Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kana Ndikaona Kuti Ndava Kutanga Kuyaruka?

Ndingaita Sei Kana Ndikaona Kuti Ndava Kutanga Kuyaruka?

 “Kwatiri isu vasikana, zvinoitika pakuyaruka hazvinakidzi. Zvinorwadza, zvimwe zvacho unotonyara nazvo, uye zvinovhiringidza. Hapana chandingamboti chinonakidza!”​—Oksana.

 “Ndaigona kungoerekana ndati kwindi. Handizivi hangu kana zvichiitika kuvakomana vese, asi kwandiri ndizvo zvaiitika.”​—Brian.

 Munhu paanenge achiyaruka anoita seari kutambira paroller-coaster, pakuti zvinenge zvichinakidza asiwo zvichityisa! Ungaita sei kana izvozvo zvava kuitika kwauri?

 Chii chinonyatsoitika pakuyaruka?

 Paunenge wava pazera rekuyaruka, pane zvinochinja nekukurumidza pamuviri wako uye mupfungwa dzako, zvichiratidza kukura. Panguva iyoyo, muviri wako uye mahomoni ako zvinokurumidza kuchinja zvichiita kuti uzokwanisa kuva nevana.

 Izvozvo hazvirevi hazvo kuti unenge watogadzirira kuva mubereki. Asi zvinoitika paunenge uchiyaruka zvinoratidza kuti wava kubva pazera reumwana. Izvi zvingaita kuti ude kuziva kuti saka chii chichaitika, asiwo zvinogona kuita kuti unetseke.

 Mubvunzo: Unofunga kuti zvinhu zvinoitika pakuyaruka zvinofanira kutanga kana munhu ava nemakore mangani?

  • 8

  • 9

  • 10

  • 11

  • 12

  • 13

  • 14

  • 15

  • 16

 Mhinduro: Zvinogona kutanga munhu ava pazera chero ripi zvaro pamazera iwayo ataurwa.

 Saka haufaniri hako kunyanya kunetseka kana wava kutosvitsa makore 15 asi usati watanga kuona zvinhu izvi zvichiitika kwauri, kana kuti zvava kutoitika kwauri asi usati wasvitsa makore 10. Zvinoitika pakuyaruka zvinongotanga zvega saka hapana zvakawanda zvaunogona kuita kuti zvichitanga kana kuti zvichipera.

Munhu paanenge achiyaruka anoita seari kutambira paroller-coaster, pakuti zvinenge zvichinakidza uyewo zvichityisa, asi pane zvaanogona kuita kana izvozvo zvava kuitika

 Kuchinja kunoita muviri

 Pazvinhu zvese zvinochinja kana munhu ava pazera rekuyaruka kunenge kuti chinonyanya kuoneka ndiko kukurumidza kukura kunoita muviri wake. Dambudziko riripo nderokuti hadzisi nhengo dzese dzemuviri wako dzinokurirana pamwe chete. Saka usashamisika hako kana ukaona wava kuti netsekei pakufamba kana kuti pakuita zvimwe zvinhu. Ziva kuti nekufamba kwenguva zvinozopera.

 Pane zvimwe zvakati kuti zvinochinja pamuviri wemunhu paanenge achiyaruka.

 Kuyaruka kunoita vakomana:

  •   Nhengo dzekubereka nadzo dzinokura

  •   Vanomera ndebvu uye bvudzi muhapwa nepanhengo dzekubereka nadzo

  •   Inzwi rinochinja

  •   Dzimwe nguva nhengo yekubereka nayo inongoerekana yamira uye vanotanga kuzvirotera

 Kuyaruka kunoita vasikana:

  •   Vanobuda mazamu

  •   Vanomera bvudzi muhapwa nepanhengo dzekubereka nadzo

  •   Vanotanga kutevera (kuenda kumwedzi)

 Kuyaruka kunoita vese, vakomana nevasikana:

  •   Muviri unotanga kubudisa kamunhuwi kasina kunaka, zvichikonzerwa neziya rinenge rasangana nemabhakitiriya.

     Zano: Unogona kuita kuti muviri wako usanyanya kunhuwa kana ukageza kakawanda uye ukashandisa pefiyumu kana kuti zvimwe zvekuzora zvinoita kuti usadikitira.

  •   Mapundu anobuda kumeso, ayo anokonzerwa nemabhakitiriya anenge aungana mumaoil glands.

     Zano: Kunyange zvazvo mapundu aya asiri nyore kupedza, kana ukagara uchigeza kumeso kwako uye kushandisa mimwe mishonga yekugezesa kumeso zvinogona kubatsira.

