Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Makore Zana Apfuura—1915

Makore Zana Apfuura—1915

“INO inguva yekuedzwa,” yakadaro Nharireyomurindi yaMarch 1, 1915 yeChirungu. “Munguva yapfuura taishingaira nemhaka yekungoti taitarisira kuenda kudenga muna 1914 here, kana kuti tanga tichishingaira nekuti takavimbika uye tinoda ISHE neShoko rake uye hama?” Mugore ra1915, vamwe Vadzidzi veBhaibheri vairwisana nekuora mwoyo. Zvisinei, panguva iyi nyika dzakawanda dzaiva nehondo yadzo yakasiyana.

Hondo Huru, yakazozivikanwa seHondo Yenyika I, yakanga ichipararira muEurope. Kushandiswa kwemichina yekurwa nayo kwakaita kuti hondo dzichinje, zvichiita kuti vanhuwo zvavo vakawanda vafe uye vatambure zvakanga zvisati zvamboitika. Somuenzaniso, muna 1915, ngarava dzeGermany dzinofamba nepasi pemvura dzakatanga kutenderera pedyo neGreat Britain. Musi wa7 May 1915, imwe yengarava idzi yakanyudza ngarava yekuBritain yaitakura vanhu yainzi Lusitania. Vanhu vanopfuura 1 100 vakafa.

Nyaya Yekusapinda Muchiuto

Vadzidzi veBhaibheri vaisada kubatanidzwa muhondo iyi. Zvisinei, vaisanyatsonzwisisa zvazvinoreva kuti vaKristu vasave nedivi ravanotsigira. Kunyange zvazvo vaisapinda muchiuto vachida, vamwe vavo vakabvuma kupinda uye vakaedza kuwana mabasa asiri ekurwa. Kana vaizomanikidzwa kuti vaende kuhondo, vamwe vaifunga kuti ‘vaizongopfura mudenga pane kuti vapfure muvengi.’

Nharireyomurindi yaJuly 15, 1915 yeChirungu, yakabudisa nyaya yemumwe musoja wekuHungary akabhabhatidzwa panguva yaainge akakuvara asi akazodzokera kuhondo. Nyaya yacho inotsanangura zvakabva zvaitika: “Ivo [masoja ekuHungary] pavakasvika pedyo nemasoja eRussia neanenge mamita 240, vakarayirwa kuti, ‘Bayai nemapanga!’ Hama iya yekuHungary yakanga iri kumapeto kwemasoja akanga ari kuruboshwe. Yaingoda kuzvidzivirira chete kumuvengi, saka yakaedza kungodonhedzera pasi banga remusoja wekuRussia wayaifanira kurwisa. Yakabva yaona kuti musoja wekuRussia ndizvo zvaaiedzawo kuita . . . Musoja wekuRussia akabva asiya banga rake richidonhera pasi; akanga achichema. Hama yedu yakabva yanyatsotarisisa ‘muvengi’ wayo, ndokuona bheji rine ‘Muchinjikwa neKorona’ pabhachi rake! Musoja uyu wekuRussia aivawo hama muna Ishe!” *

Nyaya yaiti “Hondo uye Kuva muKristu,” yakabudiswa muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1915 yeChirungu, yakatsanangura zvinorehwa nekuti vaKristu vasava nedivi ravanotsigira. Yakati: “Munhu akapinda muchiuto uye akapfeka yunifomu yechisoja zvinoreva kuti anoziva uye anobvuma zvaanotarisirwa kuita semusoja. . . . Kana muKristu akaita zvakadaro anenge asina kurasika here?” Nekufamba kwenguva zvakava pachena kuti vaKristu havatombofaniri kupinda muhondo zvachose.

Kuchinja Kwezvinhu kuMahofisi Makuru

Muna 1915, vashandi 70 vepaBheteri vakaudzwa kuti vaifanira kubva paBheteri vachienda kunoshanda mundima nemhaka yekuti mari yakanga isisakwane. Vakaudzwa kuti: “Hatifaniri kuva nezvikwereti kana kuvhiringidza basa redu, saka tasarudza kuderedza mari yatinoshandisa nepose patinogona napo.”

Clayton J. Woodworth nedzimwe hama mbiri vakanyora tsamba vachimiririra “70 Vaienda.” Tsamba iyi yakabudiswa muNharireyomurindi yaMay 1, 1915 yeChirungu. Vaya vakanga vachibva paBheteri vakataura kuti vakanga vachibva “vaine mufaro uye vachionga zvikomborero zvakawanda neropafadzo” zvavaiva nazvo ‘senhengo dzeMhuri yeBheteri.’

Kunyange zvazvo kuchinja ikoko kwainge kwakaoma, kwakapa hama dzacho mukana wekuti dziratidze kuti dzainge dzakavimbika kunaani kana kuti kuchii. Dzaizoramba dzakatendeka kuna Mwari here kana kuti dzaizogumbuka? Hama Woodworth vakaramba vachiparidza, vakazodzokera kuBheteri, uye muna 1919 vakava mupepeti wekutanga weThe Golden Age, magazini yava kuzivikanwa seMukai! Vakashanda semupepeti wemagazini iyi kusvikira muna 1946.

Mikana Yekuita Basa

Mugore rose iroro rakanga rakaoma, Nharireyomurindi yakaramba ichikurudzira hama kuti dzirambe dzichiparidza. Vaya vainge vafarira chokwadi munguva yapfuura vakatanga kubatsirwa. Nharireyomurindi yaDecember 15, 1915 yeChirungu yakati: “Tine mazita akabva kumativi mana enyika, evanhu vakatumira makadhi avo vachikumbira zvinyorwa. Tinofunga kuti zvinganaka kana vanhu ivavo vakashanyirwa . . . kuti tione kana vasina kutsauswa.” Chinangwa chacho chaiva chekukuchidzira kufarira kwavo “kuti kuve serimi remoto, kureva kuti vashingairire Mwari uye Chokwadi.”

Zvaikosha kuti vaKristu varambe vakaisa pfungwa dzavo pazvinhu zvine chekuita neUmambo sezvazvakangoitawo mazuva ano. Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1915 yeChirungu yakati: “Isu vakamuka tinofanira kushanda nesimba zvikuru mubasa raMwari.” Vashumiri vaMwari vaifanira kuramba vakamuka. Magazini yacho yakaenderera mberi ichiti: “Tinofanira kurinda. Chii chatinofanira kurinda? Tinofanira kunyanya kuzvirinda, kuzvichengetedza kuti tisabatwa nemisungo yepanguva ino.”

Rugwaro rwegore rwa1916 rwakakurudzira hama kuti dzirambe ‘dzakasimba mukutenda,’ maererano naVaRoma 4:20 muKing James Version. Rugwaro urwu rwaizobatsira vakatendeka mugore raizotevera racho, iro rakazova nematambudziko arowo.

^ ndima 4 Kwemakore akawanda, Vadzidzi veBhaibheri vaipfeka bheji rine muchinjikwa nekorona semucherechedzo wavo. Chiratidzo ichi chaiva pakavha yeNharireyomurindi kwemakore akawanda. Pakazosvika makore ekuma1930, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisisashandisi chiratidzo chemuchinjikwa nekorona.