Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

KUPARIDZA NOKUDZIDZISA MUNYIKA YOSE

Oceania

Oceania
  • NYIKA 29

  • VANOGARAMO 40 208 390

  • VAPARIDZI 97 583

  • ZVIDZIDZO ZVEBHAIBHERI 64 675

Vaisiyira Vanhu Mahamvuropu Ane Zvinyorwa

Vanhu vakawanda vari kuzvitsuwa zvekuMicronesia havasati vanzwa mashoko akanaka, saka boka revaparidzi vemuzvitsuwa zvinonzi Marshall Islands rakaronga kuendako nechikepe, uye rwendo rwacho rwaizoita mavhiki maviri. Vakasimuka pachitsuwa cheMajuro ndokuenda kuzvitsuwa zveWotje neOrmed zviri kuWotje Atoll.

Kuti vaparidzire vanhu vakawanda, vakaisa zvinyorwa mumahamvuropu vasati vasimuka. Hamvuropu imwe neimwe yaiva nemagazini mana nemabhurocha maviri. Sezvo vaisaziva kuti vaizodzoka kuzvitsuwa zvacho riini, vaparidzi ava vaisiyira munhu anenge afarira hamvuropu imwe chete, vomukurudzira kuti apewo hama neshamwari zvinyorwa zvacho. Parwendo urwu rwemavhiki maviri, vaparidzi ava vakapa vanhu mabhurocha 531, magazini 756, uye mabhuku 7.

“Maita Henyu Nekutifungawo”

Muna February 2014, Zvapupu zvitanhatu zvekuPapua New Guinea zvakaenda kunoparidza kwemazuva 10 mumisha iri kuchitsuwa cheKarkar. Vakawana vanhu vakawanda vaifarira zveBhaibheri uye vakavapa zvinyorwa 1 064. Imwe hanzvadzi inonzi Relvie yakati: “Musi wekutanga watakabuda muushumiri, takasvika kuma3:00 dzemasikati tichiparidza. Takanga tisisina mvura yekunwa, shaya dzedu dzakanga dzaneta, uye mukanwa makanga maoma nekungoramba tichitaura. Ndakanga ndichitaura nekamwe kasikana. Ndaida kukaverengera rugwaro, asi ndakatadza nokuti ndainge ndafa nenyota. Kakabva kandipa mvura yekunwa.”

Mamwe manheru, tichiti mangwana acho ndipo patiri kubva mune imwe nharaunda, takaita musangano mukuru nevagari vemo, pamwe chete nevafundisi vavo. Relvie anoti, “Ndainzwa sezvakaita Stefani paaidzivirira chokwadi pamberi peSanihedrini, kungoti chete vanhu vataitaura navo vaiva neushamwari.” Pashure pekunge vaparidzi 6 ava vapedza kutaura, mumwe mukadzi aitungamirira Sunday school yechechi yeLutheran akasimuka ndokutenda maiguru vake, avo vaivawo mumwe wevaparidzi vacho, nekuti vakanga vauya kuzoudza hama dzavo chokwadi cheBhaibheri. Akati, “Zvakanaka zvamaita zvakafanana nezvakaitwa nemukadzi weSamariya akaudza vemumhuri yake zvakanaka zvakataurwa naJesu. Maita henyu nekutifungawo.”

Vaduku Zvekusagona Kuparidza Here?

Kiribati: Teariki naTueti

Mumwe musi ari mangwanani, Teariki uyo ane makore 7, anogara kuchitsuwa cheTarawa, chiri muKiribati, aiva muushumiri nababa vake Tueti. Vakasvika pane mumwe musha, ndokuona paine varume nevakadzi vanenge 10, vaiva nemakore ekuma20. Pashure pekunge baba vaTeariki vavaparidzira mashoko eUmambo, mumwe wavo akati kuna Tueti: “Taona kuti mose muri kuparidza nevana venyu vaduku. Munozviitirei? Havasati vasvika pazera rekuparidza nezvaMwari.”

Tueti akapindura kuti: “Mungada kuona kuti mwana wangu anogona kuparidza here? Ndinogona kubuda panze, mosara muchitaura naye.” Vose vakabva vati, “Yaa, tinoda kumunzwa.”

Tueti paakabuda panze, Teariki akabvunza boka racho kuti, “Munoziva zita raMwari here?”

