Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kuita Zvinhu Zvakawanda Panguva Imwe Chete Kwakanaka Here?

Kuita Zvinhu Zvakawanda Panguva Imwe Chete Kwakanaka Here?

 Unogona kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete here?

 Unoita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete here? Vanhu vakawanda vanofunga kuti vana vakaberekwa mazuva ano vanogona kuita zvinhu zvakawanda kupfuura vanhu vakuru vakaberekwa kare. Asi ichocho ichokwadi here?

 ICHOKWADI HERE kana kuti INHEMA?

  •   Kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete kunoita kuti ukurumidze kupedza basa.

  •   Kana ukaedza kuzvidzidzira, unopedzisira watova shasha yekuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete.

  •   Vechidiki vanogona kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete kutopfuura vanhu vakuru.

 Kana paine pawati ichokwadi, unogona kunge wakatovhiringidzwa nenhema dzinowanzotaurwa panyaya yekuita zvakawanda panguva imwe chete.

 Nhema dzinotaurwa nezvekuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete

 Unofunga kuti unogona kuita zvinhu zviviri panguva imwe chete here? Unogona kuita zvinhu zviviri panguva imwe chete kana chimwe chacho chisingadi kuti ushandise pfungwa. Pane zvimwe zvinhu zvaunogona kuita panguva imwe chete. Semuenzaniso, unogona kuteerera nziyo uku uchitsvaira mumba.

 Asi ukaedza kuita zvinhu zviviri zvinoda kuti unyatsoshandisa pfungwa, zvinogona kusanyatsobuda zvakanaka zvese. Mumwe musikana anonzi Katherine akati: “Kana uchida kuvhiringa zvinhu zviwanzire zvekuita panguva imwe chete.”

 “Mufoni mangu makapinda meseji yandaifanira kupindura, asi pane mukomana wandaiva naye tichitaura. Ndakaedza kuipindura uku ndichiramba ndichitaura nemukomana wandaiva naye. Handina kuzombonzwa zvaaitaura uye ndakakanganisa mashoko ese andakanyora mumeseji yacho.”—Caleb.

 Imwe nyanzvi inonzi Sherry Turkle yakanyora kuti: “Kana uchifunga kuti unogona kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete, . . . pese paunenge uchiwedzera zvinhu zvekuita chokwadi ndechekuti unenge uchitovhiringa zvinhu. Kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete kunoita kuti pfungwa dzedu dzifunge kuti tiri kutobudirira asi chokwadi ndechekuti tinenge tichitowedzera kuvhiringidza zvinhu.” a

 “Pamwe pacho ndinenge ndichitofunga kuti ndiri kugona pandinenge ndichiti uku ndiri kutaura nemumwe munhu uku mumwe ndiri kutumira mameseji, kusvikira ndatozoona kuti wandiri kutaura naye ndava kumupindura zvandaifanira kuita kumeseji uyo wandiri kutumirawo mameseji ndava kutaura naye sekunge kuti ndiye wandiinaye!”—Tamara.

 Vanhu vanoedza kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete vanongozviomesera upenyu. Semuenzaniso, zvinogona kuvatorera nguva refu kuti vapedze homuweki. Kana kuti vanogona kuzotanga kudzokorora basa ravanga vachifunga kuti vapedza. Chokwadi ndechekuti, vanhu vanoedza kuita zvinhu zvakawanda vanowanzosara vasisina nguva yekuita zvinhu zvavanenge vachida.

 Mumwe chipangamazano pane chimwe chikoro anonzi Thomas Kersting akati: “Vanhu vanoedza kuita zvakawanda vakafanana nemabhuku akangoti bvururu asina kurongedzwa.” b

 “Paunoedza kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete, zvinhu zvacho hazvinyatsobuda zvakanaka. Unotozoona kuti wazviwanzira basa uye watambisa nguva yawanga uchida kuchengetedza.”—Teresa.

Kuedza kuita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete kwakafanana nekuedza kufambira munzira mbiri panguva imwe chete

 Zvaunogona kuita

  •   Dzidzira kuita chinhu chimwe chete panguva. Zvinogona kumboti omei, kunyanya kana wakanga wajaira kuita zvinhu zvakawanda panguva. Semuenzaniso kuita homuweki uku uchitumira mameseji. Bhaibheri rinotiudza “kuti tive nechokwadi chekuti ndezvipi zvinokosha kupfuura zvimwe.” (VaFiripi 1:10) Zvinhu zvatinoita zvinosiyana-siyana kukosha kwazvo. Saka ona kuti ndechipi chinofanira kutanga kuitwa woita ichocho kusvikira chanyatsopera.

     “Dzimwe nguva unenge uchitofanira kudzora pfungwa dzako sezvinongoitwa kamwana kadiki; kanenge kachingoda zvese zvese.”—Maria.

  •   Bvisa zvinhu zvinogona kukuvhiringidza. Unombonzwa uchida kutarisa foni here paunenge uchiverenga? Iendese kure newe. Dzima TV, uye usambofunga zvekubata foni. Bhaibheri rinoti: “Shandisai nguva yenyu nekuchenjera.”—VaKorose 4:5.

     “Ndakaona kuti kuisa pfungwa dzangu pachinhu chimwe chete kunobatsira. Izvi zvinoita kuti ndifare pandinoziva kuti ndapedza kuita chinhu chandakanga ndakaronga uye ndava kuenda pane chimwe.”—Onya.

  •   Usaita zvimwe zvinhu kana uchitaura nemumwe munhu. Kana uchitaura nemumwe munhu uku uchiita zvimwe zvinhu pafoni, munogona kutadza kunzwisisana uye kushaya unhu. Bhaibheri rinotiudza kuti tiitirewo vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo.—Mateu 7:12.

     “Dzimwe nguva pandinenge ndichitaura nehanzvadzi yangu, anenge achitaura nemumwe munhu kana kuita zvimwe zvinhu pafoni yake, uye zvinondibhowa! Asi kutaura chokwadi, neniwo ndinotombozviitawo!”—David.

a Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi Disconnected.

b Mashoko aya akatorwa mubhuku rinonzi Reclaiming Conversation.