Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUPARIDZA NOKUDZIDZISA MUNYIKA YOSE

Africa

Africa
  • NYIKA 58

  • VANOGARAMO 994 839 242

  • VAPARIDZI 1 421 375

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 3 516 524

Vakatevera Mudzidzisi Wavo

José ihama yechidiki inopayona uye inogara kwakaperera guta reLuanda muAngola. Anoshanda semudzidzisi pachikoro chiri pedyo neImba yeUmambo. Anodiwa uye anoremekedzwa nevadzidzi vake 86 nemhaka yekuti ane unhu hwechiKristu uye kuti inyanzvi pakudzidzisa. Misangano yeungano yaanopinda pakati pevhiki inotanga na4:00 masikati, saka akabvumirwa kukurumidza kupedza basa pazuva iroro. Paanopedza basa anobva angonanga kuImba yeUmambo.

Vamwe vadzidzi vainetseka kuti sei José aikurumidza kupedza basa uye kuti ainge achienda kupi. Kuti vazive zvaiitika, rimwe zuva vadzidzi vake vaviri vakamutevera uye vakapinda musangano wacho. Pane imwewo nguva, vamwe vadzidzi vatatu vakapinda musangano uye musi wacho José aiva nechikamu chaaiitisa paMusangano Webasa. Izvi zvakakurumidza kuzivikanwa mukirasi macho. Mumavhiki akazotevera, vadzidzi vaipinda musangano wacho vakawedzera kubva pa5 kusvika ku21. Vaparidzi vemuungano yacho vakataura navo vose nezvekudzidza Bhaibheri, uye vakawanda vavo vakabvuma kudzidza. Vadzidzi pavakaenda nezvinyorwa kuchikoro, vamwe vakatanga kufarira ndokutanga kupindawo misangano. Pakazovharwa zvikoro pakupera kwegore, pavadzidzi vake 86 vanosvika 54 vainge vambopinda misangano. José akati 23 vavo vari kufambira mberi mune zvekunamata uye vari kupinda misangano.

Ndima Diki?

Nigeria: Joseph naEvezi vachishandisa DVD player muushumiri

Mapiyona chaiwo, Joseph naEvezi, pavakasvika mundima yavakatumirwa muNigeria, vaparidzi vakati wandei vainge vakaora mwoyo vakavaudza kuti: “Tine ndima diki. Yashandwa yashandwazve.” Papera gore, Joseph akanyorera hofisi yebazi achiti: “Tinoshanda ndima yedu zuva rega rega uye tiri kuita kuti vanhu varege kutifungira zvisiri izvo uye varege kuzvidza zvatinoparidza. Tinoenda muushumiri tiine DVD player inotakurika yatinoshandisa kuratidza mavhidhiyo kuvana, uyewo vari kuyaruka nevakuru. Zvinoitika ndezvekuti mwedzi wega wega, ini nemudzimai wangu tinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri 18, uye dzimwe nguva tinotadza kuona vose vatinodzidza navo Bhaibheri. Uyewo, vana vanoramba vachitikumbira kuti tivaratidze ‘mavhidhiyo aKuda.’”

Vagari Vepachitsuwa Vanokumbira Kubatsirwa

Congo (Kinshasa): Kuparidzira vabati vehove

Muna April 2014, hofisi yebazi muCongo (Kinshasa) yakatambira tsamba inobata-bata yakabva kuvabati vehove vanogara paIbinja Island iri muLake Kivu. Vabati vehove ava vanowanzobva pachitsuwa chavo vachienda kumaguta akapoteredza kunoita zvebhizimisi. Rimwe zuva pavaienda kuguta reBukavu, vakasangana neZvapupu zvaJehovha. Zvapupu zvakavaudza mashoko akanaka ndokuvapa Bhaibheri nezvimwe zvinyorwa.

Vabati vehove vakafarira zvavakaverenga uye vakazviudzawo vamwe vagari vepachitsuwa chacho. Nemhaka yekuti paiva nevakawanda vaifarira, vabati vehove vakaronga kuti mumwe wavo adzokere kuBukavu kunotsvaga Zvapupu kuti azvikoke kuIbinja. Murume wacho paakashaya Zvapupu, akanyorera hofisi yebazi, achiti: “Tapota, tumirai Zvapupu kuti zvitibatsire kuziva Bhaibheri sezvazvinoita uye tidzidze zvatingaita kuti tirarame nokusingaperi. Takagadzirira kuvapa pekugara. Ndakagadzirira kupa nzvimbo yangu kuti ivakirwe chechi. Takadzidza kubva mumavhesi eBhaibheri ari mumabhuku enyu kuti mapristi nemapasita anotidzidzisa nhema. Takagutsikana kuti ichi ndicho chitendero chechokwadi. Muno muIbinja mune vakawanda vanoda kudzidza Bhaibheri uye kuva Zvapupu zvaJehovha.”

