Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

DOMINICAN REPUBLIC

“Tariro yeUmambo Hakusi Kungorota”

Efraín De La Cruz

“Tariro yeUmambo Hakusi Kungorota”
  • AKABEREKWA MUNA 1918

  • AKABHABHATIDZWA MUNA 1949

  • NHOROONDO YOUPENYU Pasinei nekugariswa mumajeri manomwe uye kurohwa zvikuru kwaaiitwa arimo, akaramba akatsunga pakuparidza mashoko akanaka eUmambo.

MUNA 1948, ini nemudzimai wangu, Paula, nemwanasikana wedu takatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha muBlanco Arriba. Kuti tiende nekudzoka kumisangano taifanira kufamba makiromita 40 netsoka, asi hatina kumbobvira tarovha misangano. Ini naPaula takabhabhatidzwa musi wa3 January 1949.

Pashure pemwedzi mitanhatu ini nevamwe vemuungano medu takasungwa ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitatu. Tairara pasi uye taipiwa zvekudya kamwe chete pazuva—tii nemabhanana. Patakazobudiswa mujeri, vakuru vakuru vehurumende vakatityisidzira vachifunga kuti taizorega kuparidza. Asi, patakadzokera kumba, takatangazve kupinda misangano uye kuparidza pachivande. Taiungana mudzimba dzehama, muminda yekofi, kana kuti mumapurazi, nemhaka yekuti vakuru vakuru vehurumende vaigara vachitiongorora. Pane kuti tigare tichipindira misangano panzvimbo imwe chete, taipa chiziviso tapedza musangano mumwe nemumwe kuti ndekupi kwataizopindira musangano unotevera. Pakunoparidza, munhu aienda ega; taipfeka hembe dzebasa, uye taisashandisa mabhuku kana Bhaibheri. Kunyange zvakadaro, kubva muna 1949 kusvika muna 1959, ndakapinda mumajeri manomwe. Pose pandaivharirwa ndaipika kwemwedzi inotangira pa3 kusvika pa6.

Ndaitofanira kunyatsongwarira nekuti vamwe vainditambudza vainge vari veukama. Kunyange zvazvo ndairara mumakomo kana kuti mupurazi kuti ndisabatwa, dzimwe nguva ndaingobatwa. Pane imwe nguva ndakasungwa ndikaendeswa kujeri reLa Victoria muCiudad Trujillo, kwaiiswa vasungwa 50 kusvika 60 musero rimwe chete. Ikoko taipiwa zvekudya kaviri pazuva—poriji reupfu mangwanani uye masikati tumupunga tushoma nebhinzi. Zvapupu zvose zvaiva ikoko zvaiparidzira vamwe vasungwa, uye taigara tichiita misangano yedu. Pamisangano yacho taiita zvekudzokorora ndima dzemuBhaibheri nemusoro uye kurondedzera zvine chekuita neushumiri hwedu.

Pandakapedzisira kupinda mujeri, mumwe musoja akandirova mumusoro nemumbabvu negaro repfuti. Kunyange zvazvo ndichiri kunzwa marwadzo ekurohwa nekubatwa zvisina kunaka kwandaiitwa, miedzo iyoyo yakaita kuti ndiwedzere kuva nekutenda, kutsungirira, uye kuti ndirambe ndichishumira Jehovha.

Iye zvino ndava nemakore 96, uye ndiri mushumiri anoshumira muungano. Kunyange zvazvo ndisingachakwanisi kufamba daro refu, ndinogara pamberi pemba yangu ndichiparidzira vose vanenge vachipfuura. Kwandiri tariro yeUmambo hakusi kungorota. Ndine tariro yekuti huchauya, uye ndava nemakore anopfuura 60 ndichiudza vanhu nezvahwo. Chivimbo chandiinacho chekuti nyika itsva ichavapo chakangofanana nechandakava nacho musi wandakatanga kuudzwa mashoko eUmambo. *

^ ndima 3 Efraín De La Cruz akafa nyaya ino payainge ichiri kunyorwa.