 Kuchinja kunoitika mupfungwa

 Kuwedzera kwemahomoni uko kunochinja zvimwe zvinhu mumuviri wako kunogona kuchinjawo zvinoitika mupfungwa dzako. Unogona kuva nenguva dzaunenge uchifara chaizvo asi wozongoerekana wangoti kwindi.

 “Unogona kuti rimwe zuva uri kungochema, asi womuka mangwana wava kufara. Imwe nguva unenge uchiviruka nehasha, asi pasina nguva unenge wazvivharira mubhedhurumu mako usingachadi zvekutaura nemunhu.”​—Oksana.

 Vechiduku vakawanda pavanenge vachiyaruka vanonzwawo vachinetseka chaizvo kuti vanhu vari kuvaona sei, sekunge kuti vanhu vese vari kuvatarisa. Uye kuchinja chinja kunenge kuchiita muviri wako kunotoita kuti uwedzere kunetseka!

 “Pandakatanga kuyaruka, ndaifarira kugara kana kumira ndakatarisa pasi uye kupfeka hembe dzakakurisa. Kunyange zvazvo ndaiziva hangu chaiita kuti muviri wangu uchinje, ndaingonzwa kunetseka uye kunyara. Hameno zvazvaingoita so.”​—Janice.

 Kunenge kuti chinhu chikuru chinochinja mupfungwa dzako ndechekuti maonero aunenge wava kuita vakomana kana kuti vasikana anenge achinja zvachose.

 “Ndichiri mudiki ndaisatomboda kuona chinonzi mukomana. Asi maonero andakatanga kuvaita akachinja, uye vamwe vacho ndakanga ndava kutovayemura, zvekuti ndakanga ndisingachaoni sekuti kudanana nemukomana kwakaipa. Kutaura chokwadika, tainge tava kungogara tichitaura nezvekuti nhingi anoda nhingi.”​—Alexis.

 Vamwe vakomana pavanenge vachiyaruka vanotanga kunzwa kuda vamwe vakomana, uye ndizvo zvinogona kuitikawo kuvasikana. Kana izvi zvikaitika kwauri, haufaniri hako kufunga kuti uri ngochani. Kakawanda manzwiro akadaro anozopera nekufamba kwenguva.

 “Ndaigara ndichizvienzanisa nevamwe vakomana, zvekuti vakazopedzisira vava kunditora mwoyo. Ndakazotanga kufarira vasikana pava paya. Iye zvino handichatorwi mwoyo nevakomana.”​—Alan.

 Zvaungaita

  •    Usaona sekuti zvinoitika pakuyaruka zvakaipa. Chokwadi ndechekuti kuchinja kunoitika pamuviri wako uye mupfungwa dzako paunenge uchiyaruka kunokosha. Unogona kusimbiswa nemashoko akataurwa naDhavhidhi, ekuti: “Ndakaitwa nenzira inoshamisa.”​—Pisarema 139:14.

  •   Usazvienzanisa nevamwe, uye usaramba uchingofunga nezvechimiro chako. Bhaibheri rinoti: ‘Munhu anoona zvinoonekwa nemaziso, asi Jehovha anoona zvakaita mwoyo.’​—1 Samueri 16:7.

  •   Gara uchiekisesaiza uye wana nguva yakakwana yekuzorora. Kunyatsorara zvakakwana kuchakubatsira kuti usakurumidza kugumbuka, uye kuti usanyanya kuzvidya mwoyo.

  •   Usaramba uchingofunga zvisina kunaka nezvako. Zvibvunze kuti, “Asi ndizvo here kuti vanhu vese vari kugara vakanditarisa?” Kunyange vanhu vakataura zvakasiyana-siyana nezvekukura kwauri kuita, iwe edza kuona zvinhu sezvazviri. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo wako ngaurege kuva nehanya nemashoko ose angataurwa nevanhu.”​—Muparidzi 7:21.

  •   Dzidza kuzvidzora paunonzwa uchida kuita zvepabonde kuitira kuti usaita ufeve. Bhaibheri rinoti: “Tizai ufeve.  . . Ane tsika yokuita ufeve ari kutadzira muviri wake pachake.”​—1 VaKorinde 6:18.

  •   Taura nemumwe wevabereki vako kana kuti mumwe munhu mukuru waunovimba naye. Ichokwadi kuti pakutanga unganzwa uchinyara. Asi uchaona kuti kana ukavaudza zvauri kusangana nazvo vachakubatsira.​—Zvirevo 17:17.

 Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva: Paunenge uchiyaruka pane matambudziko aunosangana nawo. Asi panguva iyoyo ndipo paunokwanisawo kukura mumuviri, mupfungwa uye pane zvokunamata.​—1 Samueri 2:26.