Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 47

Jehovha Akasimbisa Eriya

Jehovha Akasimbisa Eriya

Jezebheri akanzwa zvakanga zvaitika kuvaprofita vaBhaari, uye akatsamwa chaizvo. Akabva atumira shoko kuna Eriya rekuti: ‘Mangwana chaiwo uchafawo sezvakaita vaprofita vaBhaari.’ Eriya akatanga kutya, achibva atizira kurenje. Akanyengetera achiti: ‘Jehovha, ini handichazvikwanisi. Zviri nani hangu ndife.’ Sezvo ainge aneta, akabva abatwa nehope ari pasi pemuti.

Ngirozi yakamumutsa ikataura naye zvinyoronyoro ichiti: ‘Muka udye.’ Eriya akabva amuka ndokuona chingwa cheraundi chiri pamatombo aipisa uye chirongo chemvura. Akabva adya ndokunwa mvura, achibva ararazve. Ngirozi yacho yakabva yamumutsa zvakare, ikati: ‘Idya. Unofanira kuwana simba rekufamba rwendo.’ Saka Eriya akamuka akadya zvakare. Akabva afamba kwemazuva 40 neusiku 40, kusvika azosvika paGomo reHorebhi. Asvika ikoko akapinda mubako kuti arare. Asi Jehovha akabva ataura naye. Akati: ‘Uri kuitei pano, Eriya?’ Eriya akapindura kuti: ‘VaIsraeri havasi kuita zvavakakuvimbisai. Vakaputsa atari dzenyu uye vakauraya vaprofita venyu. Iye zvino vari kudawo kundiuraya.’

Jehovha akati kwaari: ‘Buda panze unomira pagomo.’ Pakatanga paita mhepo yakasimba chaizvo yaipfuura nepamberi pebako. Pakabva pazova nekudengenyeka kwenyika uye moto. Eriya akazonzwa inzwi rainge rakanyorovera, rainzwikira pasi pasi. Akabva avhara kumeso nejasi rake, ndokumira pamusuo webako racho. Jehovha akabva amubvunza kuti nei akanga atiza. Eriya akati: ‘Ndini ndega ndasara.’ Asi Jehovha akamuudza kuti: ‘Hausi wega. MuIsraeri mune vamwe 7 000 vachiri kundinamata. Enda unogadza Erisha kuti ave muprofita panzvimbo pako.’ Eriya akabva atoenda kunoita zvaakanga audzwa naJehovha. Unofunga kuti Jehovha achakubatsirawo here kana ukaita zvaanenge akuudza kuti uite? Ehe, achakubatsira. Ngationei chimwe chinhu chakaitika panguva iyoyo yekusanaya kwemvura.

“Musazvidya mwoyo nezvechinhu chero chipi zvacho, asi muzvinhu zvese zvikumbiro zvenyu ngazviziviswe Mwari muchinyengetera uye muchiteterera pamwe chete nekuonga.”​—VaFiripi 4:6