“Ehe. NdiJesu!” akadaro mumwe wavo. Mumwe akati, “NdiMwari.” Mumwewo ndokuti, “Ishe.”

Teariki akati: “Ngationei kuti Bhaibheri rinotii. Ngativhurei pana Isaya 42:5, tiiverenge.” Vapedza kuverenga, akavabvunza kuti, “Rugwaro urwu rwuri kutaura nezvaani?”

Mumwe wechidiki akapindura kuti, “Mwari.” Teariki akabva ati, “Ndizvozvo, Mwari wechokwadi. Pavhesi 8, Mwari wechokwadi anotiudza kutii? ‘Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; handizopi kukudzwa kwangu kune mumwe munhu.’ Maona here kuti zita raMwari ndiani?”

Boka racho rakapindura kuti, “Jehovha.”

Sezvo munhu wese akanga ava kuteerera, Teariki akabvunza kuti: “Zvakanakirei kushandisa zita raMwari rokuti Jehovha? Ngativerengei Mabasa 2:21 tione. Inoti: ‘Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.’ Zvakanakirei kushandisa zita raMwari?”

Mumwe wechidiki akabva ati, “Kuti tiponeswe.”

Baba vaTeariki vakabva vadzoka mumba macho. Vakavabvunza kuti: “Maona sei? Vana vedu vanogona kuparidza here? Zvakakodzera here kuti tiparidze navo?” Vose vakabvuma kuti vana vedu vanonyatsokwanisa kuparidza uye zvakanga zvakakodzera kuti tiparidze navo. Tueti akabva ati, “Nemiwo munogona kuudza vamwe chokwadi chiri muBhaibheri sezvaitwa naTeariki, kana mukaridzidza.”

Mashoko Akanaka Anosvika Mumusha Uri Mugomo

Muna November 2013, Jean-Pierre, uyo anoshanda pahofisi yeshanduro iri muPort-Vila, guta rekuVanuatu, akaenda kugungano redunhu kuchitsuwa chekumusha kwavo. Paakamhara panhandare yendege yepachitsuwa chacho, vanhu vaifarira vanogara kumaodzanyemba kwechitsuwa ichi vakauya kwaari ndokumukumbira mabhuku eBhaibheri. Akapa vanhu anenge magazini ose aaiva nawo. Mumwe mufundisi akauyawo ndokukumbira Jean-Pierre zvinyorwa. Murume iyeye akakumbira kuti Jean-Pierre amushanyirewo achiti, “Tiri kuziya nenzara yekuda kuziva nezvaMwari. Unofanira kutishanyira, utipindure mibvunzo yedu yose.” Gungano rakaitwa, uye mangwana acho, Jean-Pierre akafumira kufamba rwendo rwurefu achikwidza makata egomo. Akazosvika pamusoro pegomo racho, kwaigara murume uya. Akatambirwa zvakanaka nevanhu vemunharaunda yacho, ndokukurukura navo turakiti raMashoko oUmambo Nhamba 38, rine musoro unoti “Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here?” Akakumbira vose vanenge 30 vaivapo, kuti vatarisewo mumaBhaibheri avo. Vakakurukura kwemaawa angasvika 7. Zvechokwadi, vanhu ava vaiziya nenzara yekuda kuziva nezvaMwari! Mumwe murume aiva nemakore 70 akati, “Kweupenyu hwangu hwese, handisati ndambotsanangurirwa zvakajeka kudaro nezvevakafa!”

Jean-Pierre akarara ikoko. Akarara muimba imwe chete nemufundisi uya. Paakamuka mangwanani akatevera, akaona mufundisi wacho achiverenga imwe yemagazini edu. Jean-Pierre akamubvunza kuti aiverenga nezvei, murume wacho akapindura nemufaro achiti aiverenga nezveUmambo hwaMwari. Akabvuma kuti Umambo hwaMwari hwakanga husiri mumwoyo yevaFarisi, avo vakashorwa naJesu pana Ruka 17:21. Akaona kuti zvaidzidziswa nechechi yake zvekuti Umambo hwaMwari huri mumwoyo wemunhu ndezvenhema. Iye zvino Jean-Pierre akadzokera kuPort-Vila, asi anoshandisa foni kukurukura nevanhu vanofarira vaakaona kumusha kwake. Hama nhatu dzemuungano iri pedyo nenharaunda iyi dzakazvipira kuenda kuChirangaridzo mumusha iwoyo, uye pakauya vanhu 109.

Vanuatu