Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira?

Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira?

Kutumira mameseji anonyadzisira kunosanganisirei?

  Kunosanganisira kutumira mashoko chaiwo, mapikicha, kana mavhidhiyo ane chokuita nebonde. Mumwe murume anoti: “Zvinoita sokuti vanhu havachatombooni pane chakaipa nokuzviita. Munotanga muchiti tiri kungotumirana mameseji asi mozopedzisira mava kutumirana anonyadzisira zvisingaiti.”

 Vanhu vanozviitirei? Vamwe vari kuyaruka vanoti, “kuva nepikicha mufoni yemunhu asina kupfeka waunodanana naye kunoratidza kuti wava kupinda pabonde,” rakataura kudaro rimwe gweta mupepanhau rinonzi The New York Times. Mumwe wechiduku akatoti ukaita izvi unenge uchiita bonde rakadzivirirwa. Uyezve akati, “haubati pamuviri uye zvirwere zvinotapuriranwa pabonde.”

 Zvimwe zvikonzero zvinoita kuti vechiduku vatumirane mameseji anonyadzisira ndeizvi:

  •   Kuda kukwezva munhu wavanoshuva kuzodanana naye.

  •   Mumwe munhu anenge avatumira pikicha inonyadzisira saka vanobva vanzwa vachida kumutumirawo.

Kutumira mameseji anonyadzisira kwakaipirei?

  Kana wangotumira pikicha pafoni, pikicha yacho hauchakwanisi kuidzosa, kana kutaura kuti unoda kuti ishandiswe sei, kana kuziva kuti ichakanganisa sei mukurumbira wako. Mumwe muongorori uye munyori wepaPew Research Center anonzi Amanda Lenhart anoti: “Zvinhu zvakaipa zvinoitwa nemunhu zvava nyore kupararira kune vamwe uye zvinogona kuchengetwa kuti zvizoonekwa nevamwe.”

 Pane dzimwe nguva

  •    Munhu anenge atumirwa pikicha yemunhu asina kupfeka anoitumira kushamwari dzake dzakawanda kuti dziionewo.

  •    Vakomana vanenge varambwa nevasikana vanotumira mapikicha emusikana wacho asina kupfeka vachida kumunyadzisa.

 WAIZVIZIVA HERE? Kazhinji kutumira mapikicha evanhu vasina kupfeka imhosva yakangofanana nekushungurudza vana kana kuti yokuparadzira mapikicha evana vari kuita bonde. Vamwe vana vakatumira mameseji anonyadzisira vakabatwa nemhosva yokushungurudza vamwe panyaya dzebonde.

Bhaibheri rinoti chii?

  Bhaibheri rinobvumira kuti vanhu vakaroorana vaite bonde. (Zvirevo 5:18) Asi haribvumiri zvachose zvinhu zvine chokuita nebonde zvinoitwa nevanhu vasina kuroorana. Ona zvinotaurwa nemavhesi aya eBhaibheri:

  •   “Ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara ngazvirege kumbotaurwa nezvazvo pakati penyu, . . . kana mufambiro unonyadzisa kana kutaura kwoupenzi kana majee anonyadzisa.”—VaEfeso 5:3, 4.

  •   “Urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora.”—VaKorose 3:5.

 Mavhesi aya haangoshori “ufeve” (bonde revanhu vasina kuroorana) chete asi anoshorawo zvinhu zvakadai ‘sokusachena’ (zvinhu zvose zvinoratidza kushaya tsika) uye “chido chokurara nomumwe munhu” (kwete chido chokurara nomunhu wawakaroorana naye asi chido chokuita zvinhu zvisina unhu panyaya dzebonde).

 Zvibvunze kuti:

  •   Sei kutumira mapikicha evanhu vasina kupfeka kuchinzi “kusachena”?

  •   Sei zvinganzi maitiro iwayo angaita kuti munhu ave ‘nechido chakaipa chokurara nomumwe munhu’?

  •   Sei kuva nechido chokuona kana kutumira mapikicha evanhu vasina kupfeka ‘kuchikuvadza’?

 Mavhesi anotevera ari muBhaibheri anotopa zvikonzero zvakasimba zvokuti nei usingafaniri kutumira mameseji anonyadzisira.

  •   “Ita zvose zvaunogona kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, somushandi asina chokunyara nacho.”—2 Timoti 2:15.

  •    “Imi munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene omufambiro nemabasa okuzvipira kuna Mwari!”—2 Petro 3:11.

