Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 9

Vakazova Nemwanakomana!

Vakazova Nemwanakomana!

Abrahamu naSara vakanga vava nemakore akawanda vakaroorana. Vakanga vasiya musha wavo wakanaka chaizvo kuUri uye vakanga vava kugara mutende. Asi Sara haana kugunun’una, nemhaka yekuti aivimba naJehovha.

Sara aida chaizvo kuva nemwana zvekuti akaudza Abrahamu kuti: ‘Kana ukaita mwana nemuranda wangu Hagari, mwana wacho anenge achitoita sewangu.’ Pava paya, Hagari akava nemwanakomana. Zita rake ainzi Ishmaeri.

Papfuura makore akawanda, Abrahamu paakanga ava nemakore 99 uye Sara ava ne89, vakashanyirwa nevaenzi vatatu. Abrahamu akavati vazorore pasi pemuti, kuti avape zvekudya. Unoziva here kuti vaenzi vacho vaiva vanaani? Dzakanga dziri ngirozi! Dzakaudza Abrahamu kuti: ‘Gore rinouya panguva yakaita seino, iwe nemudzimai wako muchava nemwanakomana.’ Sara ainzwa zvavaitaura ari mutende. Akabva atanga kuseka zvake nechemumwoyo achifunga kuti: ‘Ini chaiye ndingava nemwana, nekuchembera kwandaita uku?’

Gore rakatevera, Sara akabereka mwana mukomana, sezvavakanga vavimbiswa nengirozi yaJehovha. Abrahamu akamutumidza kuti Isaka, zvinoreva kuti “Kuseka.”

Isaka paakanga ava nemakore anenge 5, Sara akaona Ishmaeri achitsvinyira Isaka. Sara aida kudzivirira mwanakomana wake, saka akaenda kuna Abrahamu ndokumuudza kuti adzinge Hagari naIshmaeri. Pakutanga Abrahamu akanga asingadi kuita izvozvo. Asi Jehovha aidawo kudzivirira Isaka, saka akati kuna Abrahamu: ‘Teerera zvataurwa naSara. Ndichachengeta Ishmaeri. Asi vimbiso dzangu dzichazadzika nokuna Isaka.’

“Nekutenda uyuwo Sara akagamuchira simba rekubata pamuviri pemwana . . . sezvo aiziva kuti uya akanga amupikira akanga akatendeka.”​—VaHebheru 11:11