Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndodii Kana Ndakabhowekana?

Ndodii Kana Ndakabhowekana?

 Vakawanda vanobhowekana nekuswera pamba vasina kwekuenda nekuti kunenge kuchinaya. Mumwe mukomana anonzi Robert anoti, “Ndinozongogara ndisingazivi kuti ndoitei.”

 Wakambonzwa saizvozvo here? Kana izvi zvakamboitika kwauri, nyaya ino ichakubatsira!

 Zvaunofanira kuziva

  •   Kuenda paIndaneti kungasabatsira.

     Kuenda paIndaneti kunogona kubatsira kuti nguva ifambe, asi kunogona kuitawo kuti usafunga zvakanaka, wopedzisira wava kunzwa kubhowekana. “Unopedzisira wangoti tuzu pafoni kana kombiyuta asi usingashandisi pfungwa,” anodaro Jeremy, ane makore 21.

     Mumwe musikana anonzi Elena anobvumiranawo nazvo. “Unofanira kuziva pekugumira pakushandisa Indaneti. Inoita kuti usanyatsoisa pfungwa pazvinhu zviri kuitika muupenyu, zvekuti paunozopedza, unenge watowedzera kubhowekana!”

  •   Maonero aunoita anokosha.

     Kuva nezvakawanda zvekuita kunoita kuti usabhowekane here? Kakawanda kacho zvinobva pakuti uri kunakidzwa zvakaita sei nezvauri kuita. Semuenzaniso, mumwe musikana anonzi Karen anoti: “Chikoro chaindibhowa, kunyange zvazvo ndaiva nezvakawanda zvekuita muswere wese. Unofanira kunyatsoisa pfungwa dzako pane zvaunenge uchiita kuti usabhowekane.”

 Waizviziva here? “Kana usina zvekuita” ndipo paunotova nemukana wekuita zvimwe zvinhu zvine musoro.

Kana usina zvekuita ndipo paunotova nemukana wekuita zvimwe zvinhu zvine musoro

 Zvaungaita

 Funga zvimwe zvekuita. Tsvaga shamwari itsva. Tsvaga zvinhu zvitsva zvinokuvaraidza. Tsvakurudza zvinhu zvaunoda kuwedzera kuziva. Vanhu vane zvinhu zvakawanda zvekuita havawanzobhowekana nekuva vega, uye havazowanzobhowa kana vaine vamwe!

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose.”​—Muparidzi 9:10.

 “Mazuva achangobva kupfuura ndakadzidza Mandarin Chinese, uye kudzidzira mutauro uyu kuri kuita kuti ndinakidzwe. Ndinonakidzwa nekuva nechimwe chinhu chekuita. Zvinoita kuti pfungwa dzangu dzigare dziine zvekuita uye zvinoita kuti ndinyatsoshandisa nguva yangu zvakanaka.”​—Melinda.

 Ramba uchifunga nezvechinangwa chako. Kana ukava nechinangwa pazvinhu zvauri kuita, uchawedzera kunakidzwa nazvo. Kana basa rekuchikoro chairo rinenge risisanyanyi kukubhowa kana uine chinangwa.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti afadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.’​—Muparidzi 2:24.

 “Pandakanga ndava kupedza chikoro, ndaidzidza kwemaawa 8 pazuva nekuti ndaiedza kuti ndibate vamwe. Zvaisabhohwa nekuti ndainyatsoisa pfungwa dzangu dzese pane zvandaiita. Ndairamba ndichifunga kuti ndava kutonopedza chikoro, uye ndizvo zvakaramba zvichindipa simba.”​—Hannah.

 Bvuma kuti zvimwe zvinhu haukwanisi kuzvichinja. Kunyange zvinhu zvinonakidza chaizvo pane dzimwe nguva pazvinomboti bhowei. Dzimwe nguva shamwari dzinogona kukanzura zvamunenge maronga kuita, wosara usisina zvekuita. Panzvimbo pekuchingobata shaya uchishayiwa kuti wodii, edza kuva nemafungiro akanaka.

 Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu ane mwoyo unofara anoita mutambo nguva dzose.”​—Zvirevo 15:15.

 “Imwe shamwari yangu yakandiudza kuti ndinakidzwe nenguva yandinenge ndiri ndega. Akati zvakakosha kuti munhu uzive kuti une nguva yaunofanira kumbova nevamwe kozoitawo nguva yaunofanira kumbovawo wega.”​—Ivy.