda kuitirwawo.”—Encyclopedia of Philosophy.

 Mashoko aya akataurwa naJesu anorevei?

 Mashoko aya akataurwa naJesu anotikurudzira kuti tiitire vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo. Semuenzaniso, vanhu vakawanda vanoda kuti vamwe vavaremekedze, vavabate zvakanaka, uye vavaratidze rudo. Saka tinofanira ‘kuitirawo vamwe izvozvo.’—Ruka 6:31.

 Nei mashoko aya achitibatsira?

 Mashoko aya anoshanda pazvinhu zvakawanda. Semuenzaniso, anogona . . .

 Mashoko akawanda ari muchikamu cheBhaibheri chinowanzozivikanwa seTestamende Yekare anoratidza mafungiro aMwari ari mumashoko akataurwa naJesu. Zvakataurwa naJesu “ndizvo chaizvo zvinorehwa neMutemo [mabhuku 5 ekutanga eBhaibheri] neVaprofita [mabhuku ane uprofita].” (Mateu 7:12) Tingatoti zvakataurwa naJesu, zvinoratidza dzidziso inokosha iri muTestamende Yekare yekuti tinofanira kuda muvakidzani.—VaRoma 13:8-10.

 Mashoko aJesu anongotaura nezvezvatinokwanisa kupiwa nevamwe here?

 Aiwa. Mashoko aya anonyanya kutidzidzisa kuti tipewo vamwe. Jesu paakataura mashoko iwayo, aitaura zvatinofanira kuitira vanhu vese, kunyange vavengi vedu. (Ruka 6:27-31, 35) Saka mashoko aJesu anotikurudzira kuti tiitire vanhu vese zvakanaka.

 Ungashandisa sei mashoko aya?

  1.  1. Cherechedza. Iva nehanya nezviri kuitika kuvanhu vari pedyo newe. Semuenzaniso, unogona kuona kuti munhu ari kunetsekana nekutakura zvinhu zvaatenga, kunzwa nezvemuvakidzani wako ari muchipatara, kana kuona kuti waunoshanda naye akaora mwoyo. Paunofunga “zvakanakirawo vamwe,” uchawana mikana yekutaura kana kuita zvinovabatsira.—VaFiripi 2:4.

  2.  2. Nzwira vamwe tsitsi. Fungidzira uriwe munhu wacho. Waizonzwa sei uri mumamiriro ezvinhu aari? (VaRoma 12:15) Paunoedza kunzwisisa manzwiro anenge achiita vamwe, unogona kunzwa uchida kuvabatsira.

  3.  3. Iva munhu anonzwisisa. Yeuka kuti vanhu vakasiyana. Vamwe vanogona kuda kuitirwa zvakasiyana nezvawaizoda kuitirwa iwewe. Saka pazvinhu zvakawanda zvaunogona kuvaitira, ona kuti ndezvipi zvavangada kuti uvaitire.—1 VaKorinde 10:24.