Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndivanaani Vanoita Zvakanaka Vandinoda Kutevedzera?

Ndivanaani Vanoita Zvakanaka Vandinoda Kutevedzera?

 “Zvinhu pazvaindiomera ndiri kuchikoro, chaindibatsira kufunga nezvemumwe munhu wandinoyemura akambosanganawo nezvakadaro. Ndadaro, ndaibva ndaedza kumutevedzera. Kuva nemunhu wekutevedzera kwakandibatsira zvinhu pazvaioma.”​—Haley.

 Kuva nemunhu anoita zvakanaka wekutevedzera kuchakubatsira kuti usapinda muna taisireva uye uzadzise zvaunovavarira kuita muupenyu. Izvi zvinoitika kana ukasarudza kutevedzera munhu anoita zvakanaka.

 Nei uchifanira kutora nguva yako pakusarudza?

  •   Zviito zvako zvichabva pakuti ndivanaani vawasarudza kutevedzera.

     Bhaibheri rinoudza vaKristu kuti vacherechedze vanhu vanoita zvakanaka richiti: “Sezvamunocherechedza kuti mufambiro wavo unoguma sei, tevedzerai kutenda kwavo.”​—VaHebheru 13:7.

     Zano: Unogona kuva munhu anoita zvakanaka kana kuti zvakaipa, zvichienderana nekuti ndiani wawakasarudza kutevedzera, saka unofanira kusarudza kutevedzera vaya vane unhu hunoyemurika, kwete kungofunga nezvevanhu vane mbiri kana kuti vezera rako.

     “Ndakadzidza zvakawanda kumuKristu wandinonamata naye anonzi Adam. Ane unhu hwakanaka. Nanhasi ndichiri kuyeuka zvinhu zvaaitaura uye zvaaiita. Handifungi kuti anozviziva kuti zvaaiita zvakandibatsira chaizvo.”​—Colin.

  •   Zvaunofunga uye maonero aunoita zvinhu zvichabva pavanhu vaunosarudza kutevedzera.

     Bhaibheri rinoti: “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.”—1 VaKorinde 15:33.

     Zano: Sarudza munhu kwaye, kwete kungotorwa mwoyo nezvaari nechekunze. Ukasadaro unogona kuzozvidemba.

     “Kana ukada kuzvienzanisa nevanhu vanoonekera, vakanaka, unopedzisira wava kuzviona semunhu asingakoshi uye akashata. Unogona kutanga kushora zvauri.”​—Tamara.

     Zvekufunga nezvazvo: Zvakaipirei kuda kutevedzera vanhu vakakurumbira kana kuti vanozivikanwa mune zvemitambo?

  •   Kuti uzadzise zvaunovavarira kuita muupenyu zvinobva pakuti ndiani wawasarudza kutevedzera.

     Bhaibheri rinoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”—Zvirevo 13:20.

     Zano: Sarudza kutevedzera vanhu vane unhu hwaunoda kuva nahwo. Paunenge uchivacherechedza, unenge uchitodzidza zvinhu zvichakubatsira kuti uve neunhu hwaunoda.

     “Pane kungotaura zvaunoda kuita uchiti ‘Ndinoda kuva munhu anoziva zvaari kuita,’ unogona kuti, ‘Ndinoda kuva munhu anoziva zvaari kuita saJane. Anobata nguva uye anoita zvaanenge anzi aite nemwoyo wese.’”​—Miriam.

     Chinhu chinokosha chaunofanira kuziva ndechekuti: Kana ukasarudza kutevedzera munhu kwaye, zvichakubatsira kuti uitewo zvinhu zvakanaka.

Kutevedzera munhu anoita zvakanaka kunogona kukubatsira kuti ukurumidze kuzadzisa zvaunovavarira kuita muupenyu!

 Chii chichakubatsira pakusarudza?

 Pane nzira mbiri dzekusarudza nadzo munhu wekutevedzera.

  1.   Unogona kufunga nezveunhu hwaunoda kuvandudza, wotsvaga munhu ane unhu ihwohwo.

  2.   Unogona kusarudza munhu waunoyemura, wofunga nezveunhu hwaanahwo hwaunoda kutevedzera.

 Pepa rezvandakaronga kuita rinoenderana nenyaya ino richakubatsira pakuita izvozvo.

 Vanhu vaunoda kutevedzera vanogona kuva:

  •  Vezera rako. “Shamwari yangu yepamwoyo munhu wandinoda kutevedzera. Ane rudo, anowanira vamwe nguva. Mudiki kwandiri, asi ane unhu hwakanaka chaizvo hwandisina, uye izvozvo zvinoita kuti ndide kumutevedzera.”​—Miriam.

  •  Vanhu vakuru. Vanogona kunge vari vabereki vako kana kuti vamwe vaunonamata navo. “Ndinoda kutevedzera vabereki vangu. Vane unhu hwakanaka. Ndinoona hangu pavanokanganisa, asi ndinoonawo kuti vanhu vakavimbika kuna Mwari. Ndinovimba kuti pandichasvikawo zera ravo, vanhu vachataurawo nezvangu saizvozvo.”​—Annette.

  •  Vanhu vemuBhaibheri. “Ndine vanhu vemuBhaibheri vakati kuti vandinoda kutevedzera​—Timoti, Rute, Jobho, Petro, uye kasikana kechiIsraeri. Ndine zvandinoyemura pavari vese. Pandinowedzera kudzidza nezvevanhu vemuBhaibheri, ndinobva ndasvika pakuvaona seshamwari dzangu. Ndakanakidzwa chaizvo nekudzidza nezvenyaya dzavo mubhuku raTevedzerai Kutenda Kwavo, uyewo ‘Indekisi Yemienzaniso Yokutevedzera’ iri mubhuku 1 ne2 raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.”​—Melinda.

 Zano: Usangotevedzera munhu mumwe chete. Muapostora Pauro akaudza vamwe vaKristu kuti: “Rambai makatarira vaya vari kufamba maererano nomuenzaniso wamunoona matiri.”—VaFiripi 3:17.

 Waizviziva here? Iwe unogona kutevedzerwawo nevamwe! Bhaibheri rinoti: “Iva muenzaniso kune vakatendeka, pakutaura, pamufambiro, parudo, pakutenda, pakuchena.”—1 Timoti 4:12.

 “Kunyange zvazvo uchine zvimwe zvauri kufanira kuvandudza, unogona kubatsira vamwe kuti vaitewo zvakanaka. Haumbozivi kuti ndiani anenge achikutarisa, uye haumbozivi kuti zvauchataura zvichachinja sei upenyu hwemumwe munhu.”​—Kiana.