Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Kutevedzera Vanhu vomuTV Kwakaipirei?​—Chikamu 1: Nyaya Iyi Yakanangana Nevasikana

Kutevedzera Vanhu vomuTV Kwakaipirei?​—Chikamu 1: Nyaya Iyi Yakanangana Nevasikana

Ndezvipi zvinotevedzerwa pavanhu vomuTV?

  Tarisa mashoko aya wozopindura mibvunzo iri pasi pacho.

Column 1

Column 2

Vane pfungwa dzevana vaduku

Vanoziva zvavari kuita

Havateereri vanhu vakuru

Vanoteerera

Vanoita zvevakomana

Vanozvibata

Vanoita zvinhu vasina kufunga

Vanotanga vafunga vasati vaita zvinhu

Vanoita makuhwa

Vakangwara

Vanoita zvechitsotsi

Vakavimbika

  1.   Uchishandisa mashoko ari paA uye paB ungati vasikana vemuTV kana mumabhuku vanenge vari vanhu vakaita sei?

  2.   Ko iwe unoda kunzi uri munhu akaita sei?

 Kunenge kuti mhinduro dzako pamubvunzo wokutanga dzabva pane zviri paA uye dzemubvunzo wechipiri wadzitora pane zviri paB. Kana zviri izvo zvawaita, zvinoratidza kuti unoda kuva musikana akanaka uye anoyemurika kwete sevasikana vomuTV. Variko vasikana vakawanda vasingadi kutevedzera vanhu vomuTV. Verenga unzwe chinoita kuti vadaro.

 “Mumafirimu musikana anenge achinzi ndiye musikana ari pamberi anenge asingadi kuteerera zvaanoudzwa uye anenge achiita zvinhu zvokuti aonekwe nevamwe. Mafirimu acho anoita sokunge kuti tose vasikana ndozvatiri.”​—Erin.

 “Vasikana vomuTV vanozvinetsa panyaya dzechitarisiko, hembe uye vakomana uye zvose izvi vanenge vachizviitira kuti vaonekwe.”​—Natalie.

 “PaTV kashoma kuti musikana anenge achinzi ndiye ari pamberi, asanwa doro, asarara nevakomana, uye ateerere vabereki. Kana akasaita izvozvo anenge ava kutonzi musande chaiye.”​—Maria.

 Zvibvunze kuti: ‘Mapfekero angu, maitiro uye matauriro angu, anoratidza kuti ndine munhu womuTV wandinotevedzera here?’

Zvii zvaunofanira kuziva?

  •    Vakawanda havazivi kuti pazvinhu zvavanoita vanenge vachitevedzera mumwe munhu. Mumwe musikana anonzi Karen anoti: “Ndizvo zvinoita munin’ina wangu. Pfungwa dzake dzinenge dzingori pahembe uye vakomana. Akachenjera hake asi anofunga kuti zvaari kuita zvinomuita kuti afanane nevasikana vezera rake. Apa ane makore 12!”

     Bhaibheri rinoti: ‘Regai kuzvienzanisa nenyika.’​—VaRoma 12:2.

  •   Zvinoitwa nevasikana vepaTV hazvirevi kuti ndozvinoitwa nevasikana vose. “Vasikana vanoonekwa sevanonetseka panyaya dzechitarisiko, vasina kurongeka, uye vanoita zvinhu vasina kufunga. Asi chokwadi ndechokuti vakawanda vedu zviripowo zvinhu zvine musoro zvatinoita kunze kwokungofunga zvevakomana,” anodaro musikana ane makore 15 anonzi Alexis.

     Bhaibheri rinoti: ‘Vanhu vanoziva zvavanoita, vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.’​—VaHebheru 5:14.

  •   Vemabhizinesi chavanoda imari kwete vanhu. Vanhu vemabhizinesi akadai seanogadzira hembe, mafoni nezvimwewo vanoziva kuti vanogona kuita mari svinu nokutengesera vechiduku. “Vanoshambadzira zvinhu vanoti hausi munhu kana usina hembe iri mufashoni, mafoni nezvimwewo zvichangoburwa,” rinodaro bhuku rinonzi 12 Going on 29. “Mazuva ose vechiduku vanotorwa mwoyo nezvinhu zvinotengeswa, asi chavasingazivi ndechokuti vanotengesa chavanoda imari.”

     Bhaibheri rinoti: “Zvinhu zvose zviri munyika​—kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso nokushamisira nezvinhu zvoupenyu zvomunhu—hazvibvi kuna Baba, asi zvinobva munyika.”​—1 Johani 2:16.

 Zvokufunga nezvazvo: Unofunga kuti chinangwa chevanhu vanogadzira zvinhu zvinopinda mufashoni ndechei? Kana ukatenga foni ichangopinda mufashoni uchiitira kuti ufanane neshamwari dzako unofunga kuti anonyanya kufara ndiani? Unofunga kuti chinonyanya kudiwa nevanotengesa zvinhu ndiwe here kana kuti imari yako?

Zvii zvaungaita?

  •    Ongorora munhu wepaTV wauri kuda kutevedzera. Paunokura unotanga kuona zvimwe zvinhu zvawanga usiri kuona. Shandisa pfungwa dzako kuona kuti kana ukatevedzera vanhu vari kubudiswa paTV uchaguma wava munhu akaita sei. “PaTV unoona musikana asina kupfeka zvakanaka uye akapoda-poda zvisingaiti, asi vasikana vakawanda chavasingazivi ndechokuti kunyanya kupoda ikoko chiratidzo chokuti uri kutsvaka kuonekwa panzvimbo pokuti uratidzike zvakanaka,” anodaro musikana ane makore 14 anonzi Alana.

  •   Pazvinhu zvakanaka zvawati unoda kuita chitanga kudzidzira iye zvino. Bhaibheri rinoti: ‘Pfekai unhu hutsva, huri kuitwa hutsva maererano nomufananidzo woUya akahusika’ kwete maererano nezvinobudiswa paTV.​—VaKorose 3:10.

  •   Tevedzera vanhu vane tsika dzakanaka. Vamwe vacho vanogona kunge vatori mumba menyu vakadai samhamha vako kana kuti tete. Vamwe ndevaunoziva vane tsika dzakanaka. Zvapupu zvaJehovha zvine vakadzi vakawanda vavanonamata navo vane tsika dzakanaka.​—Tito 2:3-5.

 Zvimwe zvaungaita: Verenga bhuku rinonzi Tevedzera Kutenda Kwavo uone vakadzi vaiva netsika vanotaurwa muBhaibheri vakadai saRute, Hana, Abhigairi, Esteri, Mariya uye Marita. Bhuku racho rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye riripowo paIndaneti pawww.dan124.com.