Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndibudirire Ndichidzidza Ndiri Kumba?

Ndingaita Sei Kuti Ndibudirire Ndichidzidza Ndiri Kumba?

 Vana vakawanda havachaendi kuchikoro, vava kudzidza vari kumba. Kana zviri izvo zvauri kuitawo, ungaita sei kuti ubudirire pazvidzidzo zvako? Nyaya ino ine mazano anogona kukubatsira. a

 Zvinhu 5 zvingakubatsira kuti ubudirire

  •   Ronga zvaunoda kuita. Edza kutevedzera purogiramu yakarongeka sezvawaizoita kudai kuri kuchikoro. Ronga kuti uchaita nguvai zvinhu zvakadai sekudzidza, mabasa epamba uye zvimwe zvinhu zvinokosha. Unogona kuchinja purogiramu yacho zvichienderana nezvinenge zviripo.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Zvinhu zvese ngazviitike nenzira yakarongeka.’—1 VaKorinde 14:40.

     “Ronga zuva rako sezvawaizoita kudai waiva kuchikoro. Unofanira kuita zvinhu panguva chaiyo yaunenge wakaronga.”—Katie.

     Zvekufunga nezvazvo: Zvakanakirei kuva nepurogiramu yakanyorwa pasi uye kuiisa paunoiona?

  •   Iva munhu anozvidzora. Chimwe chinhu chinoratidza kuti uri kukura, kukwanisa kuita zvaunenge uchifanira kuita kunyange paunenge uchinzwa sekuti hausi kuda. Usaverengera kuita zvinhu!

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Shandai nesimba, musingaiti zveusimbe.”—VaRoma 12:11.

     “Kuzvidzora kwakaoma. Zviri nyore kuti upe tuzvikonzero uchiti, ‘Zvechikoro ndichati ndozozviita.’ Panguva yawanga uchiti uchazozviita worega futi, uye unobva watosara kumashure.”—Alexandra.

     Zvekufunga nezvazvo: Kuita zvechikoro panzvimbo imwe chete uye panguva imwe chete zuva rega rega kunobatsira sei kuti uve munhu anozvidzora?

  •   Iva nenzvimbo yaunodzidzira. Iva nezvinhu zvaunoda kuzoshandisa. Ita kuti nzvimbo yacho ive yakanaka asi kwete zvakanyanya zvekuti unenge wava kutoda kurara. Chinangwa ndechekuti udzidze kwete kukotsira! Kana zvisingaiti kuti uve nenzvimbo yakangomirira kudzidza, unogona kudzidzira mukicheni kana kuti muimba yekurara panguva yamunenge musiri kushandiswa nevamwe.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zvirongwa zvemunhu anoshanda nesimba zvinoita kuti abudirire.”—Zvirevo 21:5.

     “Rongedza bhora, mavhidhiyo gemhu negitare rako uye ita kuti foni yako isarire. Kuti unyatsodzidza zvakanaka hapafaniri kuva nezvinhu zvinokuvhiringidza.”—Elizabeth.

     Zvekufunga nezvazvo: Ndezvipi zvaungaita kuti paunodzidzira panyatsoita kuti pfungwa dzako dzive pachinhu chimwe chete?

  •   Isa pfungwa pane zvaunenge uchiita. Usaita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete, isa pfungwa pane zvauri kuita. Kana ukaita zvinhu zvakawanda panguva imwe chete unogona kukanganisa kakawanda uye zvichakutorera nguva yakareba kuti upedze zvaunenge uchiita.

     Zvinotaurwa neBhaibheri: ‘Shandisai nguva yenyu nekuchenjera.’—VaEfeso 5:16.

     “Foni payaiva padivi pangu, zvakanga zvakandiomera kuisa pfungwa pane zvandaiita. Ndaipedza nguva yakawanda ndichiita zvinhu zvisina zvazvaindibatsira.”—Olivia.

     Zvekufunga nezvazvo: Unogona here kuita uchiwedzera nguva yaunopedza uchiita chidzidzo chimwe chete?

  •   Imboita uchizorora. Imbofamba-famba, chovha bhasikoro kana kuekisesaiza. Kuitawo zvinhu zvaunofarira kunogona kuita kuti pfungwa dzimbofurwa nemhepo. Bhuku rinonzi School Power rinoti, “Asi tanga waita zvechikoro, kutandara kunonakidza kana uchiziva kuti wapedza basa rako rese.”

     Zvinotaurwa neBhaibheri: “Zviri nani kumboti zororei pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri uchidzingana nemhepo.”—Muparidzi 4:6.

     “Kuchikoro unogona kudzidza kuridza zviridzwa kana kuita zvinhu zvakadai sekudhirowa. Pandakanga ndisisakwanisi kuita zvinhu izvozvo ndipo pandakatanga kuzvisuwa. Zvakanaka kuita zvinhu izvi kunyange uchidzidza uri kumba.”—Taylor.

     Zvekufunga nezvazvo: Zvinhu zvipi zvaunogona kuita kuti umbofurwa nemhepo usati wadzokera pamabhuku ako?

a Pane nzira dzakawanda dzinoshandiswa pakudzidza uri kumba. Shandisa mazano ari munyaya ino anoenderana nemamiriro ako ezvinhu..