Enda pane zvauri kuda

VECHIDIKI VANOBVUNZA KUTI

Ndingaita Sei Kuti Ndisarukutika?

Ndingaita Sei Kuti Ndisarukutika?

 Unoona sekuti pane zvichazopedzisira zvaita kuti urukutike here? Kana zvakadaro, nyaya ino ichakubatsira!

 Nei zvichiitika?

  •   Kuwandirwa nezvokuita. Mumwe musikana anonzi Julie anoti, “Pazvese zvatinoita, vanhu vanotikurudzira kuvandudza upenyu hwedu neunhu hwedu, kuva nezvinangwa zvekuva neupenyu hwepamusoro uye kuzadzisa zvinangwa izvozvo. Kuramba uchingoudzwa mashoko akadai kunoita kuti unetseke!”

  •   Kugadzirwa kwezvinhu. Iye zvino kwava nemafoni, matablets, nezvimwewo uye vanhu vanogara vari paindaneti, uye izvi zvinotinetesa, topedzisira tarukutika.

  •   Kusarara. “Kuti vechidiki vawane nguva yekuenda kuchikoro, kubasa uye yekutandara, vanopedzisira vava kukurumidza kumuka, uye kunonoka kurara, uye izvi zvinogona kuramba zvichiitika zvekuti zvinozovakanganisa,” anodaro musikana anonzi Miranda. Izvi zvinoita kuti vazopedzisira varukutika.

 Nei zvichikosha?

 Bhaibheri rinokurudzira vanhu kuti vashande nesimba. (Zvirevo 6:6-8; VaRoma 12:11) Asi harikurudziri vanhu kuti vashande kusvika pakushaya nguva yekuita zvimwewo zvinhu muupenyu, zvakadai sekuchengetedza utano hwavo.

 “Rimwe zuva ndakazoona kuti ndakanga ndatoswera ndisina kumbodya chimwe chinhu nekuda kwekuwandirwa nezvekuita. Ndakazoona kuti hazvina kunaka kungobvuma mabasa ese zvekuti unobva washaya nguva yekuita zvinhu zvinoita kuti uchengetedze utano hwako.”—Ashley.

 Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Imbwa mhenyu iri nani pane shumba yakafa.” (Muparidzi 9:4) Kana ukazvimanikidza kuita zvimwe zvinhu, ungafunga kuti une simba rakaita sereshumba asi hauna kwaunosvika. Kushanda nesimba kusvika warukutika kunogona kukanganisa utano hwako.

 Zvaunogona kuita

  •   Dzidza kuramba zvimwe zvinhu. Bhaibheri rinoti, “Vane mwero ndivo vane uchenjeri.” (Zvirevo 11:2) Vanhu vane mwero havabvumi zvinhu zvakawanda kupfuura zvavanokwanisa.

     “Chinhu chikuru chinoita kuti munhu azopedzisira arukutika kutadza kuramba zvimwe zvinhu, uye munhu akadaro anongobvuma mabasa ese anenge auya. Uku kutadza kuva nemwero. Munhu akadaro anopedzisira arukutika.”—Jordan.

  •   Wana nguva yakakwana yekuzorora. Bhaibheri rinoti: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Vamwe vanototi kurara “kudya kwepfungwa,” asi vechidiki vakawanda havasi kurara maawa 8 kusvika ku10 usiku hwega hwega sezvo achinzi ndiwo anoita kuti vave neutano hwakanaka.

     “Pandainge ndiine zvakawanda zvekuita, ndaiwanzononoka kurara. Asi kusarara kunotoita kuti nditadze kuita nemazvo zvandinenge ndichida kuita zuva rinotevera uye ndinobva ndashaya mufaro.”—Brooklyn.

  •   Iva munhu akarongeka. Bhaibheri rinoti: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira [zvinobudirira].” (Zvirevo 21:5) Kana ukadzidza kushandisa nguva yako zvakanaka zvichakubatsira kweupenyu hwako hwese.

     “Kugara waronga zvaunoda kuzoita kunogona kuita kuti usazonyanya kunetseka. Kana ukagara uine purogiramu, zvichakuitira nyore kuti uone paunogona kuchinja kuti usazopedzisira warukutika.”—Vanessa.