Tsamba yacho yakaratidza kuti pachitsuwa chacho paiva nevanhu vanenge 40 vaifarira. MuIbinja mune vanhu vanopfuura 18 000 asi hamuna Zvapupu. Hofisi yebazi yakakurumidza kutumira mapiyona chaiwo maviri anotaura mutauro wepachitsuwa chacho.

Pasita Ava Kuteerera

“Handichambofi ndakapotsa Chirangaridzo.” Izvi zvakataurwa napasita weimwe chechi yechiPurotesitendi yakakurumbira muSouth Africa. Chii chakaita kuti mufundisi uyu apinde Chirangaridzo muna April 2014? Zvakatanga rimwe zuva hama mbiri dzemarudzi akasiyana padzakagogodza pasuo rake dzichiita ushumiri. Kubva pane zvakamboitika kare, dzaiziva kuti pasita wacho angasada kutaura nadzo. Adaine, mumwe wehama dzacho, anotsanangura zvakaitika achiti: “Zvakatishamisa kuti akavhura dhoo ndokutiudza kuti tipinde. Takakurukura kwenguva refu. Akashamiswa kuona murume wechichena achiparidza munzvimbo inogara vatema uye achitaura naye nemutauro wake. Pasita wacho akabva atanga kudzidza Bhaibheri nguva dzose.”

Adaine anoenderera mberi achiti: “Murume uyu aiva mumishinari uye pasita kwemakore anopfuura 40, asi pazera remakore 80 ndipo paakawana mhinduro dzemibvunzo yake yose. Anoda bhuku rinonzi Tevedzera Kutenda Kwavo. Patinenge tichidzidza anobata dzimwe pfungwa nemusoro ozodzishandisa paanopa mharidzo dzake kuchechi. Akaratidza vanhu vemuchechi make bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Akavaudza kuti, ‘VeZvapupu zvaJehovha pavanouya kumba kwenyu nebhuku iri, vagamuchirei moteerera zvavanenge vachida kutaura nokuti bhuku iri rizere nepfuma inobva kuna Mwari.’”

Pasita wacho akaudza Adaine kuti ainge atsiurwa zvakasimba nevatungamiriri vechechi uye ainge anyeverwa kuti asataura nezveZvapupu zvaJehovha paanenge achiparidza muchechi. Akashaya kuti oita sei. Adaine akayeuka nyaya yemumwe mupristi wekuMyanmar iri muBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2013. Adaine paakamuverengera nyaya yacho, pasita wacho akati: “Ndini ndiri kutaurwa apa! Ndine chisarudzo chinokosha chandinofanira kuita nokukurumidza.”

Pasita wacho akapinda Chirangaridzo kekutanga musi wa14 April 2014, akabva ataura kuti haachambofi akachipotsa zvakare. Akataura nezvekutsunga kwake kugura zvachose ukama nechitendero chenhema.

Kutsvaga Vanhu Muminda Yecocoa

Ghana: Baffour naAaron vachiparidza mumunda wecocoa

Baffour naAaron vanoshumira semapiyona chaiwo muBokabo, nharaunda inorimwa cocoa kumadokero kweGhana. Ndima yacho ine tumba turi apo neapo uye inongova netunzira twetsoka twakawanda tunomonyoroka nemuminda yecocoa. Zviri nyore kurasika kana munhu akatora nzira isiri iyo! Rimwe zuva, pane kuti vatore nzira yavaiwanzoshandisa, Baffour naAaron vakasarudza imwe nzira iyo yakazovasvitsa kudzimba dzavainge vasati vambosvika. Ikoko vakasangana naMichael naPatience, avo vakaratidza kufarira ndokubvuma kudzidza Bhaibheri. Pave paya, Michael akavaudza kuti: “Tava nemakore maviri tisingaendi kuchechi nokuti takaona zvinhu zvisingapindirani nezvinodzidziswa neBhaibheri. Kubva ipapo manheru ega ega ini naPatience tanga tichidzidza Bhaibheri tega, tichitsvaga mhinduro dzemibvunzo yedu. Tanga tichinyengetera kuti tibatsirwe kuwana chokwadi.” Pasinei nekuti vaifanira kufamba mitunhu yakareba vachipfuura nemuminda yecocoa, vakabva vangotanga kupinda misangano. Gore rakapera vaviri ava vakabhabhatidzwa ndokutanga kushumira semapiyona enguva dzose. Iye zvino ivowo vava kufamba netunzira twemuminda yecocoa vachitsvaga vamwe vari ‘kunyengetera kuti vabatsirwe kuwana chokwadi.’

Michael naPatience vachifamba mumunda wecocoa