Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAKAITIKA GORE RAKAPERA

Kuungana kweZvapupu zvaJehovha Kukuru Kupfuura Kumwe Kwose

Kuungana kweZvapupu zvaJehovha Kukuru Kupfuura Kumwe Kwose

MUSI weSaturday 5 October 2013, vanhu 257 294 munyika 21 vakapinda musangano wepagore wechi129 weWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Vamwe vaiva paiitirwa musangano wacho, asi vamwe vaiona vhidhiyo yezvaitoitika vari kune dzimwe nzvimbo kuburikidza nekutepfenyura kwepaIndaneti. Munguva pfupi yakatevera zvimwe Zvapupu zvakazoonawo vhidhiyo yepurogiramu yacho yainge yarekodhwa. Vose vakapinda vaiva 1 413 676 munyika 31 zvichiita kuti uku kuve kuungana kweZvapupu zvaJehovha kukuru kupfuura kwese kwakamboitwa.

Kubva kumakore ekuma1920, Zvapupu zvaJehovha zvagara zvichitepfenyura magungano kuvateereri vanenge vari munyika dzakasiyana-siyana, zvichishandisa nhare pamwe chete nezviteshi zveredhiyo. Iye zvino Indaneti inokwanisa kuita kuti kunyange vanhu vari munzvimbo dziri kure vanzwe uye vaone zviitiko panguva yazvinenge zvichitoitika kana kuti zvichangobva kuitika.

Nhengo dzemapazi akati kuti dzakashanda kwenguva inopfuura gore kuti dzigadzirire nhepfenyuro yacho. Pamazuva ayaishandiswa, vanamazvikokota vaiva kuBrooklyn, New York ndivo vaiona nezvekushanda kwayo, uye nguva dzose pairamba paine munhu ari pabasa sezvo yairatidzwa vanhu vari munzvimbo dzine nguva 15 dzakasiyana-siyana.