Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 85

Jesu Anorapa Pazuva reSabata

Jesu Anorapa Pazuva reSabata

VaFarisi vaivenga Jesu uye vaitsvaga chikonzero chekuti vamusunge. Vaiti aisafanira kurapa varwere musi weSabata. Pane rimwe Sabata, Jesu akaona mumwe murume akaberekwa ari bofu ari munzira achipemha. Akaudza vadzidzi vake kuti: ‘Honai kuti simba raMwari richabatsira sei murume uyu.’ Jesu akakanya ivhu nemate ake ndokubva arinamira pamaziso emurume wacho. Akabva amuudza kuti: ‘Enda unogeza maziso ako mudziva reSiroami.’ Murume wacho akaenda kunoita izvozvo uye kubva ipapo akanga ava kutoona.

Vanhu vakashamiswa chaizvo. Vakati: ‘Ndiye here murume uya aigara achipemha, kana kuti kungofananawo hako?’ Murume wacho akati: ‘Ehe, ndini!’ Vanhu vacho vakamubvunza kuti: ‘Zvakafamba sei kuti uzoona?’ Paakavaudza zvakanga zvaitika, vakamutora vakaenda naye kwaiva nevaFarisi.

Murume wacho akaudza vaFarisi kuti: ‘Jesu akanamira ivhu pamaziso angu achibva andiudza kuti ndiende kunorigeza. Pandakaita izvozvo ndakabva ndatanga kuona.’ VaFarisi vakabva vati: ‘Kana Jesu achirapa pazuva reSabata, saka simba rake haribvi kuna Mwari.’ Asi vamwe vaiti: ‘Kudai simba rake risingabvi kuna Mwari, angadai asiri kutombokwanisa kurapa.’

VaFarisi vakashevedza vabereki vemurume wacho ndokuvabvunza kuti: ‘Zvakafamba sei kuti mwana wenyu azotanga kuona?’ Vabereki vacho vaitya nekuti vaFarisi vakanga vati munhu wese anotenda muna Jesu anofanira kudzingwa musinagogi. Saka vakati: ‘Hatizivi. Mubvunzei.’ VaFarisi vacho vakatanga kubvunza murume uya mibvunzo yakawanda kusvika azoti kwavari: ‘Ndakuudzai kare zvese zvandinoziva. Nei muri kungoramba muchindinetsa?’ VaFarisi vacho vakatsamwa ndokubva vamudzinga musinagogi.

Jesu akatsvaga murume wacho akamubvunza kuti: ‘Unotenda muna Mesiya here?’ Murume wacho akati: ‘Ndaizotenda maari kudai ndaimuziva.’ Jesu akati: ‘Ndini Mesiya wacho.’ Jesu akanga aine mutsa handiti? Akarapa murume wacho uye akatomubatsirawo kuti ave nekutenda.

“Makarasika, nekuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari.”​—Mateu 22:29