 Mavhesi iwayo anotsanangura zvakanakira kuva netsika dzakanaka. Kuva neunhu hunoyemurika kunoita kuti usazozvidemba pamaitiro aunoita zvinhu.​—VaGaratiya 6:7.

 Zvibvunze kuti:

  •    Ndiri munhu akaita sei?

  •    Ndine chido here chokuti vamwe varambe vachiremekedzwa?

  •    Ndinofarira kuvaraidzwa nezvinhu zvinogona kusvibisa zita remumwe munhu here?

  •    Kutumira mameseji anonyadzisira kunoita kuti vanhu vandione sei?

  •    Kutumira mameseji anonyadzisira kungaita kuti vabereki vangu varambe vachindivimba here?

 NYAYA YAKANYATSOITIKA “Shamwari yangu yaidanana nemumwe mukomana asi yaisada kuti vamwe vazvizive. Akatumira mukomana wake pikicha yake asina kupfeka, mukomana wachowo ndokubva amutumira yakewo. Pasati papera mazuva maviri baba veshamwari yangu vakafunga zvekutarisa mufoni yake. Vakarwadziwa nezvavakaona mufoni. Pavakamubvunza haana kuramba. Ndinoziva kuti naiyewo akarwadziwa nezvaakaita, uye vabereki vake vakanetseka chaizvo uye havana kufara nazvo! Zvavakuvaomera kuti varambe vachivimba naye.”

 Chokwadi chisingarambiki: Kutumira mameseji anonyadzisira kunoita kuti munhu atumira neatumirwa vasava nechiremerera. Mumwe musikana akatanga kuzvitarisira pasi uye kuzvipa mhosva pamusana pezvaaiita pashure pokunge amanikidzwa nemukomana wake kuti vatumirane mameseji anonyadzisira.

 Sezvo kutumirana mameseji anonyadzisira zvichiita kuti ari kutumira uye ari kutumirwa wacho vave vanhu vasina tsika uye zvichigona kutosungisa, zvingava zvakanaka kuti utevedzere zano iri reBhaibheri:

  •   “Tiza kuchiva kwouduku.”—2 Timoti 2:22.

  •   “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira.”—Pisarema 119:37.

Kudai uri iwe waizoitei?

  Shandisa zvinotaurwa neBhaibheri muupenyu hwako. Verenga zvinotaurwa naJanet, wosarudza zvakanaka zvinofanira kuitwa.

 “Rimwe zuva ndakasangana nemumwe mukomana, uye takapanana nhamba dzefoni. Vhiki isati yapera akanga ava kutonditi ndimutumire pikicha yangu ndakapfeka bhurugwa romukati.”​—Janet.

 Unofunga kuti Janet aifanira kuita sei? Kudai uri iwe waizoitei?

  •  1. Unogona kufunga kuti: ‘Hapana chakaipa nokuzviita nokuti kuri kuti taenda kubeach aizongondiona ndakapfeka bhurugwa racho.’

  •  2. Unogona kufunga kuti: ‘Ari kumbodei? Rega ndimutumire pikicha yangu ndakanyatsopfeka ndione kuti anoita sei.’

  •  3. Unogona kufunga kuti: ‘Chaari kungoda kurara neni. Meseji iyi ndiri kutoidzima.’

 Nhamba 3 ndiyo yakanakisisa, unozvionawo sei? Pamusoro pezvo Bhaibheri rinoti: ‘Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye otambura nokuda kwaizvozvo.’​—Zvirevo 22:3, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

 Izvi zvinokubatsira kuti uone chinhu chinozoita kuti utumirane nevamwe mameseji anonyadzisira uye kuita zvinhu zvisina unhu: Unoshamwaridzana nevanhu vakaita sei? (Zvirevo 13:20) “Shamwaridzana nevanhu vaunoziva kuti havadi zvinhu zvisina unhu,” anodaro mumwe mukadzi wechiduku anonzi Sarah. Mumwewo mukadzi anonzi Delia anobvumiranawo nazvo. Anoti: “Dzimwe dzaunoti ishamwari, panzvimbo pokuti dzikukurudzire kuva netsika dzakanaka dzinenge dzichitokukurudzira kuva netsika dzakaipa. Kana zvavanoita zvichipesana nemitemo yaMwari, vanokukurudzira kuti usiye tsika dzako dzakanaka. Ndizvo zvaunoda here?”