Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 34

Gidhiyoni Akakunda vaMidhiyani

Gidhiyoni Akakunda vaMidhiyani

Nguva zvayaifamba, vaIsraeri vakasiya Jehovha uye vakatanga kunamata vanamwari venhema. Kwemakore 7, vaMidhiyani vaiba zvipfuwo zvavo uye vaiparadza zvirimwa zvavo. VaIsraeri vaihwanda mumapako nemumakomo vachitiza vaMidhiyani. Vakakumbira Jehovha kuti avanunure. Saka Jehovha akatuma ngirozi kune mumwe murume wechidiki ainzi Gidhiyoni. Ngirozi yacho yakati: ‘Jehovha akusarudza kuti uve musoja ane simba.’ Gidhiyoni akabvunza kuti: ‘Ndingaponesa sei vaIsraeri? Handisi chinhu.’

Gidhiyoni aizoziva sei kuti Jehovha akanga amusarudza? Akatora jira remvere dzemakwai akariisa pasi akati kuna Jehovha: ‘Mangwana mangwanani, kana jira iri rikanyorova nedova asi pasi pakaoma, ndichabva ndaziva kuti munoda kuti ndiponese vaIsraeri.’ Zuva rakatevera racho mangwanani, jira riya rakanga rakanyorova asi pasi pakaoma! Asi Gidhiyoni akabva azokumbira kuti mangwanani aizotevera jira racho ringe rakaoma asi pasi pakanyorova. Izvozvo pazvakaitika, Gidhiyoni akabva anyatsova nechokwadi chekuti Jehovha akanga amusarudza. Akaunganidza masoja ake kuti arwe nevaMidhiyani.

Jehovha akaudza Gidhiyoni kuti: ‘Ndichaita kuti vaIsraeri vakunde. Asi nekuti une masoja akawandisa, munogona kuzofunga kuti makunda hondo yacho mega. Udza munhu wese ari kutya kuti adzokere kumba.’ Saka masoja 22 000 akadzokera kumba, uye 10 000 ndiwo akasara. Jehovha akabva ati: ‘Masoja acho achiri akawandisa. Huya navo kurwizi uye vaudze kuti vanwe mvura. Chingosara nevaya chete vanoti pavanenge vachinwa mvura vanenge vakangwarira kuti vaone vavengi.’ Varume 300 chete ndivo vainge vakangwarira pavainwa mvura. Jehovha akavimbisa kuti varume vashoma ivavo ndivo vaizokunda masoja 135 000 evaMidhiyani.

Usiku ihwohwo, Jehovha akaudza Gidhiyoni kuti: ‘Ino ndiyo nguva yekuti murwise vaMidhiyani!’ Gidhiyoni akapa varume vake hwamanda uye zvirongo zvikuru zvakanga zviine matochi emoto mukati. Akavaudza kuti: ‘Nditarisei, uye itai zvandinenge ndaita chaizvo.’ Gidhiyoni akaridza hwamanda yake, akaputsa chirongo chake, akasimudza tochi yake yemoto uye akashevedzera kuti: ‘Bakatwa raJehovha neraGidhiyoni!’ Varume 300 vaaiva navo vakaitawo saizvozvo. VaMidhiyani vakatya, vakatanga kumhanya-mhanya kwese kwese. Vavhiringidzika kudaro, vakatanga kurwisana ivo pachavo. Jehovha akabatsirazve vaIsraeri kukunda vavengi vavo.

“Kuti zvioneke kuti simba rinopfuura redu pachedu rinobva kuna Mwari, kwete kwatiri.”​—2 VaKorinde 4:7